Esther (1/10) → |
1. | Zvino pamazuva aAhashivheroshi, (ndiye Ahashivheroshi aibata ushe kubva palndia kusvikira Itiopia, pamativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe;) |
2. | pamazuva iwayo mambo Ahashivheroshi agere pachigaro chake choushe chakanga chiri paShusha panhare yamambo, |
3. | pagore rechitatu rokubata kwake ushe, akaitira machinda ake ose navaranda vake mutambo; hondo dzePerisia neMedhia, navakuru namachinda enyika vakanga vari pamberi pake. |
4. | Akavaratidza fuma youshe hwake hwakarumbidzwa, nokukudzwa kwoumambo hwake hwakaisvonaka mazuva mazhinji, ari mazuva ane zana namakumi masere. |
5. | Zvino mazuva iwayo akati apera, mambo akaitira mutambo vanhu vose vakanga vari paShusha panhare yamambo, vakuru navaduku, mazuva manomwe paruvanze rwomunda panhare yamambo ; |
6. | pakanga pane micheka michena nemipfumbu nemitema yakanga yakasungwa nezvisungo zvemicheka yakaisvonaka nemishava pazvindori zvesirivha nembiru dzamabwe machena; zvigaro zvakanga zviri zvendarama nesirivha zvakagadzikwa paguva rakaitwa namabwe matsvuku, namachena, namashora, namatema. |
7. | Vakapiwa zvokunwa mumikombe yendarama, (asi mikombe yakanga isina kufanana), newaini yamambo zhinji, mambo asingavanyimi napaduku. |
8. | Vakanwa nomurayiro wokuti munhu arege kurovererwa; nokuti mambo akanga araira varanda vose veimba yake, kuti vaitire mumwe nomumwe sezvaakanga achida nomoyo wake. |
9. | Navahosi Vashiti vakaitirawo vakadzi mutambo paimba yamambo yakanga iri yamambo Ahashivheroshi. |
10. | Zvino nezuva rechinomwe moyo wamambo wakati uchifara newaini, akaraira Mehumani, naBhizita, naHaribhona, naBhigita, naAbhagata, naZetari, naKarikasi, ivo varanda vanomwe vaibata pamberi pamambo Ahashivheroshi, |
11. | kuti vauye navahosi Vashiti pamberi pamambo, vane korona youhosi, kuti vanhu namachinda vawone kunaka kwavo; nokuti vakanga vakanaka pakuonekwa. |
12. | Asi vahosi Vashiti vakaramba kuuya sezvavakanga varairwa namambo nomuromo wavaranda; ipapo mambo akatsamwa kwazvo, shungu dzake dzikamuka mukati make. |
13. | Ipapo mambo akati kuvarume vakangwara vaiziva nguva, (nokuti saizvozvo mambo wairangana navose vaiziva murau nezvakatongwa; |
14. | vakanga vagere pedo naye vaiva Karishena, naShetari, naAdhimata, naTarishishi, naMereesi, naMarisena, naMemukani, iwo machinda manomwe ePerisia neMedhia, vaisionana namambo, vaigara pazvigaro zvokutanga paushe;) |
15. | akati, "Murayiro unoti kudini, tichaitireiko vahosi Vashiti, zvavakaramba kuita sezvavakarairwa namambo Ahashivheroshi nomuromo wavaranda?" |
16. | Ipapo Memukani akapindura mambo namachinda, akati, "Vahosi havana kutadzira mambo bedzi, asi namachinda osewo, navanhu vose vari munyika dzose dzamambo Ahashivheroshi. |
17. | Nokuti ichi chakaitwa navahosi chichapararira pakati pavakadzi vose, zvino vachashora varume vavo, kana zvichinzi, `Mambo Ahashivheroshi akaraira vahosi Vashiti kuti vauyiswe pamberi pake, asi vakaramba kuuya.' |
18. | Nhasi vakadzi vamachinda ePerisia neMedhia, vakanzwa zvakaitwa navahosi, achataurawo zvakadaro kumachinda ose amambo. Naizvozvo kushora nokutsamwa kukuru kuchamuka. |
19. | Kana mambo achifara nazvo, mambo ngaateme murayiro une simba ramambo, unyorwe pamirairo yavaPerisia navaMedhia, urege kushandurwa. Kuti Vashiti arege kuzouyazve pamberi pamambo Ahashivheroshi; mambo ngaape mumwe akanaka kupfuura iye uhosi hwake. |
20. | Zvino kana chirevo chamambo chavatema, chikaparidzwa paushe hwake hwose, (nokuti ukuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vavo, vose vakuru navaduku." |
21. | Shoko iro rikafadza mambo namachinda; mambo ndokuita sezvakarehwa naMemukani; |
22. | nokuti akatuma mwadhi kumativi ose enyika dzose dzamambo, divi rimwe nerimwe renyika nomunyorero wayo, norudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo, kuti murume mumwe nomumwe ave murairi mumba make, ataure norurimi rwake. |
Esther (1/10) → |