| ← Ephesians (2/6) → |
| 1. | Wakakuraramisai imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi zvenyu, |
| 2. | izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba redenga, dzomweya unobata zvino muvana vokusaterera; |
| 3. | vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, napakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa. |
| 4. | Zvino Mwari unenyasha zhinji-zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo, |
| 5. | kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, wakatiraramisa pamwe chete naKristu (makaponeswa nenyasha; |
| 6. | akatimutsa pamwe naye, akatigarisa kudenga pamwe chete naye, munaKristu Jesu;. |
| 7. | kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma huru huru yenyasha dzake pavunyoro bwake kwatiri munaKristu Jesu; |
| 8. | nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari; |
| 9. | hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu unozvikudza. |
| 10. | Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari. |
| 11. | Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi vasina kudzingiswa naivo vanonzi vokudzingiswa, kuri munyama, kunoitwa namavoko; |
| 12. | kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa pavushe bwavaIsraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa musina tariro, musina Mwari panyika. |
| 13. | Asi zvino munaKristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu. |
| 14. | Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwokuparadzanisa; |
| 15. | zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murairo wezvakarairwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo; |
| 16. | kuti mumuchinjikwa ayananise zve vose vaviri, vave muviri mumwe kunaMwari, zvaakavuraya kuvengana naiwo muchinjikwa; |
| 17. | akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kunaivo vaiva pedo; |
| 18. | nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kunaBaba. |
| 19. | Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi vobwo pamwe chete navatsvene, naveimba yaMwari. |
| 20. | Makavakwa pamusoro penheyo dzavaapostora navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona. |
| 21. | Maari imba yose yakasonganiswa ichikura kuti ive tembere tsvene munaMwari. |
| 22. | Maari nemi vo makavakwa pamwe chete, kuti muve vugaro bwaMwari muMweya. |
| ← Ephesians (2/6) → |