| ← Ephesians (6/6) | 
| 1. | Imi vana, tererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama. | 
| 2. | Kudza baba vako namai ndiwo murairo wokutanga unechipikirwa | 
| 3. | kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika. | 
| 4. | Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwaShe. | 
| 5. | Imi varanda, tererai avo vari vatenzi venyu panyama, nokutya nokudedera, nemoyo yakarurama, muchizviita sokunaKristu; | 
| 6. | musingabati kana muchivonekwa bedzi, savafadzi vavanhu, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomoyo wose; | 
| 7. | muchibata nomoyo wakanaka, muchizviita sokunaShe, musingaitiri vanhu; | 
| 8. | muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka, chinoitwa nomunhu mumwe nomumwe, uchachipiwa zve naShe, kana akasungwa kana akasununguka. | 
| 9. | Nemi madzishe, muvaitire saizvozvo, murege kuvatyisa; nokuti munoziva kuti Ishe wavo nowenyu uri kudenga; haatendi zvinovonekwa zvomunhu. | 
| 10. | Pakupedzisira hama dzangu,ivai nesimba munaShe, nomusimba rake guru. | 
| 11. | Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhorosi. | 
| 12. | Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga. | 
| 13. | Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose. | 
| 14. | Naizvozvo mirai makasunga zvivuno zvenyu nezvokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chokururama, | 
| 15. | makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvhangeri yorugare; | 
| 16. | pamusoro paizvozvi makatora nhovo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa. | 
| 17. | Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro Shoko raMwari; | 
| 18. | munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose. | 
| 19. | neni vo, kuti ndipiwe shoko kana ndichishamisa muromo wangu, kuti ndidudzire ndisingatyi zvakavanzika zveEvhangeri, | 
| 20. | yandiri nhume yayo yakasungwa namatare; kuti ndizvitaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura. | 
| 21. | Zvino kuti muzive vo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikanwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, uchakuzivisai zvose; | 
| 22. | ndakamutuma kwamuri neshoko iri, kuti muzive zvinhu zvedu, anyaradze moyo yenyu. | 
| 23. | Rugare ngaruve nehama, norudo pamwe chete nokutenda, zvinobva kunaMwari, Baba,naShe Jesu Kristu, | 
| 24. | Nyasha ngadzive navose vanoda Ishe wedu, Jesu Kristu, norudo rusingavori. | 
| ← Ephesians (6/6) |