Esther (8/10)  

1. Zvino pazuva iro mambo Ahashivheroshi akapa vahosi Esiteri imba yaHamani, iye muvengi wavaJudha. Modhekai akasvika pamberi pamambo, nokuti Esiteri akanga audza mambo kuti chinyi chake.
2. Mambo akabvisa chindori chake chaakanga atora panaHamani, akachipa Modhekai. Esiteri ndokuita Modhekai mutariri weimba yaHamani.
3. Esiteri akataurazve pamberi pamambo, akazviwisira pasi pamakumbo ake, akachema kwaari nemisodzi kuti aparadze zano rakaipa raHamani muAgagi, nezano rake raakanga afunga pamusoro pavaJudha.
4. Mambo akatambanudzira Esiteri tsvimbo yendarama. Ipapo Esiteri akasimuka akamira pamberi pamambo
5. Zvino akati kana mambo achifara nazvo, kana ndanzwirwa tsitsi naye, kana mambo achiti zvakanaka, ini ndakamufadza hangu, mwadhi ngadzinyorwe dzichashandura mwadhi dzaiva nezano raHamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, dzaakanyora kuparadza vaJudha vari pamativi ose enyika yamambo;
6. nokuti ini ndingagona seiko kuona zvakaipa zvichaitirwa vanhu vangu? Ndingagona seiko kuona kuparadzwa kwavanhu vangu!"
7. Ipapo mambo Ahashivheroshi akati kuna vahosi Esiteri naModhekai muJudha, "Tarirai ndapa Esiteri imba yaHamani, asi iye vakamusungirira pamatanda, nokuti akada kuuraya vaJudha.
8. Zvino imiwo chinyorerai vaJudha, sezvamunoda, nezita ramambo, muzvisimbise nechindori chamambo; nokuti rugwaro rwakanyorwa nezita ramambo, rukasimbiswa nechindori chamambo, harungashandurwi nomunhu."
9. Zvino vanyori vamambo vakadanwa panguva iyo, pamwedzi wechitatu, uri mwedzi weShivani, pazuva ramakumi maviri namatatu; vakanyora zvose Modhekai zvaakaraira vaJudha, namachinda makuru, navabati, namachinda amativi enyika, kubva paIndia kusvikira paItiopia, mativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe, rutivi rumwe norumwe rwenyika nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norume norurimi rwarwo, navaJudha nomunyorero wavo uye norurimi rwavo.
10. Akanyora nezita ramambo Ahashivheroshi, akadzisimbisa nechindori chamambo, ndokutuma nhume dzinomhanya dzakatasva mabhiza, dzakatasva mabhiza aimhanyisa kwazvo pabasa ramambo, akaberekwa pazvipfuwo zvamambo.
11. Mambo akatendera pamwadhi idzo vaJudha paguta rimwe nerimwe kuungana, nokurwira upenyu hwavo, vaparadze, vauraye, vapedze simba rose ravanhu neramativi enyika kana vaida kuvavamba ivo navana vavo navakadzi vavo, uye vatore nhumbi dzavo vadzipambare,
12. zvose zviitwe pazuva rimwe pamativi ose enyika yose yamambo Ahashivheroshi, iro zuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari.
13. Mashoko orugwaro urwu akatumwa kuvanhu vose, kuti chirevo chiparidzwe pamativi ose enyika kuti vaJudha vazvigadzirire zuva iro vatsive vavengi vavo.
14. Naizvozvo nhume, dzakatasva mabhiza anomhanyisa kwazvo pabasa ramambo, dzakaenda dzichichimbidzikiswa nokukurudzirwa nomurayiro wamambo; chirevo icho chikatemwa paShusha nhare yamambo.
15. Modhekai akabuda pamberi pamambo, akafuka nguvo dzoushe, nhema nechena, akadzika korona huru yendarama, ane nguvo yomucheka wakaisvonaka-naka mushava; guta reShusha rikapururudza, rakafara.
16. VaJudha vakava nechiedza, nomufaro, nokufara kukuru, nokukudzwa.
17. Zvino parutivi rumwe norumwe rwenyika, napaguta rimwe nerimwe, pose pakasvika murayiro wamambo nechirevo chake, vaJudha vakafara nomufaro mukuru, vakaita mutambo nezuva romufaro. Vanhu vazhinji pakati pendudzi dzavanhu dzenyika vakazova vaJudha; nokuti vakanga vachitya vaJudha kwazvo.

  Esther (8/10)