| ← Exodus (11/40) → |
| 1. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Ndichauyisa dambudziko rimwezve pamusoro paFarao napamusoro peIjipiti, ipapo achakutenderai kubva pano; musi waachakutenderai kuenda, zvirokwazvo achakudzingai chose pano. |
| 2. | Zvino udza vanhu vanzwe, kuti murume mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, nomukadzi mumwe nomumwe akumbire kunowokwake, vapiwe zvishongo zvesirivha nezvishongo zvendarama." |
| 3. | Zvino Jehovha akapa vanhu nyasha pamberi pavaIjipiti. Naiye munhu uyu Mozisi, akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pavaranda vaFarao, napamberi pavanhu. |
| 4. | Zvino Mozisi akati, "Zvanzi naJehovha, `Kana pava pakati pousiku, ndichabuda ndikafamba napakati peIjipiti; |
| 5. | madangwe ose munyika yeIjipiti achafa, kutanga padangwe raFarao anogara pachigaro choushe, kusvikira padangwe romurandakadzi ari paguyo, navana vose vemhongora dzezvipfuwo. |
| 6. | Panyika yose yeIjipiti pachava nokuchema kukuru, kwakadaro hakuna kumbovapo, uye hakungazovipozve.' |
| 7. | Asi pakati pavana valsiraeri vose, pakati pavanhu kana zvipfuwo, hapangavi nembwa ichasimudza rurimi rwayo; kuti muzive kuti Jehovha akatsaura pakati pavaIjipiti navalsiraeri. |
| 8. | Navaranda venyu vose ava vachaburukira kwandiri, vachandipfugamira, vachiti, Ibvai henyu, navanhu vose vanokuteverai; shure kwaizvozvo ndichabuda.' " Akabuda pamberi, paFarao, akatsamwa kwazvo. |
| 9. | Jehovha akati kuna Mozisi, "Farao haangakuteerereyi kuti zvishamiso zvangu zviwanzwe panyika yeIjipiti." |
| 10. | Mozisi naAroni vakaita zvishamiso zviya zvose pamberi paFarao, asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kubva munyika yake. |
| ← Exodus (11/40) → |