Esther (6/10)  

1. Zvino usiku uhwo mambo akashaiwa hope, akaraira kuti vauye nebhuku yamashoko aMakoronike, akaravirwa mambo.
2. Vakawana kuti pakanyorwa kuti Modhekai akadeya kuzivisa mashoko aBhigitana naTereshi, varanda vaviri vamambo pakati pavarindi vomukova, vakatsvaka kuuraya mambo Ahashivheroshi.
3. Ipapo mambo akati, "Modhekai akakudzwa nokurumbidzwa seiko pamusoro pechinhu ichi?" Varanda vamambo vaimubatira vakati, "Haana chaakaitirwa."
4. Mambo akati, "Ndianiko uri paruvanze?" Zvino Hamani akanga apinda paruvanze rwokunze kweimba yamambo, achida kukumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe namatanda aakanga amugadzirira.
5. Varanda vamambo vakati kwaari, "Tarirai Hamani umire paruvanze." Mambo akati, "Ngaapinde."
6. Naizvozvo Hamani akapinda. Mambo akati kwaari, "Munhu, mambo waanoda kumukudza, angaitirweiko?" Zvino Hamani akati mumoyo make, "Mambo vangada kukudza aniko, asi ini?"
7. Hamani akati kuna mambo, "Iye munhu, mambo waanoda kukudza,
8. ngaatorerwe nguvo dzoushe, idzo dzinosifukwa namambo, nebhiza rinositasva namambo, nekorona youshe inosidzikwa pamusoro wake;
9. zvino nguvo nebhiza ngazviiswe pamaoko omumwe wamachinda amambo anokudzwa kwazvo, kuti vafukidze munhu uyo, mambo waanoda kukudza, vagomufambisa munzira dzomuguta, akatasva bhiza, vadanidzire pamberi pake, vachiti, `Munhu, mambo waanoda kukudza, ngaaitirwe saizvozvo.' "
10. Ipapo mambo akati kuna Hamani, "Chimbidzika utore nguvo nebhiza, sezvawataura, undoitira Modhekai muJudha saizvozvo, iye agere pasuo ramambo; usarega shoko rimwe pamashoko ose awataura."
11. Zvino Hamani akatora nguvo nebhiza, akafukidza Modhekai, akamufambisa panzira dzomuguta akatasva bhiza, akadanidzira pamberi pake, achiti, "Ndizvo zvichaitirwa munhu uyo mambo waanoda kukudza."
12. Zvino Modhekai akadzokera kusuo ramambo. Asi Hamani akachimbidzika kuenda kumba kwake achichema, akafukidza musoro wake.
13. Hamani akarondedzera kuna Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose zvose zvaakaitirwa. Ipapo shamwari dzake dzakangwara naZereshi mukadzi wake vakati kwaari, "Kana Modhekai uyu wawakatanga kuwa pamberi pake ari worudzi rwavaJudha, haungakundi, asi zvirokwazvo uchawa pamberi pake."
14. Vakati vachataura naye, varanda vamambo vakasvika, vakachimbidzika kuenda naHamani kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri.

  Esther (6/10)