Exodus (15/40)  

1. Zvino Mozisi navana vaIsiraeri vakaimbira Jehovha rwiyo urwu, vakataura vachiti, "Ndichaimbira Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa.
2. Jehovha ndiro simba rangu norwiyo rwangu; iye akava ruponeso rwangu; uyu ndiye Mwari wangu, ndichamurumbidza; Mwari wababa vangu, ndichamukudza.
3. Jehovha munhu wokurwa; Jehovha ndiro zita rake.
4. Akakandira ngoro dzaFarao nehondo yake mugungwa; varwi vake vakasanangurwa vakanyudzwa muGungwa Dzvuku.
5. Mvura yakadzika yakavafukidza; vakanyura makadzika sebwe.
6. Rudyi rwenyu, Jehovha, rwakakudzwa nesimba rarwo; rudyi rwenyu, Jehovha, runoputsanya vavengi.
7. Noumambo hwenyu ukuru munowisira pasi vanokumukirai simba; munotuma kutsamwa kwenyu, kunovapisa sehundi.
8. Nokufema kwemhino dzenyu, mvura yakaunganidzwa pamwechete; nzizi dzikamira dzikaita murwi, mvura yakadzika yakagwamba mukati megungwa.
9. Muvengi akati, `Ndichateverera, ndichavabata, ndichagovera zvandapamba; kuchiva kwangu kuchagutswa navo; ndichavhomora munondo wangu, ruoko rwangu ruchavaparadza.'
10. Makafema mweya wenyu, gungwa rikavafukidza, vakanyura somutobvu mumvura ine simba.
11. Ndianiko akafanana nemi, Jehovha, pakati pavamwari? Ndianiko akafanana nemi paukuru hwoutsvene, munorumbidzwa muchityisa, munoita zvishamiso?
12. Makatambanudza ruoko rwenyu rworudyi, nyika ikavamedza.
13. Makafambisa nenyasha dzenyu vanhu vamakadzikunura; makavaperekedza nesimba renyu kuugaro hwenyu utsvene.
14. Vanhu vakanzwa vakadedera, mabayo akawira vanhu vagere Firisitia.
15. Ipapo machinda eEdhomu akashamiswa, kudedera kwakawira vanhu vane simba veMoabhu; vanhu vose vanogara Kenani vakanyauka.
16. Kutya nokuvhunduka kwakavawira; vakanyarara sebwe noukuru hworuoko rwenyu; kusvikira vanhu venyu vayambuka, Jehovha, kusvikira vanhu venyu vamakazvitsvakira vayambuka.
17. Muchavapinza, nokuvasima pagomo renhaka yenyu, paugaro hwamakazviitira, kuti mugarepo, Jehovha; patsvene pakaitwa namaoko enyu.
18. Jehovha achabata ushe nokusingaperi."
19. Nokuti mabhiza aFarao akapinda mugungwa pamwechete nengoro dzake, navatasvi vake vamabhiza, Jehovha akadzosera mvura yegungwa pamusoro pavo; asi vana vaIsiraeri vakafamba pakaoma mukati megungwa.
20. Zvino Miriami, muporofitakadzi, hanzvadzi yaAroni, akatora gandira muruoko rwake, vakadzi vose vakabuda vakamutevera vanamakandira, vachitamba.
21. Miriami akavapindura akati, "Imbirai Jehovha, nokuti akasimuka nesimba rake; akakandira bhiza nomutasvi waro mugungwa."
22. Zvino Mozisi akatungamirira vaIsiraeri, vakabva paGungwa Dzvuku, vakaenda kurenje reShuri, vakaita mazuva matatu vachifamba murenje vasingawani mvura.
23. Vakasvika Mara, asi vakanga vasingagoni kunwa mvura yapaMara, nokuti yakanga ichivava; naizvozvo zita rapo rakanzi Mara.
24. Zvino vanhu vakapopotera Mozisi, vakati, "Tichanweiko?"
25. Iye akachema kuna Jehovha, Jehovha akamuratidza muti, akaukandira mumvura, mvura ikanaka. Akavaitirapo murayiro nomutemo, akavaedzapo;
26. akati, "Kana uchiteerera nomoyo wose inzwi raJehovha Mwari wako, ukaita zvakarurama pamberi pake, ukarerekera nzeve dzako kumirairo yake, ukachengeta zvaakatema zvose, handingaisi pamusoro pako marwadzo andakaisa pamusoro pavaIjipiti, nokuti ndini Jehovha murapi wako."
27. Zvino vakasvika Erimu, pakanga pana matsime emvura ane gumi namaviri, nemichindwe ina makumi manomwe, vakavakapo misasa pamvura.

  Exodus (15/40)