Esther (5/10)  

1. Zvino pazuva rechitatu Esiteri akafuka nguvo dzake dzouhosi, akandomira paruvanze rwomukati rweimba yamambo, pakatarisana neimba yamambo; mambo akanga agere pachigaro chake choushe paimba yake youshe, pakatarisana nomukova weimba.
2. Zvino mambo akati achiona vahosi Esiteri amire paruvanze, iye akanzwirwa tsitsi naye, mambo akatambanudzira Esiteri tsvimbo yendarama yakanga iri muruoko rwake. Ipapo Esiteri akaswedera, akabata muromo wetsvimbo.
3. Zvino mambo akati kwaari, "Unoreveiko vahosi Esiteri? Unokumbireiko? Uchazvipiwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu."
4. Esiteri akati, "Kana mambo achifara nazvo, mambo naHamani ngavauye nhasi kumafundo andakamugadzirira."
5. Ipapo mambo akati, "Hamani ngaachimbidzike, kuti zvarehwa naEsiteri zviitwe." Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumafundo akanga agadzirwa naEsiteri.
6. Zvino mambo akati kuna Esiteri pamafundo ewaini, "Chinyiko chaunonyengetera? Uchazvipiwa. Unokumbireiko? Zvichaitwa, kunyange uchikumbira hafu youshe hwangu."
7. Ipapo Esiteri akapindura akati, "Kunyengetera kwangu nokukumbira kwangu ndikoku:
8. "Kana ndanzwirwa tsitsi namambo, kana mambo achida kundipa chandinonyengetera, nokuita chandinokumbira, mambo naHamani ngavauye kumafundo andichavagadzirira, mangwana ndichaita sezvarehwa namambo."
9. Ipapo Hamani akaenda nezuva iro achifara, ano moyo muchena; asi Hamani akati achiona Modhekai pasuo ramambo, kuti akaramba kumusimukira, kana kumutya, akasvotwa kwazvo pamusoro paModhekai.
10. Asi Hamani akazvidzora hake akaenda kumusha; akatuma munhu kuzodana shamwari dzake nomukadzi wake "Zereshi.
11. Hamani akavarondedzera kubwinya kwefuma yake, nokuwanda kwavana vake, namakudzirwo aakaitwa namambo, namapfuudzirwo ake ave mukuru kumachinda navaranda vose vamambo.
12. Hamani akapfuura akati,"Navahosi Esiteri havana kutendera mumwe munhu kupinda namambo kumapfundo avakagadzira, asi ini ndoga; uye mangwanawo ndadanwa navo pamwechete namambo.
13. Asi izvo zvose hazvindibetseri chinhu, kana ndichigara ndichiona Modhekai muJudha agere pasuo ramambo."
14. Ipapo mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, "Rairai kuti vagadzire matanda anamakubhiti makumi mashanu pakureba kwawo, mangwana mugokumbira kuna mambo kuti Modhekai asungirirwe paari; ipapo mungapinda henyu nomufaro namambo kumafundo." Zvino shoko iro rakafadza Hamani, akaraira kuti matanda agadzirwe.

  Esther (5/10)