Ecclesiastes (9/12)  

1. Nokuti izvozvo zvose ndakazvira ngarira nomoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo.
2. Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa wakarurama nowakaipa, wakanaka nowakachena noane tsvina, anobayira noasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika noanotya kupika.
3. Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, moyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa.
4. Nokuti kana munhu achiri pakati pavapenyu vose, achine chinhu chaangatarira; nokuti imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.
5. Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi.
6. Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachino mugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.
7. Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, unwe waini yako nomoyo wakafara; nokuti Mwari atofadzwa namabasa ako.
8. nguvo dzako dzigare dzakachena, nomusoro wako urege kushaiwa mafuta.
9. Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoda, mazuva ako ose asina maturo, aakakupa pasi pezuva, mazuva ako ose asina maturo; nokuti ndiwo mugove wako paupenyu, uye pakubata kwako kwaunobata pasi pezuva.
10. Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.
11. Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti anomhanyisa haazi iye anokunda pakurwa ane simba haazi iye anokunda pakurwa, akachenjera haazi iye ane zvokudya , vanhu vane njere havazi ivo vane fuma, vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.
12. Nokuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe.
13. Ndakaonawo pasi pezuva uchenjeri hwakadai, ndikati hukuru.
14. Kwakanga kune guta duku, maiva navarume vashoma; mumwe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurwa nawo.
15. Zvino mukati maro makawanikwa murombo akanga akachenjera, iye akaponesa guta nouchenjeri hwake; asi hakuna munhu akarangarira munhu uyo murombo.
16. Ipapo ndakati, "Uchenjeri hunopfuura simba; kunyange zvakadaro uchenjeri hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi."
17. Mashoko avakachenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi.
18. Uchenjeri hunopfuura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.

  Ecclesiastes (9/12)