| ← Esther (9/10) → |
| 1. | Zvino nomwedzi wegumi nemiviri,iwo mwedzi weAdhari, nezuva regumi namatatu, nguva yakati 'yaswedera yokuti murayiro wamambo nechirevo chake zviitwe, pazuva rakafunga vavengi vavaJudha kuvamukira naro; asi zvakashandurwa, nokuti vaJudha vakamukira vavengi vavo; |
| 2. | vaJudha vakaungana pamaguta avo pamativi ose enyika dzamambo Ahashivheroshi, kuti vauraye avo vakatsvaka kuvaitira zvakaipa; hakuna akanga achigona kuvadzivisa, nokuti vanhu vose vakavatya. |
| 3. | Machinda ose amativi enyika, namachinda makuru, navabati, vaibata basa ramambo, vakabatsira vaJudha; nokuti vakatya Modhekai. |
| 4. | Nokuti Modhekai akanga ari mukuru paimba yamambo, nembiri yake yakanga yasvika kumativi ose enyika; nokuti murume uyu Modhekai akaramba achikura. |
| 5. | VaJudha vakaparadza vavengi vavo vose, nokuvatema neminondo, nokuvauraya, nokuvaparadza, vakaitira vavengi vavo sezvavaida. |
| 6. | NapaShusha nhare yamambo, vaJudha vakauraya nokuparadza varume vana mazana mashanu. |
| 7. | Parishandata, naDharifoni, naAsipata, |
| 8. | naPorata, naAdharia, naAridhata, |
| 9. | naParimashita, naArisai, naAridhai, naVaizata, |
| 10. | ivo vanakomana vane gumi vaHamani mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha, vakavaurayawo; asi havana kupambara nhumbi dzavo. |
| 11. | Pazuva iro kuwanda kwavakaurawa paShusha nhare yamambo kwakaverengwa kukaiswa kuna mambo. |
| 12. | Ipapo mambo akati kuna vahosi Esiteri, "VaJudha vauraya nokuparadza paShusha nhare yamambo, varume vana mazana mashanu, navanakomana vane gumi vaHamani; ndoda zvavakaita kuna mamwe mativi enyika yamambo! Zvino chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Kana chinyiko chaunokumbira zvino? Zvichaitwa." |
| 13. | Ipapo Esiteri akati, "Kana mambo achifara nazvo, vaJudha vari paShusha ngavatenderwe kuita mangwanawo nechirevo chanhasi, navanakomana vaHamani vane gumi vasungirirwe pamatanda". |
| 14. | Ipapo mambo akaraira kuti zviitwe saizvozvo; chirevo chikatemwa paShusha, vakasungurira vanakomana vaHamani vane gumi. |
| 15. | VaJudha vaiva paShusha vakaunganazve nezuva regumi namana romwedzi weAdhari, vakauraya varume vana mazana matatu paShusha, asi havana kupambara nhumbi. |
| 16. | Navamwe vaJudha vaiva pamativi enyika yamambo vakaungana, vakarwira upenyu hwavo, vakazorora pavavengi vavo, vakauraya pakati pavavengi vavo vane zviuru zvina makumi manomwe nezvishanu; asi havana kupambara nhumbi. |
| 17. | Izvozvo zvakaitwa nezuva regumi namatatu romwedzi weAdhari, vakazorora nezuva regumi namana, vakariita zuva romutambo neromufaro. |
| 18. | Asi vaJudha vaiva paShusha vakaungana pazuva regumi namatatu napazuva regumi namana romwedzi iwoyo; nezuva regumi namashanu romwedzi uyo vakazorora, vakariita zuva romutambo neromufaro. |
| 19. | Naizvozvo vaJudha vemisha, vanogara pamisha isina kukombwa namasvingo, vanoita zuva regumi namana romwedzi weAdhari zuva romufaro neromutambo, uye zuva rakanaka, nerokutumirana zvinonaka. |
| 20. | Zvino Modhekai akanyora zvinhu izvo, akatuma mwadhi kuvaJudha vose vakanga vari pamativi ose enyika yamambo Ahashivheroshi, pedo nokure, |
| 21. | akavaraira kuti varangarire zuva iro regumi namana romwedzi weAdhari, nezuva regumi namashanu rawo, gore rimwe nerimwe, |
| 22. | nokuti ndiwo mazuva vaJudha avakazorodzwa nawo pavavengi vavo, nomwedzi wavakashandurirwa nawo kuchema kwavo ukava mufaro, uye zuva rokuchema rikava zuva rakanaka; uye kuti vaaite mazuva omutambo noomufaro, nookutumirana zvinonaka uye zvipo kuvarombo. |
| 23. | VaJudha vakatenda kuita nomutowo wavakatanga nawo, sezvavakanyorerwa naModhekai; |
| 24. | nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha vose akanga afunga zano rokuparadza vaJudha, akakanda Puri, ndiyo mijenya, kuvapedza nokuvaparadza; |
| 25. | asi shoko iri rakati richisvika kuna mambo, iye ndokuraira nemwadhi kuti zano iri rake rakaipa raakafunga pamusoro pavaJudha, ridzoserwe pamusoro wake, uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda. |
| 26. | Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose emwadhi iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa, |
| 27. | vaJudha vakatema chirevo vakazvisunga, kuti ivo navana vavo, navose vaizozviisa kwavari, havangatongoregi kurangarira mazuva iwayo maviri, sezvakanga zvanyorwa pamusoro pawo, uye panguva yakanga yatarwa gore rimwe nerimwe; |
| 28. | uye kuti mazuva iwayo arangarirwe nokutambwa pakati porudzi rumwe norumwe, nemhuri imwe neimwe, norutivi rumwe norumwe rwenyika neguta rimwe nerimwe; uye kuti mazuva iwayo ePurimi arege kutongoregwa pakati pavaJudha, arangarirwe nokusingaperi pakati pavana vavo. |
| 29. | papo vahosi Esiteri, mukunda waAbhihairi, naModhekai muJudha, vakanyora nesimba ravo rose vakasimbisa mwadhi iyo yechipiri yePurimi. |
| 30. | Akatuma mwadhi kuvaJudha, vose vakanga vari pamativi ane zana namakumi maviri namanomwe enyika yamambo Ahashivheroshi, akanga ana mashoko orugare nezvokwadi, |
| 31. | kuzosimbisa mazuva iwayo ePurimi panguva dzawo dzakatarwa, sezvavakarairwa naModhekai muJudha navahosi Esiteri, uye sezvavakanga vazvisunga ivo navana vavo pamusoro peshoko rokuzvinyima zvokudya nerokuchema kwavo. |
| 32. | Murayiro waEsiteri ukasimbisa mashoko iwayo ePurimi; zvikanyorwa mubhuku. |
| ← Esther (9/10) → |