| ← Ecclesiastes (5/12) → |
| 1. | Ngwarira rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari; nokuti kuswedera kuzonzwa kunopfuura kubayira chibayiro chamapenzi; nokuti havazivi kuti vanoita zvakaipa. |
| 2. | Usakurumidza nomuromo wako, moyo wako urege kukurumidza kutaura shoko pamberi paMwari; nokuti Mwari ari kudenga, iwe uri pasi; naizvozvo mashoko ako ngaave mashoma. |
| 3. | Nokuti kurota kunouya namabasa mazhinji, nenzwi rebenzi namashoko mazhinji. |
| 4. | Kana uchinge wapikira Mwari mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti iye haafariri mapenzi; ripa zvaunopika. |
| 5. | Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi. |
| 6. | Usatendera muromo wako kutadzisa nyama yako; usati pamberi pomutumwa waMwari, Yakanga iri mhosho; Mwari achatsamwireiko inzwi rako,akaparadza basa ramaoko ako?" |
| 7. | Nokuti pakurota kuzhinji napamashoko mazhinji pane zvisina maturo zvizhinji; asi iwe utye Mwari. |
| 8. | Kana uchiona murombo achimanikidzwa, nokururamisa nokururama zvichibviswa nesimba panyika, usashamiswa nazvo; nokuti mukuru kuvakuru vose anocherekedza; vamwe variko vakuru kwavari. |
| 9. | Nokuti nyika inobatsirwa zvikuru nechinhu ichi, mambo anofarira kurimiwa kweminda. |
| 10. | Anoda sirivha, haangagutswi nesirivha, naiye anoda zvakawanda, haangagutswi nezvakawanda; naizvozvo hazvina maturo. |
| 11. | Kana fuma ichiwanda, vadyi vanowandawo; mwene wayo anobatsirwei, asi kungoona nameso ake. |
| 12. | Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta kwomufumi hakumutenderi kuvata. |
| 13. | Kune chinhu chakaisvoipa, chandakaona pasi pezuva, fuma inochengetwa nomwene wayo, ichimuonesa nhamo. |
| 14. | fuma iyo inopera nechinhu chakaipa chinomuwira; kana achinge abereka mwanakomana, haana chinhu muruoko rwake. |
| 15. | Sezvaakabuda mudumbu ramai vake, achadzokazve asina chinhu, sezvaakabuda; haana chaakatamburira, chaangatora, chaangaenda nacho muruoko rwake. |
| 16. | Nechinhu ichi chakaisvoipawo, kuti pazvose, sezvaakauya, saizvozvo achaendazve; zvino achawaneiko, zvaakatamburira mhepo? |
| 17. | Mazuva ake osewo anodya murima, anotambudzika kwazvo; anourwere neshungu. |
| 18. | Tarirai, zvandakaona kuti zvakanaka, zvinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose kwaanobata pasi pezuva, mazuva ose oupenyu hwake hwaakapiwa naMwari; nokuti ndiwo mugove wake. |
| 19. | Munhu mumwe nomumwewo, akapiwa naMwari fuma nezvakawanda, akapiwawo simba kuti azvidye nokutora icho chipo chinobva kuna Mwari. |
| 20. | Nokuti iye haangarangariri zvikuru mazuva oupenyu hwake, nokuti Mwari anopindura pamufaro womoyo wake. |
| ← Ecclesiastes (5/12) → |