| ← Ecclesiastes (6/12) → |
| 1. | Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, chinoremedza vanhu. |
| 2. | Munhu anopiwa naMwari fuma nezvakawanda nokukudzwa, saizvozvo kuti mweya wake hautongoshaiwi chinhu chaanoda; asi Mwari haamupi simba rokudya izvozvo; asi mutorwa anozvidya, ichi hachina maturo, ihosha yakaipa. |
| 3. | Kana munhu akabereka vana vane zana, akararama makore mazhinji, mazuva amakore ake akava mazhinji, asi mweya wake asingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana wakaberekwa nguva isati yasvika anopfuura iye; |
| 4. | nokuti anouya asina maturo, anoendazve murima, zita rake rinofukidzwa nerima; |
| 5. | uyezve, haana kuona zuva kana kuriziva; mwana akadai ane zororo kupfuura iye. |
| 6. | Zvirokwazvo, kunyange akararama makore ane zviuru zviviri zvamazana, asingafariri zvinhu zvakanaka, ko vose havaendi kunzvimbo imwe here? |
| 7. | Kubata kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake; kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi. |
| 8. | Nokuti akachenjera anokurira benzi nei? Kana murombo anei, iye anoziva kufamba zvakanaka pamberi pavapenyu. |
| 9. | Kuona kwameso kunopfuura kutsvakatsvaka kwomweya. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi. |
| 10. | Chinhu chipi nechipi, chakavapo, chakanguva chapiwa zita racho, zvakatarwa kuti munhu achava akadini, haangarwi noanomupfuura nesimba. |
| 11. | Nokuti mashoko mazhinji ariko, anowedzera zvisina maturo; munhu anobatsirwei nazvo? |
| 12. | Nokuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva? |
| ← Ecclesiastes (6/12) → |