Ecclesiastes (6/12)  

1. Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, chinoremedza vanhu.
2. Munhu anopiwa naMwari fuma nezvakawanda nokukudzwa, saizvozvo kuti mweya wake hautongoshaiwi chinhu chaanoda; asi Mwari haamupi simba rokudya izvozvo; asi mutorwa anozvidya, ichi hachina maturo, ihosha yakaipa.
3. Kana munhu akabereka vana vane zana, akararama makore mazhinji, mazuva amakore ake akava mazhinji, asi mweya wake asingagutswi nezvakanaka, uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana wakaberekwa nguva isati yasvika anopfuura iye;
4. nokuti anouya asina maturo, anoendazve murima, zita rake rinofukidzwa nerima;
5. uyezve, haana kuona zuva kana kuriziva; mwana akadai ane zororo kupfuura iye.
6. Zvirokwazvo, kunyange akararama makore ane zviuru zviviri zvamazana, asingafariri zvinhu zvakanaka, ko vose havaendi kunzvimbo imwe here?
7. Kubata kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake; kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.
8. Nokuti akachenjera anokurira benzi nei? Kana murombo anei, iye anoziva kufamba zvakanaka pamberi pavapenyu.
9. Kuona kwameso kunopfuura kutsvakatsvaka kwomweya. Naizvozvowo hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
10. Chinhu chipi nechipi, chakavapo, chakanguva chapiwa zita racho, zvakatarwa kuti munhu achava akadini, haangarwi noanomupfuura nesimba.
11. Nokuti mashoko mazhinji ariko, anowedzera zvisina maturo; munhu anobatsirwei nazvo?
12. Nokuti ndiani anoziva zvakafanira munhu paupenyu hwake, iwo mazuva ose oupenyu hwake husina maturo, anorarama somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvichazomutevera pasi pezuva?

  Ecclesiastes (6/12)