← Esther (5/10) → |
1. | Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguvo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba. |
2. | Zvino mambo akati achiona vahosi Esiteri amire paruvanze, iye akanzwirwa tsitsi naye, mambo akatambanudzira Esiteri tsvimbo yendarama yakanga iri muruoko rwake. Ipapo Esiteri akaswedera, akabata muromo wetsvimbo. |
3. | Zvino mambo akati kwaari, "Unoreveiko vahosi Esiteri? Unokumbireiko? Uchazvipiwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu." |
4. | Esiteri akati, "Kana mambo achifara nazvo, mambo naHamani ngavauye nhasi kumafundo andakamugadzirira." |
5. | Ipapo mambo akati, "Hamani ngaachimbidzike, kuti zvarehwa naEsiteri zviitwe." Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri. |
6. | Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, "Chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu." |
7. | Ipapo Esiteri akapindura akati, "Kunyengetera kwangu nokukumbira kwangu ndikoku: |
8. | "Kana ndanzwirwa tsitsi namambo, kana mambo achida kundipa chandinonyengetera, nokuita chandinokumbira, mambo naHamani ngavauye kumafundo andichavagadzirira, mangwana ndichaita sezvarehwa namambo." |
9. | Ipapo Hamani akaenda nezuva iro achifara, ano moyo muchena; asi Hamani akati achiona Modhekai pasuo ramambo, kuti akaramba kumusimukira, kana kumutya, akasvotwa kwazvo pamusoro paModhekai. |
10. | Asi Hamani akazvidzora hake akaenda kumusha; akatuma munhu kuzodana shamwari dzake nomukadzi wake "Zereshi. |
11. | Hamani akavarondedzera kubwinya kwefuma yake, nokuwanda kwavana vake, namakudzirwo aakaitwa namambo, namapfuudzirwo ake ave mukuru kumachinda navaranda vose vamambo. |
12. | Hamani akapfuura akati,"Navahosi Esiteri havana kutendera mumwe munhu kupinda namambo kumapfundo avakagadzira, asi ini ndoga; uye mangwanawo ndadanwa navo pamwechete namambo. |
13. | Asi izvo zvose hazvindibetseri chinhu, kana ndichigara ndichiona Modhekai muJudha agere pasuo ramambo." |
14. | Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, "Rairai kuti vagadzire matanda anamakubhiti makumi mashanu pakureba kwawo, mangwana mugokumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe paari; ipapo mungapinda henyu nomufaro namambo kumafundo." Zvino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe. |
← Esther (5/10) → |