← Ephesians (4/6) → |
1. | Naizvozvo ini musungwa munaShe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako, |
2. | nokuzvininipisa kwose novunyoro, nomoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo; |
3. | muchishingaira kuchengeta vumwe bwoMweya muchisungo chorugare. |
4. | Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadanwa vo mutariro imwe yokudanwa kwenyu; |
5. | Ishe mumwe, nokutenda kumwe, norubhabhatidzo rumwe, |
6. | naMwari mumwe, naBaba vavose, uri pamsoro pavose, unobata navose, uri mukati menyu mose. |
7. | Asi mumwe nomumwe wedu wakapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu. |
8. | Naizvozvo unoti: Wakakwira kumusoro akatapa vatapwa, Akapa vanhu zvipo, |
9. | (Zvino kuti: Wakakwira, chinyiko, asi kuti, wakaburuka pakutanga vo kumativi ari pasi panyika? |
10. | Wakaburuka ndiye wakakwira vo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose.) |
11. | Zvino wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaEvhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi; |
12. | kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu; |
13. | kudzimana isu tose tisvike pavumwe bwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero chovukuru bwokuzara kwaKristu; |
14. | kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera; |
15. | asi tireve zvokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro; |
16. | muviri wose wakasonganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzino simbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata nechiyero chawo, kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo. |
17. | Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musafamba savamwe vahedheni, vanofamba vo novupenzi bwokurangarira kwavo, |
18. | vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa pavupenyu bwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwovukukutu bwomoyo yavo; |
19. | vakazvipa vasine hanya kuvutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva. |
20. | Asi imi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo, |
21. | kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri zvokwadi munaJesu: |
22. | kuti pamufambire wenyu wokutanga mubvise munhu wekare, unovodzwa nokuchiva kwokunyengera; |
23. | muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu, |
24. | mufuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, novutsvene bwezvokwadi. |
25. | Naizvozvo bvisai nhema, mutaure zvokwadi, mumwe nomumwe kuno wokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe. |
26. | Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa; |
27. | musapa Dhiabhorosi nzvimbo. |
28. | Wakaba, ngaarege kuba zve; asi zvirinani kuti atambudzike, abate namavoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshaiwa. |
29. | Mumuromo wenyu murege kubuda shoko rakavora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa. |
30. | Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa. |
31. | Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri; |
32. | muitirane moyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, se zvamakakanganwirwa naMwari. |
← Ephesians (4/6) → |