Ephesians (2/6)  

1. Wakakuraramisai imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi zvenyu,
2. izvo zvamaifamba mukati mazvo kare, netsika dzenyika ino, nenzira dzomuchinda wesimba redenga, dzomweya unobata zvino muvana vokusaterera;
3. vataifamba tose pakati pavo kare, mukuchiva kwenyama yedu, tichiita kuda kwenyama nokwokufunga kwedu, napakuzvarwa kwedu isu navamwe vose taiva vana vokutsamwirwa.
4. Zvino Mwari unenyasha zhinji-zhinji, nokuda kworudo rwake rukuru, rwaakatida narwo,
5. kunyange takanga takafa mukudarika kwedu, wakatiraramisa pamwe chete naKristu (makaponeswa nenyasha;
6. akatimutsa pamwe naye, akatigarisa kudenga pamwe chete naye, munaKristu Jesu;.
7. kuti nenguva dzinovuya aratidze fuma huru huru yenyasha dzake pavunyoro bwake kwatiri munaKristu Jesu;
8. nokuti makaponeswa nenyasha, nokutenda; izvo zvisingabvi kwamuri, asi chipo chaMwari;
9. hazvibvi pamabasa, kuti kurege kuva nomunhu unozvikudza.
10. Nokuti tiri basa rake, takasikwa kuti munaKristu Jesu tiite mabasa akanaka, akagadzirwa kare naMwari kuti tifambe maari.
11. Naizvozvo rangarirai, kuti imi vahedheni munyama, mainzi vasina kudzingiswa naivo vanonzi vokudzingiswa, kuri munyama, kunoitwa namavoko;
12. kuti nenguva iyo makanga musina Kristu, muri vatorwa pavushe bwavaIsraeri, muri vaeni pasungano dzechipikirwa musina tariro, musina Mwari panyika.
13. Asi zvino munaKristu Jesu imi, makanga muri kure kare, makaswededzwa muropa raKristu.
14. Nokuti ndiye rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwokuparadzanisa;
15. zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murairo wezvakarairwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo;
16. kuti mumuchinjikwa ayananise zve vose vaviri, vave muviri mumwe kunaMwari, zvaakavuraya kuvengana naiwo muchinjikwa;
17. akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kunaivo vaiva pedo;
18. nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kunaBaba.
19. Naizvozvo, hamuzati muchiri vaeni navatorwa, asi vobwo pamwe chete navatsvene, naveimba yaMwari.
20. Makavakwa pamusoro penheyo dzavaapostora navaporofita, Kristu Jesu amene ari ibwe rapakona.
21. Maari imba yose yakasonganiswa ichikura kuti ive tembere tsvene munaMwari.
22. Maari nemi vo makavakwa pamwe chete, kuti muve vugaro bwaMwari muMweya.

  Ephesians (2/6)