Ephesians (6/6)    

1. Imi vana, tererai vabereki venyu munaShe; nokuti ndizvo zvakarurama.
2. Kudza baba vako namai ndiwo murairo wokutanga unechipikirwa
3. kuti uitirwe zvakanaka, ugare nguva refu panyika.
4. Nemi madzibaba, regai kutsamwisa vana venyu; asi varerei pakuranga nokuraira kwaShe.
5. Imi varanda, tererai avo vari vatenzi venyu panyama, nokutya nokudedera, nemoyo yakarurama, muchizviita sokunaKristu;
6. musingabati kana muchivonekwa bedzi, savafadzi vavanhu, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomoyo wose;
7. muchibata nomoyo wakanaka, muchizviita sokunaShe, musingaitiri vanhu;
8. muchiziva kuti chinhu chipi nechipi chakanaka, chinoitwa nomunhu mumwe nomumwe, uchachipiwa zve naShe, kana akasungwa kana akasununguka.
9. Nemi madzishe, muvaitire saizvozvo, murege kuvatyisa; nokuti munoziva kuti Ishe wavo nowenyu uri kudenga; haatendi zvinovonekwa zvomunhu.
10. Pakupedzisira hama dzangu,ivai nesimba munaShe, nomusimba rake guru.
11. Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, mugone kumira muchirwa namano aDhiabhorosi.
12. Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namadzishe enyika erima rino, nemweya yakaipa yedenga.
13. Saka torai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti mugone kudzivisa pazuva rakaipa, nokuramba mumire mapedza zvose.
14. Naizvozvo mirai makasunga zvivuno zvenyu nezvokwadi, makapfeka chidzitiro chechifuva chokururama,
15. makasunga patsoka dzenyu kugadzirwa kweEvhangeri yorugare;
16. pamusoro paizvozvi makatora nhovo huru yokutenda, yamungagona kudzima nayo miseve yose yomoto yowakaipa.
17. Torai ngowani yoruponeso, nomunondo woMweya, iro Shoko raMwari;
18. munyengetere nguva dzose nokunyengetera kwose nokukumbira muMweya, muchirinda pazvinhu izvi nokutsunga kwose nokukumbirira vatsvene vose.
19. neni vo, kuti ndipiwe shoko kana ndichishamisa muromo wangu, kuti ndidudzire ndisingatyi zvakavanzika zveEvhangeri,
20. yandiri nhume yayo yakasungwa namatare; kuti ndizvitaure ndisingatyi, sezvandinofanira kutaura.
21. Zvino kuti muzive vo zvangu, kuti ndakadiniko, Tikiko, hama inodikanwa, nomushumiri wakatendeka munaShe, uchakuzivisai zvose;
22. ndakamutuma kwamuri neshoko iri, kuti muzive zvinhu zvedu, anyaradze moyo yenyu.
23. Rugare ngaruve nehama, norudo pamwe chete nokutenda, zvinobva kunaMwari, Baba,naShe Jesu Kristu,
24. Nyasha ngadzive navose vanoda Ishe wedu, Jesu Kristu, norudo rusingavori.

  Ephesians (6/6)