Esther (1/10)  

1. Zvino pamazuva aAhashivheroshi, (ndiye Ahashivheroshi aibata ushe kubva palndia kusvikira Itiopia, pamativi enyika ane zana namakumi maviri namanomwe;)
2. pamazuva iwayo mambo Ahashivheroshi agere pachigaro chake choushe chakanga chiri paShusha panhare yamambo,
3. pagore rechitatu rokubata kwake ushe, akaitira machinda ake ose navaranda vake mutambo; hondo dzePerisia neMedhia, navakuru namachinda enyika vakanga vari pamberi pake.
4. Akavaratidza fuma youshe hwake hwakarumbidzwa, nokukudzwa kwoumambo hwake hwakaisvonaka mazuva mazhinji, ari mazuva ane zana namakumi masere.
5. Zvino mazuva iwayo akati apera, mambo akaitira mutambo vanhu vose vakanga vari paShusha panhare yamambo, vakuru navaduku, mazuva manomwe paruvanze rwomunda panhare yamambo ;
6. pakanga pane micheka michena nemipfumbu nemitema yakanga yakasungwa nezvisungo zvemicheka yakaisvonaka nemishava pazvindori zvesirivha nembiru dzamabwe machena; zvigaro zvakanga zviri zvendarama nesirivha zvakagadzikwa paguva rakaitwa namabwe matsvuku, namachena, namashora, namatema.
7. Vakapiwa zvokunwa mumikombe yendarama, (asi mikombe yakanga isina kufanana), newaini yamambo zhinji, mambo asingavanyimi napaduku.
8. Vakanwa nomurayiro wokuti munhu arege kurovererwa; nokuti mambo akanga araira varanda vose veimba yake, kuti vaitire mumwe nomumwe sezvaakanga achida nomoyo wake.
9. Navahosi Vashiti vakaitirawo vakadzi mutambo paimba yamambo yakanga iri yamambo Ahashivheroshi.
10. Zvino nezuva rechinomwe moyo wamambo wakati uchifara newaini, akaraira Mehumani, naBhizita, naHaribhona, naBhigita, naAbhagata, naZetari, naKarikasi, ivo varanda vanomwe vaibata pamberi pamambo Ahashivheroshi,
11. kuti vauye navahosi Vashiti pamberi pamambo, vane korona youhosi, kuti vanhu namachinda vawone kunaka kwavo; nokuti vakanga vakanaka pakuonekwa.
12. Asi vahosi Vashiti vakaramba kuuya sezvavakanga varairwa namambo nomuromo wavaranda; ipapo mambo akatsamwa kwazvo, shungu dzake dzikamuka mukati make.
13. Ipapo mambo akati kuvarume vakangwara vaiziva nguva, (nokuti saizvozvo mambo wairangana navose vaiziva murau nezvakatongwa;
14. vakanga vagere pedo naye vaiva Karishena, naShetari, naAdhimata, naTarishishi, naMereesi, naMarisena, naMemukani, iwo machinda manomwe ePerisia neMedhia, vaisionana namambo, vaigara pazvigaro zvokutanga paushe;)
15. akati, "Murayiro unoti kudini, tichaitireiko vahosi Vashiti, zvavakaramba kuita sezvavakarairwa namambo Ahashivheroshi nomuromo wavaranda?"
16. Ipapo Memukani akapindura mambo namachinda, akati, "Vahosi havana kutadzira mambo bedzi, asi namachinda osewo, navanhu vose vari munyika dzose dzamambo Ahashivheroshi.
17. Nokuti ichi chakaitwa navahosi chichapararira pakati pavakadzi vose, zvino vachashora varume vavo, kana zvichinzi, `Mambo Ahashivheroshi akaraira vahosi Vashiti kuti vauyiswe pamberi pake, asi vakaramba kuuya.'
18. Nhasi vakadzi vamachinda ePerisia neMedhia, vakanzwa zvakaitwa navahosi, achataurawo zvakadaro kumachinda ose amambo. Naizvozvo kushora nokutsamwa kukuru kuchamuka.
19. Kana mambo achifara nazvo, mambo ngaateme murayiro une simba ramambo, unyorwe pamirairo yavaPerisia navaMedhia, urege kushandurwa. Kuti Vashiti arege kuzouyazve pamberi pamambo Ahashivheroshi; mambo ngaape mumwe akanaka kupfuura iye uhosi hwake.
20. Zvino kana chirevo chamambo chavatema, chikaparidzwa paushe hwake hwose, (nokuti ukuru kwazvo), vakadzi vose vachakudza varume vavo, vose vakuru navaduku."
21. Shoko iro rikafadza mambo namachinda; mambo ndokuita sezvakarehwa naMemukani;
22. nokuti akatuma mwadhi kumativi ose enyika dzose dzamambo, divi rimwe nerimwe renyika nomunyorero wayo, norudzi rumwe norumwe norurimi rwarwo, kuti murume mumwe nomumwe ave murairi mumba make, ataure norurimi rwake.

      Esther (1/10)