| ← Exodus (16/40) → | 
| 1. | Zvino vakabva Erimu parwendo rwavo, ungano yose yavana vaIsiraeri ikasvika parenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi namashanu romwedzi wechipiri pakubva kwavo panyika yeljipiti. | 
| 2. | Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mozisi naAroni murenje; | 
| 3. | vana vaIsiraeri vakati kwavari, "Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara." | 
| 4. | Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete. | 
| 5. | Zvino nomusi wetanhatu kana vogadzira izvo zvavauya nazvo, zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero chavanosiunganidza zuva rimwe nerimwe." | 
| 6. | Zvino Mozisi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, "Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeIjipiti. | 
| 7. | Fume mangwana muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti iye akanzwa kupopota kwamakapopotera Jehovha nako; isu tisu vanaaniko, zvamunotipopotera isu?" | 
| 8. | Mozisi akati, "Muchaona izvozvo kana Jehovha achikupai nyama madekwana, mukaidya, namangwana kana achikupai zvingwa, mukaguta; nokuti Jehovha akanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu vanaaniko zvamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehovha." | 
| 9. | Mozisi akati kuna Aroni, "Udza ungano yose yavana vaIsiraeri, uti, `Swederai pamberi paJehovha, nokuti akanzwa kupopota kwenyu.' " | 
| 10. | Zvino Aroni akati achataura neungano yose yavana vaIsiraeri, ivo vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore. | 
| 11. | Jehovha akataura naMozisi, akati, | 
| 12. | "Ndanzwa kupopota kwavana vaIsiraeri; taura navo uti, `Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa;' zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu." | 
| 13. | Zvino madekwana zvihuta zvikakwira, zvikafukidza misasa; fume mangwana dova rakanga rakapoteredza misasa. | 
| 14. | Zvino dova rakanga riri pasi rikati radzimuka, vakaona zvinhu zviduku zvakaurungana zvakanga zviri pasi murenje, zviduku sechando pavhu. | 
| 15. | Vana vaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, "Chinyiko?" Nokuti vakanga vasingazvizivi. Mozisi akati kwavari, "Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye. | 
| 16. | Zvino heri shoko rakarairwa naJehovha, `Muzviunganidzire chinhu icho, mumwe nomumwe sezvaanosidya; munhu mumwe nomumwe omeri imwe, muchiverenga vanhu venyu, mumwe nomumwe atorere vari mutende rake.' " | 
| 17. | Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakaunganidza zvizhinji, vamwe zvishoma. | 
| 18. | Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya. | 
| 19. | Mozisi akati kwavari, "Kurege kuva nomunhu anosiya zvimwe kusvikira mangwana." | 
| 20. | Asi havana kuteerera Mozisi, asi vamwe vakasiya zvimwe kusvikira mangwana; zvikazara honye, zvikanhuwa; Mozisi akavatsamwira. | 
| 21. | Vakazviunganidza mangwanani ose, mumwe nomumwe sezvaaidya; kana zuva ropisa zvakanyakatika. | 
| 22. | Nezuva retanhatu vaiunganidza chingwa vachiita zviyero zviviri, mumwe nomumwe omeri zvino vakuru vose veungano vakauya kuzoudza Mozisi. | 
| 23. | Mozisi akati kwavari, "Ndizvo zvakataurwa naJehovha, `Mangwana izuva rezororo, iSabata rakatsaurirwa Jehovha;' gochai zvamunoda kugocha, bikai zvamunoda kubika; zvose zvasara muzvivige, muzvichengetere mangwana." | 
| 24. | Vakazviviga kusvikira mangwana, sezvavakanga varairwa naMozisi; zvino izvo hazvina kunhuwa, nehonye hadzina kuzovamo. | 
| 25. | Mozisi akati, "Chidyai henyu izvozvo nhasi, nokuti nhasi iSabata raJehovha. Nhasi hamungazviwani kusango. | 
| 26. | Munofanira kuzviunganidza mazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe iSabata; nezuva iroro hakungavi nechinhu." | 
| 27. | Zvino nezuva rechinomwe vamwe vakabuda kunozviunganidza, asi havana kuwana chinhu. | 
| 28. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemirau yangu kusvikira rinhiko? | 
| 29. | Tarirai, Jehovha zvaakakupai Sabata, naizvozvo anokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurega kuvapo nomunhu anobuda kwaagere nezuva rechinomwe." | 
| 30. | Vanhu vakazorora nezuva rechinomwe. | 
| 31. | Zvino veimba yaIsiraeri vakatumidza izvozvo zita rinonzi Mana; chakanga chiri chichena setsanga yekorianderi; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi. | 
| 32. | Zvino Mozisi akati, "Ndiro shoko rakarairwa naJehovha, `Omeri izere ngaichengeterwe marudzi enyu, vaone chingwa chandakakugutsai nacho murenje, nguva yandakakubudisai munyika yeIjipiti.' " | 
| 33. | Zvino Mozisi akati kuna Aroni, "Tora hari uisemo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehovha, kuti ichengeterwe marudzi enyu." | 
| 34. | Sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha, saizvozvo Aroni akazvigadzika pamberi peChipupuriro, kuti zvichengetwepo. | 
| 35. | Vana vaIsiraeri vakadya mana makore makumi mana, kudzimara vachisvika panyika yakagarwa navanhu; vakadya mana kudzimara vachisvika pamiganhu yenyika yeKenani. | 
| 36. | Zvino omeri chegumi cheefa. | 
| ← Exodus (16/40) → |