Ecclesiastes (7/12)  

1. Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa.
2. Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamoyo pake.
3. Kuchema kunopfuura kuseka, nokuti moyo unofadzwa nokupunyaira kwechiso.
4. moyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi moyo yamapenzi iri paimba yokufara.
5. Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi.
6. Nokuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo.
7. Zvirokwazvo kumanikidza kunoita muchenjeri benzi; uye fufuro inoparadza njere.
8. Kuguma kwechinhu kunopfuura kutanga kwacho; ano moyo murefu anopfuura ano moyo unozvikudza.
9. Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi.
10. Usati, "Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko?" Nokuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri.
11. Uchenjeri hwakaenzana nenhaka; zvirokwazvo, hwakaisvonaka kuna vanoona zuva.
12. Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo, asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta hupenyu hwaiye anahwo.
13. Cherekedza basa raMwari, nokuti ndiani angaruramisa chaakakombamisa iye?
14. Fara nezuva rokugara zvakanaka, rangarira nezuva rokutambudzika; Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviviri, kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake.
15. Izvozvi zvose ndakazviona pamazuva angu asina maturo. Akarurama ariko, anoparara pakati pokururama kwake, uyezve, munhu akaipa ariko, anorarama nguva huru pakati pezvakaipa zvake.
16. Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?
17. Usava munhu akaisvoipa, uye usava benzi; uchafireiko nguva yako isati yasvika?
18. Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uye usabvisa ruoko rwako panechecho; nokuti anotya Mwari, achapukunyuka panaizvozvo zvose.
19. Uchenjeri hunosimbisa akachenjera kupfuura vabati vane gumi vari muguta.
20. Zvirokwazvo, hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka, asingatadzi.
21. Uyezve, usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka.
22. Nokuti kazhinji moyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.
23. Izvozvi zvose ndakazviidza nouchenjeri; ndakati, "Ndichava akachenjera; asi zvakanga zviri kure neni."
24. Izvo, zviripo, zviri kure, zvakadzika kwazvo, ndiani angazviziva?
25. Ndakatendeuka, moyo wangu ukada kuziva nokunzvera, nokutsvaka uchenjeri namano, ndizive kuti kuipa upenzi, noupenzi kupenga.
26. Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, moyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani anofadza Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye.
27. Zvanzi noMuparidzi, "Tarirai, ndizvozvi zvandakawana, ndichiverenga chinhu chimwe nechimwe, kuti ndiwane shumo yazvo;
28. zvinongoramba zvichitsvakwa nomweya wangu, asi ndigere kuzviwana, ndakawana murume mumwe pakati pechiuru chezana, asi handina kuwana mukadzi pakati pavazhinji vakadai.
29. Asi tarirai, chinhu chimwe ichi chete ndicho chandakawana, kuti Mwari akaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji."

  Ecclesiastes (7/12)