Ecclesiastes (8/12)  

1. Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa.
2. Ndinoti, "Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari."
3. Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nokuti anoita zvose zvaanoda.
4. Nokuti shoko ramambo rine simba, ndiani angati kwaari, "Munoiteiko?"
5. Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; moyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa.
6. Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza;
7. nokuti haazivi zvichazovapo; nokuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini?
8. Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukanganwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita.
9. Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.
10. Saizvozvo ndakaona akaipa achivigwa, vanhu vakauya kuhwiro hwake; asi vakanga vaita zvakarurama vakabva panzvimbo tsvene, vakakanganikwa muguta; naizvozvo hazvina maturo.
11. Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, moyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa.
12. Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka;
13. asi akaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMwari.
14. Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, "Naizvozvi hazvina maturo."
15. Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, anwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
16. Zvino ndakati ndichirangarira nomoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati novusiku),
17. ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa.

  Ecclesiastes (8/12)