| Ephesians (1/6) → |
| 1. | Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari {paEfeso}, nokuna vanotenda munaKristu Jesu: |
| 2. | Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu. |
| 3. | Ngaavongwe Mwari naBaba vaShe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga munaKristu, |
| 4. | sezvaakatisanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene vasinemhosva pamberi pake murudo; |
| 5. | akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake, |
| 6. | kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muMudikanwa wake, kurumbidzwe; |
| 7. | uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake; |
| 8. | dzaakawanza kwatiri nokuchenjera kwose nokuziva; |
| 9. | akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari; |
| 10. | kuti afambise kuzara kwenguva, avunganidze munaKristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi. |
| 11. | munaiye, watakaitwa vo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita zvose nokufunga kwokuda kwake; |
| 12. | kuti tirumbidze kubwinya kwake, isu takatarira kare kunaKristu; |
| 13. | munaiye, nemi vo, makanzwa shoko rezvokwadi maari, iyo Evhangeri yokuponeswa kwenyu; munaiye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa chisimbiso noMweya Mutsvene wamakapikirwa; |
| 14. | uri rubatso rwenhaka yedu, kuratidza kudzikinurwa kwavanhu vaMwari chaivo, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe. |
| 15. | Saka neni vo, ndakati ndanzwa kutenda munaShe Jesu kuri pakati penyu, norudo kuvatsvene vose, |
| 16. | handiregi kuvonga pamusoro penyu, ndichikurangarirai paminyengetero yangu; |
| 17. | kuti Mwari waShe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya kukuru, akupei mweya wokuchenjera nowokuzarurirwa pakumuziva; |
| 18. | Mavhenekerwa meso omoyo wenyu kuti muzive kuti kudana kwake kunetariro yei, nefuma yokubwinya kwenhaka yake pakati pavatsvene. |
| 19. | novukuru bwakapfuvurisa bwesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokubata kwesimba rake guru, |
| 20. | raakabata munaKristu, achimumutsa kuvakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kudenga., |
| 21. | kumusoro-soro kwavabati vose, novukuru, nesimba, novushe, namazita ose anorebwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi paneinozovuya vo; |
| 22. | akaisa zvose pasi petsoka dzake, akapa kereke iye, kuti ave musoro wazvose, |
| 23. | ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye unozadzisa zvose munavose. |
| Ephesians (1/6) → |