Esther (3/10)  

1. Shure kwaizvozvo mambo Ahashivheroshi akakudza Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, akamuita mukuru nokumupfuudza ave mukuru kumachinda ake ose.
2. Zvino varanda vose vamambo vakanga vari pasuo ramambo vakakotama nokupfugamira Hamani; nokuti mambo akanga araira saizvozvo pamusoro pake. Asi Modhekai haana kukotama kana kumupfugamira.
3. Ipapo varanda vamambo vakanga vari pasuo ramambo vakati kuna Modhekai, "Iwe unodarikireiko murayiro wamambo?"
4. Zvino vakati vataura naye mazuva ose, iye achiramba kuvateerera, vakaudza Hamani kuti vawone kana mashoko aModhekai angava nesimba; nokuti akavaudza kuti iye muJudha.
5. Zvino Hamani akati achiona kuti Modhekai haakotami kana kumupfugamira, Hamani akava neshungu kwazvo.
6. Asi akashora kuuraya Modhekai oga, nokuti vakanga vamuzivisa rudzi rwaModhekai; naizvozvo Hamani akatsvaka kuparadza vaJudha vose vakanga vari paushe hwose hwaAhashivheroshi, irwo rudzi rwaModhekai.
7. Zvino pamwedzi wokutanga, uri mwedzi weNisani, pagore regumi namaviri ramambo Ahashivheroshi, vakakanda Puri, ndiyo mijenya, pamberi paHamani zuva rimwe nerimwe, pamwedzi mumwe nomumwe, kusvikira pamwedzi wegumi nemiviri, ndiwo mwedzi weAdhari.
8. Hamani akati kuna mambo Ahashivheroshi, "Rumwe rudzi rwavanhu ruriko, rwakapararira nokutekeshera pakati pavanhu pamativi ose enyika dzoushe hwenyu; mirau yavo yakasiyana neyavamwe vanhu, havachengeti mirau yamambo; saka mambo haafaniri kuvarega varipo.
9. "Kana mambo achifara nazvo mwadhi ngainyorwe kuti vaparadzwe; ini ndichabudisa matarenta ane zviuru zvine gumi esirivha pamaoko avatariri vebasa ramambo, vaaise pazvivigiro zvefuma yamambo."
10. Ipapo mambo akabvisa chindori chake paruoko rwake, akachipa Hamani, mwanakomana waHamedhata muAgagi, muvengi wavaJudha.
11. Mambo akati kuna Hamani, "Iwe navanhu vako mungatora sirivha iyo, muite nayo sezvaunoda iwe."
12. Ipapo vanyori vamambo vakadanwa nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namatatu, zvose zvikanyorwa Hamani sezvaakaraira machinda amambo, navabati vaibata rutivi rumwe norumwe rwenyika rwakanyorerwa nomunyorero warwo, uye rudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo; zvikanyorwa nezita ramambo Ahashivheroshi ndokusimbiswa nechindori chamambo.
13. mwadhi dzikatumwa nenhume dzinomhanya kumativi ose enyika dzamambo, kuti vaJudha vose, vaduku navakuru, navana vaduku, navakadzi vaparadzwe nokuurawa nokupedzwa pazuva rimwe, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, uri mwedzi weAdhari, uye nenhumbi dzavo dzose dzipambwe;
14. mashoko orunyoro urwu akatumwa kuvanhu vose, kuti chirevo chiparidzwe pamativi ose enyika, kuti vazvigadzirire zuva iro.
15. Nhume dzinomhanya dzikachimbidzikiswa nomurayiro wamambo, chirevo chikaziviswa paShusha panhare yamambo; ipapo mambo naHamani vakagara pasi vakanwa; asi guta reShusha rakadziyaniswa.

  Esther (3/10)