Exodus (12/40)  

1. Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni munyika akati,
2. "Mwedzi uno unofanira kuva mwedzi wokutanga kwamuri, unofanira kuva mwedzi wokutanga wegore.
3. Taurai kuungano yose yavaIsiraeri, muti, `Nomusi wegumi womwedzi uno mumwe nomumwe ngaatore gwayana, vachiverenga dzimba dzamadzibaba avo; mhuri imwe neimwe ive negwayana rayo.
4. Kana mhuri iri duku vasingagoni kupedza gwayana, ivo navagere pedo neimba yavo ngavatore rimwe rinoringana vanhu. Muringanise gwayana pakudya kwomumwe nomumwe.
5. Gwayana renyu ngarirege kuva nechinhu chisakafanira, mukono wegore rimwe; muritore pamakwai kana pambudzi;
6. zvino murichengete kusvikira pazuva regumi namana romwedzi, ipapo ungano yose yavanhu vose vaIsiraeri ngavariuraye madekwana.
7. Zvino ngavatore rimwe ropa raro, variise pamagwatidziro maviri egonhi, napachivivo chokumusoro, padzimba pavacharidyira.
8. Vadye nyama yaro usiku ihwohwo, yakagochwa pamoto, nechingwa chisina kuviriswa; vaidye nemiriwo inovava.
9. Regai kuidya isina kuibva, kana yakabikwa nemvura, asi yakagochwa pamoto musoro waro namakumbo aro pamwechete noura hwaro.
10. Musasiya chimwe charo kusvikira mangwana; zvose zvaro zvinosara kusvikira mangwana muzvipise nomoto.'
11. Muridye kudai: Makasunga zviuno zvenyu, makapfeka shangu dzenyu patsoka dzenyu, makabata tsvimbo dzenyu mumaoko enyu; muridye muchikurumidza; iPasika yaJehovha.
12. "Nokuti nousiku ihwohwo ndichafamba napakati penyika yeIjipiti, ndichirova madangwe ose avanhu panyika yeIjipiti, navana vose vemhongora dzezvipfuwo; ndichatonga vamwari vose veIjipiti; ndini Jehovha.
13. Asi ropa richava chiratidzo kwamuri padzimba mamugere, kana ndichiona ropa ndichakupfuurai, kuti dambudziko rirege kukuwirai, rikuparadzei, kana ndichirova nyika yeIjipiti.
14. Zuva iri richava chirangaridzo kwamuri, munofanira kutambira Jehovha mutambo naro; munofanira kutamba mutambo naro pamarudzi enyu ose uve murayiro nokusingaperi.
15. "Mudye chingwa chisina kuviriswa kwamazuva manomwe; nezuva rokutanga mubvise mbiriso yose padzimba dzenyu; nokuti munhu anodya chingwa chakaviriswa kubva pazuva rokutanga kusvikira pazuva rechinomwe ngaabviswe pakati pavaIsiraeri.
16. Nezuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene, uye nezuva rechinomwe ungano tsvenezve; namazuva iwayo mabasa ose ngaarege kuitwa, asi zvinodyiwa nomunhu mumwe nomumwe zvingagadzirwa nemi, izvozvo bedzi.
17. Munofanira kutamba mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa, nokuti ndiro zuva randakabvisa naro hondo dzenyu dzose panyika yeIjipiti; naizvozvo chengetai zuva iroro kusvikira kumarudzi enyu ose, uve murayiro nokusingaperi.
18. Nomwedzi wokutanga nezuva regumi namana romwedzi, madekwana, munofanira kudya zvingwa zvisina kuviriswa kusvikira pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi madekwana.
19. Mazuva manomwe mbiriso irege kuwanikwa mudzimba dzenyu, nokuti ani naani, anodya zvakaviriswa anofanira kubviswa paungano yavaIsiraeri, kana ari mutorwa, kana ari munhu akaberekerwa munyika.
20. Regai kudya chinhu chakaviriswa; padzimba dzenyu dzose mudye zvingwa zvisina kuviriswa."
21. Zvino Mozisi akadana vakuru vose vavaIsiraeri, akati kwavari, "Endai mundotora makwayana anoringana mhuri dzenyu, mubaye Pasika.
22. Mutore sumbu rehisopi, murinyike muropa riri mumudziyo, muzodze chivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri egonhi neropa riri mumudziyo; kurege kuva nomumwe wenyu anobuda pamukova weimba yake kusvikira mangwana.
23. Nokuti Jehovha achapfuura napakati penyika kuti arove vaIjipiti; kana akaona ropa pachivivo chokumusoro, namagwatidziro maviri, Jehovha achadarika mukova uyo, haangatenderi muparadzi kupinda mudzimba dzenyu akurovei.
24. Chengeta chinhu ichocho, uve murayiro kwauri nokuvana vako nokusingaperi.
25. Zvino kana muchizosvika panyika yamuchapiwa naJehovha, sezvaakakupikirai, muchengete basa iri.
26. Zvino kana vana venyu vakati kwamuri, `Basa iri rinoti kudiniko?'
27. Muti kwavari, `Ndicho chibayiro chePasika yaJehovha, akadarika dzimba dzavana vaIsiraeri paIjipiti nomusi waakarova vaIjipiti, akaponesa dzimba dzedu.' "Ipapo vanhu vakakotamisa misoro yavo, vakanamata.
28. Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.
29. Zvino pakati pousiku Jehovha akarova madangwe ose panyika kubva padangwe raFarao aizogara pachigaro chake choushe, kusvikira padangwe romusungwa akanga ari mutorongo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo.
30. Zvino Farao akamuka usiku, iye navaranda vake navaIjipiti vose, kukava nokuchema kukuru paIjipiti, nokuti kwakanga kusina imba musina akafa;
31. akadana Mozisi naAroni usiku, akati, "Simukai, ibvai pakati pavanhu vangu, imwi navana vaIsiraeri, endai mundonamata Jehovha sezvamakataura.
32. Torai makwai enyu nemombe dzenyu, sezvamakataura, endai, neni mundiropafadzewo."
33. VaIjipiti vakakurudzira vanhu kwazvo, kuti vakurumidze kuvabudisa panyika, nokuti vakati, "Isu tofa tose!"
34. Vanhu vakatora mukanyiwa wavo, usati waviriswa, nemidziyo yavo yokukanyira yakaputirwa munguvo dzavo pamafudzi avo.
35. Vana vaIsiraeri vakaita sezvavakaudzwa naMozisi, vakakumbira kuna vaIjipiti zvishongo zvesirivha, nezvishongo zvendarama, nenguvo.
36. Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti, vakavapa izvozvo zvavakakumbira; vakapedzera vaIjipiti.
37. Zvino vana vaIsiraeri vakabva Ramasesi, vakaenda Sukoti, vakanga vari varume vanofamba netsoka vane zviuru zvamazana zvitanhatu, vana vasingaverengwi.
38. Navanhu vazhinji vakanga vakavhengana vakaenda navo, namakwai nemombe, zviri zvipfuwo zvizhinji-zhinji.
39. Vakabika zvingwa zvisina kuviriswa nomukanyiwa wavakanga vabuda nawo paIjipiti, nokuti wakanga usina kuviriswa; nokuti vakadzingwa muIjipiti, vakasagona kunonoka, vakasazvigadzirira mbuva.
40. Zvino nguva yakagara vana vaIsiraeri muIjipiti akanga ari makore ana mazana mana namakumi matatu.
41. Pakupera kwamakore ana mazana mana namakumi matatu, nomusi iwoyo, hondo dzose dzaJehovha dzakabuda munyika yeIjipiti.
42. Usiku ihwohwo hunofanira kurangarirwa Jehovha, nokuti akavabudisa panyika yeIjipiti nahwo. Ndihwo usiku hwaJehovha, hunofanira kurangarirwa kwazvo navana vaIsiraeri vose namarudzi avo ose.
43. Jehovha akatiwo kuna Mozisi naAroni, "Murayiro wePasika ndiwo: Mutorwa ngaarege kuidya.
44. Asi muranda womunhu mumwe nomumwe akatengwa nemari, angaidya kana mamudzingisa.
45. Mutorwa kana muranda anoripirwa ngaarege kuidya.
46. Inofanira kudyirwa mumba mumwe; haufaniri kutora imwe nyama ukaenda nayo kunze kweimba; uye musavhuna pfupa rayo.
47. Ungano yose yavaIsiraeri inofanira kuiita.
48. Kana mutorwa agere newe achida kuitira Jehovha Pasika, vanhurume vose vari kwaari ngavadzingiswe, ipapo ngaaswedere hake kuiita; zvino afanana nomunhu akaberekerwa panyika; asi asina kudzingiswa ngaarege kuidya.
49. Murayiro ngauve mumwe kunowakaberekerwa mumusha nokumutorwa agere pakati penyu."
50. Zvino vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo; Mozisi naAroni sezvavakanga varairwa naJehovha, ndizvo zvavakaita.
51. Nezuva iroro Jehovha akabudisa vana vaIsiraeri panyika yeIjipiti nehondo dzavo.

  Exodus (12/40)