Ephesians (3/6)  

1. Nemhaka iyi, ini Pauro, ndiri musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu, imi vahedheni,
2. kana makanzwa henyu kugoverwa kwenyasha dzaMwari dzandakapiwa pamusoro penyu;
3. kuti zvakanga zvakavanzika zvakandiziviswa pakuzarurirwa, sezvandakambokunyorerai namashoko mashoma;
4. kana muchirava iwo, mungavona kuziva kwangu zvakavanzika zvaKristu;
5. zvakanga zvisina kuziviswa vanakomana vavanhu panedzimwe nguva, sezvazvakazarurirwa vaapostora vatsvene, navaporofita zvino muMweya;
6. Kuti Vahedheni vave vadyi venhaka pamwe chete nesu, nomuviri mumwe nesu vagovani vechipikirwa chake pamwe chete nesu muna Kristu neEvhangeri
7. yandakaitwa mushumiri wayo nechipo chenyasha dzaMwari, chandakapiwa nokubata kwesimba rake.
8. Ini, muduku kwazvo kuvatsvene vose, ndakapiwa nyasha idzi, kuti ndiparidzire vahedheni fuma isinganzwerwi yaKristu,
9. nokuratidza vose kuti kugoverwa kwakadiniko kwezvakavanzika, zvakanga zvakafukidzwa munaMwari, wakasika zvose, naKristu Jesu kubva panguva yokutanga;
10. kuti zvino vabati navanesimba kudenga va ziviswe nekereke kuchenjera kukuru kwaMwari;
11. sechirevo chokutanga-tanga chaakatema munaKristu Jesu, Ishe wedu;
12. maari tinokutsunga kwedu nokupinda kwedu tisingatyi, nokutenda kwake.
13. Saka ndinokumbira kuti murege kupera moyo nokutambudzika kwangu pamusoro penyu; ndiko kukudzwa kwenyu.
14. Nemhaka iyi ndinofugama namabvi angu kunaBaba, vaShe wedu Jesu Kristu
15. avo, rudzi rwose kudenga napanyika runotumidzwa nezita ravo,
16. kuti vakupei pafuma yokubwinya kwavo kukuru, simba kuti musimbiswe noMweya wavo mumunhu womukati;
17. kuti Kristu agare pamoyo yenyu nokutenda; kuti imi, munemidzi yenyu nenheyo dzenyu murudo;
18. muve nesimba rokunzwisisa pamwe chete navatsvene vose, kuti kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika kwakadiniko,
19. nokuziva rudo rwaKristu, runopfuvura kuziva, kuti muzadziswe nokuzara kwose kwaMwari.
20. Zvino, iye unesimba rokuita zvikuru kwazvo zvinopfuvura zvose zvatinokumbira kana zvatinofunga, nesimba rinobata mukati medu,
21. ngaave nokubwinya mukereke munaKristu Jesu, kusvikira kumarudzi ose nokusingaperi-peri, Ameni.

  Ephesians (3/6)