| ← Exodus (10/40) → | 
| 1. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Pinda kuna Farao, nokuti ndaomesa moyo wake, nemoyo yavaranda vake, kuti ndiise zviratidzo zvangu izvo pakati pavo; | 
| 2. | kuti iwe ugotaura munzeve dzomwanakomana wako, nedzomwanakomana womwanakomana wako, zvose zvandakaitira Ijipiti, nezviratidzo zvandakaita pakati pavo; muzive kuti ndini Jehovha." | 
| 3. | Zvino Mozisi naAroni vakapinda kuna Farao, vakati kwaari, "Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru, `Ucharamba kuzvininipisa pamberi pangu kusvikira rinhiko?' Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate. | 
| 4. | Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu kuenda, tarira, mangwana ndichauyisa mhashu panyika yenyu; | 
| 5. | dzichafukidza nyika yose, kuti munhu asagona kuona pasi; dzichadya zvakasara zvakapukunyuka, zvamakasiyirwa nechimvuramabwe, dzichadya miti yose inokumererai muminda; | 
| 6. | nedzimba dzenyu dzichazara, nedzimba dzavaranda venyu vose, nedzimba dzavaIjipiti vose; zvakadaro hazvina kumboonekwa namadzibaba enyu, namadzibaba amadzibaba enyu, kubva pazuva ravakatanga panyika kusvikira zuva rino." Ipapo akatendeuka akabuda pamberi paFarao. | 
| 7. | Zvino varanda vaFarao vakati kwaari, "Munhu uyu achava musungo kwatiri kusvikira rinhiko? Tenderai henyu vanhu kuenda, vandonamata Jehovha Mwari wavo; hamuzivi here kuti Ijipiti raparadzwa?" | 
| 8. | Zvino Mozisi naAroni vakadzoserwazve kuna Farao, iye akati kwavari, "Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu; asi vachaenda ndivananiko?" | 
| 9. | Mozisi akati, "Tichaenda navaduku vedu, navakuru vedu, navakomana vedu navasikana vedu; tichaenda namakwai edu, nemombe dzedu; nokuti tinofanira kuitira Jehovha mutambo." | 
| 10. | akati kwavari, "Jehovha ngaave nemi kana ini ndikatongokutenderai kuenda, imwi nepwere dzenyu! Chenjerai, nokuti munenge munofunga zvakaipa. | 
| 11. | Haisva! imwi varume endai henyu, mundonamata Jehovha, nokuti ndizvo zvamakumbira." Vakadzingwa pamberi paFarao. | 
| 12. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tambanudzira ruoko rwako pamusoro penyika yeIjipiti, mhashu dziuye pamusoro penyika yeIjipiti, dzidye miti yose yenyika yose yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe." | 
| 13. | Mozisi akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro penyika Jehovha akauyisa pamusoro penyika mhepo yakabva kumabvazuva zuva iroro rose nousiku hwose; zvino fume mangwana mhepo yokumabvazuva ikauyisa mhashu. | 
| 14. | Mhashu dzikauya pamusoro penyika yose yeIjipiti, dzikandomhara munyika yose yeIjipiti, dzakanga dzakawanda kwazvo; mhashu dzakadai hadzina kumbovapo kubva pakutanga, uye dzakaita saidzodzo hadzingazovipozve. | 
| 15. | Nokuti dzakafukidza nyika yose-yose, nyika ikati zvi! Dzikadya miti yose yenyika, nemichero yose yemiti, yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana kuzosara kunyange chinhu chimwe chitema pamiti, kana pamiriwo yeminda, panyika yose yeIjipiti. | 
| 16. | Ipapo Farao akakurumidza kudana Mozisi naAroni, akati, "Ndatadzira Jehovha, Mwari wenyu, nemi. | 
| 17. | Naizvozvo zvino ndikanganwirei zvivi zvangu nguva ino bedzi, mukumbire kuna Jehovha Mwari wenyu, kuti abvise kwandiri rufu urwu bedzi." | 
| 18. | Akabuda pamberi paFarao, akandokumbira kuna Jehovha. | 
| 19. | Zvino Jehovha akadzosera mhepo ine simba kwazvo, yakabva kumavirazuva, ikasimudza mhashu ikadzikandira muGungwa Dzvuku; hakuna kuzosara kunyange nemhashu imwe chete munyika yose yeIjipiti. | 
| 20. | Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda. | 
| 21. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tambanudzira ruoko rwako kudenga,rima rivepo panyika yeIjipiti, rima ringaita seringabatwa namaoko." | 
| 22. | Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikavapo panyika yose yeIjipiti, rikaita mazuva matatu; | 
| 23. | havana kuonana, uye hapana mumwe akasimuka paakanga agere namazuva matatu; asi vana vaIsiraeri vose vakanga vane chiedza kwavaigara. | 
| 24. | Zvino Farao akadana Mozisi, akati, "Endai, mundonamata Jehovha; asi makwai enyu nemombe dzenyu ngadzisare; nepwere dzenyu dzingaenda hadzo nemi." | 
| 25. | Mozisi akati, "Munofanira kutipawo mumaoko edu zvokubayira nezvipiriso zvokupisa zvatingandobayira Jehovha Mwari wedu. | 
| 26. | Zvipfuwo zvedu zvichaendawo nesu, hakungasari kunyange nehwanda rimwe, nokuti tinofanira kutora kwazviri kuti tinamate nazvo Jehovha Mwari wedu; hatizivi zvatinganamata Jehovha nazvo kudzimana tasvikapo." | 
| 27. | Asi Jehovha akaomesa moyo waFarao, akaramba kuvatendera kuenda. | 
| 28. | Zvino Farao akati kwaari, "Ibva pamberi pangu, chenjera kuti urege kuonazve chiso changu, nokuti nomusi waunoona chiso changu uchafa." | 
| 29. | Mozisi akati, "Mareva kwazvo, handichazooni chiso chenyuzve." | 
| ← Exodus (10/40) → |