| ← Ecclesiastes (8/12) → |
| 1. | Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa. |
| 2. | Ndinoti, "Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari." |
| 3. | Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nokuti anoita zvose zvaanoda. |
| 4. | Nokuti shoko ramambo rine simba, ndiani angati kwaari, "Munoiteiko?" |
| 5. | Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; moyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa. |
| 6. | Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza; |
| 7. | nokuti haazivi zvichazovapo; nokuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini? |
| 8. | Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukanganwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita. |
| 9. | Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa. |
| 10. | Saizvozvo ndakaona akaipa achivigwa, vanhu vakauya kuhwiro hwake; asi vakanga vaita zvakarurama vakabva panzvimbo tsvene, vakakanganikwa muguta; naizvozvo hazvina maturo. |
| 11. | Kutongwa zvakusingakurumidzi kuuya pamusoro pebasa rakaipa, moyo yavanakomana vavanhu inotsungirira kuita zvakaipa. |
| 12. | Kunyange mutadzi akaita zvakaipa rune zana, akava namazuva mazhinji, kunyange zvakadaro ndinoziva zvirokwazvo kuti vanotya Mwari, vanotya pamberi pake, vachagara zvakanaka; |
| 13. | asi akaipa haangagari zvakanaka, haangavi namazuva mazhinji, zvaakafanana nomumvuri; nokuti haatyi pamberi paMwari. |
| 14. | Chinhu chisina maturo chiripo, chinoitwa panyika, ndicho kuti vakarurama variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakaipa, uyezve vakaipa variko vanoitirwa sezvinoitirwa mabasa avakarurama; ndikati, "Naizvozvi hazvina maturo." |
| 15. | Ipapo ndakarumbidza mufaro, nokuti munhu haane chinhu chinopfuura ichi, kuti adye, anwe, afare; kuti izvozvo zvigare naye pakubata kwake mazuva ose ohupenyu hwake, hwaakapiwa naMwari pasi pezuva. |
| 16. | Zvino ndakati ndichirangarira nomoyo wangu kuti ndizive uchenjeri nokuona kubata kunoitwa panyika (nokuti vamwe variko vasingaoni hope nameso avo masikati novusiku), |
| 17. | ndikaona mabasa ose aMwari, kuti munhu haanganzwisisi mabasa ose anoitwa pasi pezuva; nokuti kunyange munhu akatambura hake kuti azvinzvere, haanganzwisisi hake; zvirokwazvo, kunyange munhu, akachenjera, achiti, ndinozviziva, kunyange zvakadaro, haangagoni kuzvinzwisisa. |
| ← Ecclesiastes (8/12) → |