| ← Ecclesiastes (7/12) → |
| 1. | Mbiri yakanaka inopfuura chizoro chakanaka, nezuva rokufa kupfuura zuva rokuzvarwa. |
| 2. | Zviri nani kuenda kuimba yokuchema, pakuenda kuimba yomutambo; nokuti ndiwo mugumo wavanhu vose; munhu mupenyu achazvirangarira pamoyo pake. |
| 3. | Kuchema kunopfuura kuseka, nokuti moyo unofadzwa nokupunyaira kwechiso. |
| 4. | moyo yavakachenjera iri paimba yokuchema, asi moyo yamapenzi iri paimba yokufara. |
| 5. | Zviri nani kuti munhu anzwe kutuka kwavakachenjera, pakuti anzwe kuimba kwamapenzi. |
| 6. | Nokuti kuseka kwebenzi kwakafanana nokuputika kweminzwa pasi pehari; naizvozvowo hazvina maturo. |
| 7. | Zvirokwazvo kumanikidza kunoita muchenjeri benzi; uye fufuro inoparadza njere. |
| 8. | Kuguma kwechinhu kunopfuura kutanga kwacho; ano moyo murefu anopfuura ano moyo unozvikudza. |
| 9. | Usakurumidza pamweya wako kutsamwa, nokuti kutsamwa kunogara pachipfuva chamapenzi. |
| 10. | Usati, "Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko?" Nokuti haungabvunzi saizvozvo nouchenjeri. |
| 11. | Uchenjeri hwakaenzana nenhaka; zvirokwazvo, hwakaisvonaka kuna vanoona zuva. |
| 12. | Nokuti uchenjeri chitaviridzo, mariwo chitaviridzo, asi kunakisa kwezivo ndiko, kuti uchenjeri hunochengeta hupenyu hwaiye anahwo. |
| 13. | Cherekedza basa raMwari, nokuti ndiani angaruramisa chaakakombamisa iye? |
| 14. | Fara nezuva rokugara zvakanaka, rangarira nezuva rokutambudzika; Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviviri, kuti munhu arege kuziva zviri mberi kwake. |
| 15. | Izvozvi zvose ndakazviona pamazuva angu asina maturo. Akarurama ariko, anoparara pakati pokururama kwake, uyezve, munhu akaipa ariko, anorarama nguva huru pakati pezvakaipa zvake. |
| 16. | Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko? |
| 17. | Usava munhu akaisvoipa, uye usava benzi; uchafireiko nguva yako isati yasvika? |
| 18. | Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uye usabvisa ruoko rwako panechecho; nokuti anotya Mwari, achapukunyuka panaizvozvo zvose. |
| 19. | Uchenjeri hunosimbisa akachenjera kupfuura vabati vane gumi vari muguta. |
| 20. | Zvirokwazvo, hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka, asingatadzi. |
| 21. | Uyezve, usava nehanya namashoko ose anotaurwa, kuti urege kunzwa muranda wako achikutuka. |
| 22. | Nokuti kazhinji moyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo. |
| 23. | Izvozvi zvose ndakazviidza nouchenjeri; ndakati, "Ndichava akachenjera; asi zvakanga zviri kure neni." |
| 24. | Izvo, zviripo, zviri kure, zvakadzika kwazvo, ndiani angazviziva? |
| 25. | Ndakatendeuka, moyo wangu ukada kuziva nokunzvera, nokutsvaka uchenjeri namano, ndizive kuti kuipa upenzi, noupenzi kupenga. |
| 26. | Ndikawana chinhu chinovava kukunda rufu, ndiye mukadzi ari musungo, moyo wake ari mambure, namaoko ake zvisungo; Ani naani anofadza Mwari, achapukunyuka kwaari; asi mutadzi achabatwa naye. |
| 27. | Zvanzi noMuparidzi, "Tarirai, ndizvozvi zvandakawana, ndichiverenga chinhu chimwe nechimwe, kuti ndiwane shumo yazvo; |
| 28. | zvinongoramba zvichitsvakwa nomweya wangu, asi ndigere kuzviwana, ndakawana murume mumwe pakati pechiuru chezana, asi handina kuwana mukadzi pakati pavazhinji vakadai. |
| 29. | Asi tarirai, chinhu chimwe ichi chete ndicho chandakawana, kuti Mwari akaita munhu akarurama, asi ivo vakatsvaka mano mazhinji." |
| ← Ecclesiastes (7/12) → |