← Ecclesiastes (9/12) → |
1. | Nokuti izvozvo zvose ndakazvira ngarira nomoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo. |
2. | Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa wakarurama nowakaipa, wakanaka nowakachena noane tsvina, anobayira noasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika noanotya kupika. |
3. | Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, moyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa. |
4. | Nokuti kana munhu achiri pakati pavapenyu vose, achine chinhu chaangatarira; nokuti imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa. |
5. | Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi. |
6. | Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachino mugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva. |
7. | Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, unwe waini yako nomoyo wakafara; nokuti Mwari atofadzwa namabasa ako. |
8. | nguvo dzako dzigare dzakachena, nomusoro wako urege kushaiwa mafuta. |
9. | Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoda, mazuva ako ose asina maturo, aakakupa pasi pezuva, mazuva ako ose asina maturo; nokuti ndiwo mugove wako paupenyu, uye pakubata kwako kwaunobata pasi pezuva. |
10. | Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda. |
11. | Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti anomhanyisa haazi iye anokunda pakurwa ane simba haazi iye anokunda pakurwa, akachenjera haazi iye ane zvokudya , vanhu vane njere havazi ivo vane fuma, vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika. |
12. | Nokuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe. |
13. | Ndakaonawo pasi pezuva uchenjeri hwakadai, ndikati hukuru. |
14. | Kwakanga kune guta duku, maiva navarume vashoma; mumwe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurwa nawo. |
15. | Zvino mukati maro makawanikwa murombo akanga akachenjera, iye akaponesa guta nouchenjeri hwake; asi hakuna munhu akarangarira munhu uyo murombo. |
16. | Ipapo ndakati, "Uchenjeri hunopfuura simba; kunyange zvakadaro uchenjeri hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi." |
17. | Mashoko avakachenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi. |
18. | Uchenjeri hunopfuura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji. |
← Ecclesiastes (9/12) → |