Ephesians (4/6)  

1. Naizvozvo ini musungwa munaShe, ndinokumbira zvikuru kuti mufambe zvakafanira kudanwa kwamakadanwa nako,
2. nokuzvininipisa kwose novunyoro, nomoyo murefu, muchiitirana moyo murefu murudo;
3. muchishingaira kuchengeta vumwe bwoMweya muchisungo chorugare.
4. Kuno muviri mumwe, noMweya mumwe, sezvamakadanwa vo mutariro imwe yokudanwa kwenyu;
5. Ishe mumwe, nokutenda kumwe, norubhabhatidzo rumwe,
6. naMwari mumwe, naBaba vavose, uri pamsoro pavose, unobata navose, uri mukati menyu mose.
7. Asi mumwe nomumwe wedu wakapiwa nyasha nechiyero chechipo chaKristu.
8. Naizvozvo unoti: Wakakwira kumusoro akatapa vatapwa, Akapa vanhu zvipo,
9. (Zvino kuti: Wakakwira, chinyiko, asi kuti, wakaburuka pakutanga vo kumativi ari pasi panyika?
10. Wakaburuka ndiye wakakwira vo kumusoro-soro kwedenga rose, kuti azadzise zvose.)
11. Zvino wakapa vamwe kuti vave vaapostora, vamwe vaporofita, vamwe vaEvhangeri, vamwe vafudzi navadzidzisi;
12. kuti vatsvene vakwanisirwe basa ravo rokushumira, nerokuvaka muviri waKristu;
13. kudzimana isu tose tisvike pavumwe bwokutenda nokuziva Mwanakomana waMwari, napamunhu wakura, napachiyero chovukuru bwokuzara kwaKristu;
14. kuti tirege kuramba tichingova vacheche, tichizununguswa nokudzingwa nemhepo ipi neipi yokudzidzisa nokunyengera kwavanhu, namano, kuti vatsause nokunyengera;
15. asi tireve zvokwadi murudo, tigokura maari pazvose, iye Kristu, Musoro;
16. muviri wose wakasonganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzino simbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata nechiyero chawo, kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo.
17. Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musafamba savamwe vahedheni, vanofamba vo novupenzi bwokurangarira kwavo,
18. vakasvibirwa pakunzwisisa kwavo, vari vatorwa pavupenyu bwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mukati mavo, nokuda kwovukukutu bwomoyo yavo;
19. vakazvipa vasine hanya kuvutere, kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva.
20. Asi imi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo,
21. kana ari iye hake wamakanzwa, nokudzidziswa maari, seiri zvokwadi munaJesu:
22. kuti pamufambire wenyu wokutanga mubvise munhu wekare, unovodzwa nokuchiva kwokunyengera;
23. muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu,
24. mufuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, novutsvene bwezvokwadi.
25. Naizvozvo bvisai nhema, mutaure zvokwadi, mumwe nomumwe kuno wokwake; nokuti tiri mitezo, mumwe womumwe.
26. Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa;
27. musapa Dhiabhorosi nzvimbo.
28. Wakaba, ngaarege kuba zve; asi zvirinani kuti atambudzike, abate namavoko ake basa rakanaka, kuti ave nechaangapa unoshaiwa.
29. Mumuromo wenyu murege kubuda shoko rakavora, asi rakanaka, ringasimbisa pakafanira, rivigire nyasha avo vanonzwa.
30. Regai kuchemedza Mweya Mutsvene waMwari, wamakaisirwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rokudzikinurwa.
31. Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri;
32. muitirane moyo munyoro, munzwirane tsitsi, mukanganwirane, se zvamakakanganwirwa naMwari.

  Ephesians (4/6)