Esther (2/10)  

1. Zvino shure kwaizvozvo, kutsamwa kwamambo Ahashivheroshi kwakati kwanyarara, akarangarira Vashiti nezvaakaita, nechirevo chakatemwa pamusoro pake.
2. Ipapo varanda vamambo vaimubatira, vakati, "Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka;
3. mambo ngaaise vatariri pamativi ose oushe hwake, vaunganidze mhandara dzose dzakanaka paShusha nhare yamambo, paimba yavakadzi, vachengetwe naHegai muranda wamambo, mutariri wavakadzi; vapiwewo zvavangazvinatsa nazvo.
4. "Zvino musikana unofarirwa namambo ngaave vahosi panzvimbo yaVashiti. Izvozvo zvikafadza mambo, akaita saizvozvo.
5. Zvino paShusha panhare yamambo pakanga panomuJudha, ainzi Modhekai, mwanakomana waJairi, mwanakomana waShimei, mwanakomana waKishi, muBhenjamini,
6. akanga atapwa Jerusaremu, pamwechete navatapwa vakanga vatapwa naJekonia mambo waJudha, wakanga atapwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi.
7. Iye akanga arera Hadhasha, ndiye Esiteri, mukunda wababamunini wake; nokuti akanga asina baba namai; zvino musikana uyu akanga akanaka paumiro hwake napachiso chake; pakufa kwababa vake namai vake Modhekai ndokumutora, akamuita mukunda wake.
8. Zvino murayiro wamambo nechirevo chake zvakati zvanzwikwa, vasikana vazhinji vakaunganidzwa paShusha nhare yamambo, pavaichengetwa naHegai, Esiteri akatorwawo, akaiswa mumba mamambo, akachengetwa naHegai mutariri wavakadzi.
9. Musikana uyu akamufadza, akanzwirwa tsitsi naye, akachimbidzika kumupa zvaangazvinatsa nazvo, nemigove yake yezvokudya uye vasikana vanomwe vaakafanira kupiwa, vaibva paimba yamambo; akamuisa iye navasikana vake pakanga pakaisvonaka paimba yavakadzi.
10. Asi Esiteri akanga asina kuvazivisa rudzi rwake nehama dzake', nokuti Modhekai akanga amuraira, kuti arege kuvazivisa izvozvo.
11. Zvino Modhekai aifamba pamberi poruvanze rweimba yavakadzi mazuva ose, agoziva kuti Esiteri akadini, uye kuti vachaitei naye.
12. Zvino dzoro romusikana mumwe nomumwe rakati richisvika kupinda kuna mambo Ahashivheroshi, kana aitirwa zvose nomurayiro wavakadzi mwedzi ine gumi nemiviri, (nokuti mazuva okunatswa kwavo akapera kudai: mwedzi mitanhatu vachizora mafuta emura, mwedzi mitanhatu zvinonhuwira, uye zvimwe zvinhu zvokunatsa vakadzi nazvo,)
13. zvino musikana akapinda nomutoo akadaro kuna mambo, uye chinhu chipi nechipi chaaida aichipiwa, kuti abude nacho paimba yavakadzi, apinde mumba mamambo.
14. Aienda madekwana, ndokudzokera mangwana kuimba yechipiri yavakadzi, paaichengetwa naShaashigazi, muranda wamambo, aichengeta varongo; haazaipindazve kuna mambo, asi kana achinge afarirwa namambo, akadanwa nezita rake.
15. Zvino dzoro raEsiteri mukunda waAbhihairi, babamunini vaModhekai, akanga amutora akamuita mukunda wake, rakati richisvika rokupinda kuna mambo, haana kukumbira chinhu asi izvo bedzi zvakanga zvarairwa naHegai muranda wamambo, mutariri wavakadzi. Zvino Esiteri akanzwirwa tsitsi navose vaimuona.
16. Naizvozvo Esiteri akaiswa kuna mambo Ahashivheroshi muimba yake youshe nomwedzi wegumi, ndiwo mwedzi weTebheti, pagore rechinomwe rokubata kwake ushe.
17. Mambo akada Esiteri kupfuura vamwe vakadzi vose, akanzwira tsitsi nounyoro naye kupfuura dzimwe mhandara dzose; naizvozvo akaisa korona youhosi pamusoro wake, akamuita vahosi panzvimbo yaVashiti.
18. Ipapo mambo akaitira machinda ake ose navaranda vake vose mutambo mukuru, uri mutambo waEsiteri; akaraira zororo pamativi enyika, akagovera zvipo, mambo asinganyimi napaduku.
19. Zvino pakuunganidzwa kwemhandara rwechipiri, Modhekai akanga agere pasuo ramambo.
20. Esiteri akanga achigere kuvazivisa hama dzake kana rudzi rwake, sezvaakarairwa naModhekai; nokuti Esiteri akateerera murayiro waModhekai, sezvaaisiita acharerwa naye.
21. zvino pamazuva iwayo Modhikai agere pasuo ramambo, varanda vaviri vamambo, Bhigitani naTereshi, pakati pavarindi vomukova, vakatsamwa vakatsvaka kuuraya mambo Ahashivheroshi.
22. Chinhu icho chikazikanwa naModhekai, iye ndokuzivisa vahosi Esiteri, Esiteri akandoudza mambo nezita raModhekai.
23. Zvino vakati vachinzvera chinhu icho, vakawana kuti zvirokwazvo, vose vari vaviri vakasungirirwa pamuti; zvikanyorwa mubhuku yaMakoronike pamberi pamambo.

  Esther (2/10)