Ephesians (1/6)  

1. Pauro, muapostora waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari {paEfeso}, nokuna vanotenda munaKristu Jesu:
2. Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kunaMwari, Baba vedu, naShe Jesu Kristu.
3. Ngaavongwe Mwari naBaba vaShe wedu Jesu Kristu, wakatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga munaKristu,
4. sezvaakatisanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene vasinemhosva pamberi pake murudo;
5. akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake,
6. kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muMudikanwa wake, kurumbidzwe;
7. uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake;
8. dzaakawanza kwatiri nokuchenjera kwose nokuziva;
9. akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari;
10. kuti afambise kuzara kwenguva, avunganidze munaKristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi.
11. munaiye, watakaitwa vo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokuraira kwaiye, unoita zvose nokufunga kwokuda kwake;
12. kuti tirumbidze kubwinya kwake, isu takatarira kare kunaKristu;
13. munaiye, nemi vo, makanzwa shoko rezvokwadi maari, iyo Evhangeri yokuponeswa kwenyu; munaiye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa chisimbiso noMweya Mutsvene wamakapikirwa;
14. uri rubatso rwenhaka yedu, kuratidza kudzikinurwa kwavanhu vaMwari chaivo, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.
15. Saka neni vo, ndakati ndanzwa kutenda munaShe Jesu kuri pakati penyu, norudo kuvatsvene vose,
16. handiregi kuvonga pamusoro penyu, ndichikurangarirai paminyengetero yangu;
17. kuti Mwari waShe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya kukuru, akupei mweya wokuchenjera nowokuzarurirwa pakumuziva;
18. Mavhenekerwa meso omoyo wenyu kuti muzive kuti kudana kwake kunetariro yei, nefuma yokubwinya kwenhaka yake pakati pavatsvene.
19. novukuru bwakapfuvurisa bwesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokubata kwesimba rake guru,
20. raakabata munaKristu, achimumutsa kuvakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kudenga.,
21. kumusoro-soro kwavabati vose, novukuru, nesimba, novushe, namazita ose anorebwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi paneinozovuya vo;
22. akaisa zvose pasi petsoka dzake, akapa kereke iye, kuti ave musoro wazvose,
23. ndiwo muviri wake, kuzara kwaiye unozadzisa zvose munavose.

      Ephesians (1/6)