Ephesians (5/6)  

1. Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa;
2. fambai murudo, Kristu sezvaakakudai vo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kunaMwari, zviite bwema bwunonhuwira.
3. Asi vupombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurebwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene;
4. nezvakaipa, nokutaura zvovupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zvirinani kuvonga.
5. Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakune mhombwe, kana munhu unetsvina, kana unochiva, ndiye unonamata zvifananidzo, ungadya nhaka muvushe bwaKristu nobwaMwari.
6. Ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunovuya pamusoro pavanakomana vokusaterera.
7. Naizvozvo regai kushamwaridzana navo;
8. nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza munaShe; fambai savana vechiedza.
9. (Nokuti chibereko chemweya chiri mukunaka kwose, nokururama, nezvokwadi),
10. muchiidza kuti ndezvipi zvinofadza Ishe.
11. Regai kuyanana namabasa erima asine zvibereko, asi zvirinani kuti muraire;
12. nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirebwa.
13. Asi zvinhu zvose, kana zvarairwa, zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvose, zvinoratidzwa, chava chiedza.
14. Saka iye unoti: Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu uchakuvhenekera.
15. Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera;
16. mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.
17. Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaShe.
18. Regai kubatwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora, asi muzadzwe noMweya;
19. mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumoyo yenyu;
20. muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raShe wedu, Jesu Kristu;
21. muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Mwari.
22. Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe.
23. Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri.
24. Asi kereke sezvairi pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo.
25. Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadavo kereke, akazvipa nokuda kwayo;
26. kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko,
27. kuti azviisire pamberi pake kereke, inobwinya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana chinhu chakadai; asi ive tsvene, isinemhosva.
28. Saizvozvo vo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida;
29. nokuti hakuno munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira kereke;
30. nokuti isu tiri mitezo yomuviri wake, yenyama yake neyamafupa ake.
31. Naizvozvo munhu uchasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe.
32. Chakavanzika ichi, chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke.
33. Asi imivo, mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake.

  Ephesians (5/6)