| ← Ephesians (5/6) → |
| 1. | Naizvozvo ivai vateveri vaMwari savana vanodikanwa; |
| 2. | fambai murudo, Kristu sezvaakakudai vo, akazvipa nokuda kwedu, kuti ave chipo nechibayiro kunaMwari, zviite bwema bwunonhuwira. |
| 3. | Asi vupombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurebwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; |
| 4. | nezvakaipa, nokutaura zvovupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zvirinani kuvonga. |
| 5. | Nokuti munoziva kwazvo, kuti hakune mhombwe, kana munhu unetsvina, kana unochiva, ndiye unonamata zvifananidzo, ungadya nhaka muvushe bwaKristu nobwaMwari. |
| 6. | Ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai namashoko asinamaturo; nokuti nemhaka yezvinhu izvi kutsamwa kwaMwari kunovuya pamusoro pavanakomana vokusaterera. |
| 7. | Naizvozvo regai kushamwaridzana navo; |
| 8. | nokuti kare maiva rima, asi zvino muri chiedza munaShe; fambai savana vechiedza. |
| 9. | (Nokuti chibereko chemweya chiri mukunaka kwose, nokururama, nezvokwadi), |
| 10. | muchiidza kuti ndezvipi zvinofadza Ishe. |
| 11. | Regai kuyanana namabasa erima asine zvibereko, asi zvirinani kuti muraire; |
| 12. | nokuti izvo, zvinoitwa navo pakavanda, zvinonyadza kana zvichirebwa. |
| 13. | Asi zvinhu zvose, kana zvarairwa, zvinoratidzwa nechiedza; nokuti zvose, zvinoratidzwa, chava chiedza. |
| 14. | Saka iye unoti: Muka iwe uvete, muka kuvakafa, Kristu uchakuvhenekera. |
| 15. | Naizvozvo chenjerai kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; |
| 16. | mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa. |
| 17. | Saka musava mapenzi, asi muzive kuda kwaShe. |
| 18. | Regai kubatwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora, asi muzadzwe noMweya; |
| 19. | mutaurirane pakati penyu namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvoMweya, muimbire, muridzire Ishe mumoyo yenyu; |
| 20. | muchivonga Mwari, Baba, nguva dzose pamusoro pezvinhu zvose, muzita raShe wedu, Jesu Kristu; |
| 21. | muchizviisa mumwe pasi pomumwe, muchitya Mwari. |
| 22. | Imi vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu chaivo, sezvamunoita kunaShe. |
| 23. | Nokuti murume musoro womukadzi, saKristuvo musoro wekereke; iye amene ndiye muponesi womuviri. |
| 24. | Asi kereke sezvairi pasi paKristu, vakadzi ngavadaro pazvinhu zvose kuvarume vavo. |
| 25. | Imi varume, idai vakadzi venyu, Kristu sezvaakadavo kereke, akazvipa nokuda kwayo; |
| 26. | kuti aiite tsvene achiinatsa nokushambidza kwemvura pashoko, |
| 27. | kuti azviisire pamberi pake kereke, inobwinya, isinegwapa, kana kuwonyana, kana chinhu chakadai; asi ive tsvene, isinemhosva. |
| 28. | Saizvozvo vo varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo. Unoda mukadzi wake, unozvida; |
| 29. | nokuti hakuno munhu wakatongovenga nyama yake; asi unoipa zvokudya nokuichengeta, Kristu sezvaanoitira kereke; |
| 30. | nokuti isu tiri mitezo yomuviri wake, yenyama yake neyamafupa ake. |
| 31. | Naizvozvo munhu uchasiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake; ivavo vaviri vachava nyama imwe. |
| 32. | Chakavanzika ichi, chikuru, asi ndinotaura zvaKristu nezvekereke. |
| 33. | Asi imivo, mumwe nomumwe ngaade mukadzi wake sezvaanozvida iye; nomukadzi ngaatye murume wake. |
| ← Ephesians (5/6) → |