Exodus (17/40)  

1. Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachiita nzendo nzendo, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura inganwiwa navanhu.
2. Vanhu vakarwa naMozisi, vakati, "Tipe mvura tinwe." Mozisi akati kwavari, "Munorwireiko neni? Munoedzereiko Jehovha?"
3. Vanhu zvino vakanga vanenyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, "Wakatibudisireiko Ijipiti, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?"
4. Mozisi akachema kuna Jehovha, akati, "Ndichaiteiko navanhu ava? Voda kunditaka namabwe."
5. Jehovha akati kuna Mozisi, "Tungamira pamberi pavanhu, uende navakuru vaIsiraeri, utore tsvimbo yako yawakamborova rwizi nayo muruoko rwako uende.
6. Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagonwa." Mozisi akaita saizvozvo pamberi pavakuru vaIsiraeri.
7. Akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Masa neMeribha nokuda kwokurwa kwavana vaIsiraeri, uye nokuti vakaedza Jehovha, vachiti, "Jehovha ari pakati pedu here, kana kwete?"
8. Zvino Amareki akauya kuzorwa navaIsiraeri paRefidhimu.
9. Mozisi akati kuna Joshua, "Utitsaurire varume, ugondorwa naAmareki; mangwana ini ndichamira pamusoro pechikomo, ndakabata tsvimbo yaMwari muruoko rwangu."
10. Joshua akaita sezvaakanga audzwa naMozisi, akandorwa naAmareki; Mozisi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.
11. Zvino zvakati kana Mozisi osimudza ruoko rwake, vaIsiraeri vokunda, kana oregera ruoko rwake pasi, Amareki okunda.
12. Asi maoko aMozisi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake , mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva.
13. Joshua akakunda Amareki navanhu vake neminondo inopinza.
14. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Nyora izvi mubhuku, vazvirangarire, uzvirondedzerewo munzeve dzaJoshua, kuti ini ndichabvisa chose pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki."
15. Ipapo Mozisi akavaka atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-nisi;
16. akati, "Noruoko pachigaro choushe chaJehovha, ndinopika ndichiti, `Jehovha acharwa naAmareki kusvikira kumarudzi namarudzi.' "

  Exodus (17/40)