Ecclesiastes (3/12)  

1. " Chinhu chimwe nechimwe chino musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro.
2. Nguva yokuberekwa, nenguva yokufa; nguva yokusima, nenguva yokudzura chakasimwa;
3. nguva yokuuraya, nenguva yokuporesa; nguva yokuputsa, nenguva yokuvaka;
4. nguva yokuchema, nenguva yokuseka; nguva yokuungudza, nenguva yokupembera;
5. nguva yokurasha mabwe, nenguva yokuunganidza mabwe; nguva yokumbundikira, nenguva yokurega kumbundikira;
6. nguva yokutsvaka, nenguva yokurega zvirashike; nguva yokuchengeta, nenguva yokurasha;
7. nguva yokubvarura, nenguva yokusona; nguva yokunyarara, nenguva yokutaura;
8. nguva yokuda, nenguva yokurwa, nenguva yorugare.
9. Ko iye anobata anobatsirwei nezvaanotamburira?
10. Ndakaona kutambudzika kwakapiwa vanakomana vavanhu naMwari, kuti vazvitambudze nazvo.
11. Chinhu chimwe nechimwe akachiita chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira.
12. Ndinoziva kuti hakune chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose.
13. Uyewo, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.
14. Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari, zvichagara nokusingaperi; hakune chinhu chingawedzerwa, kana chingabviswa pazviri; Mwari akazviita izvozvo, kuti vanhu vamutye.
15. Zviripo zvino, zvakanguva zvavapo; uye izvo, zvichavapo, zvakanguva zvavapo; anotsvakazve zvakanga zvapfuura.
16. Uyezve, ndakaona pasi pezuva, kuti panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo; uye panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.
17. Ndakati mumoyo mwangu, "Mwari ndiye achatonga akarurama nowakaipa, nokuti nguva iripo yeshoko rimwe nerimwe nebasa rimwe nerimwe."
18. Ndakati mumoyo mangu, "Izvi zvinoitwa nokuda kwavanakomana vavanhu, kuti Mwari avaidze, aone kuti ivo vamene vakangoita semhuka."
19. Nokuti zvinoitirwa vanakomana vavanhu ndizvo zvinoitirwawo mhuka; zvose zvinoitirwa chinhu chimwe. Mufiro womunhu, ndiwo mufiro wemhuka, zvose zvinokufema kumwe; munhu haana paanopfuura mhuka; nokuti zvose hazvina maturo.
20. Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.
21. Ndiani ungaziva kana kufema kunopa upenyu kumunhu kunokuisa kumusoro, kana kufema kunopa upenyu kumhuka kuchiburukira pasi?
22. Saka ndakaona kuti hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu afarire mabasa ake, nokuti ndiwo mugove wake; nokuti ndiani achamudzosazve kuti aone zvichamutevera.

  Ecclesiastes (3/12)