| ← Ecclesiastes (3/12) → |
| 1. | " Chinhu chimwe nechimwe chino musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro. |
| 2. | Nguva yokuberekwa, nenguva yokufa; nguva yokusima, nenguva yokudzura chakasimwa; |
| 3. | nguva yokuuraya, nenguva yokuporesa; nguva yokuputsa, nenguva yokuvaka; |
| 4. | nguva yokuchema, nenguva yokuseka; nguva yokuungudza, nenguva yokupembera; |
| 5. | nguva yokurasha mabwe, nenguva yokuunganidza mabwe; nguva yokumbundikira, nenguva yokurega kumbundikira; |
| 6. | nguva yokutsvaka, nenguva yokurega zvirashike; nguva yokuchengeta, nenguva yokurasha; |
| 7. | nguva yokubvarura, nenguva yokusona; nguva yokunyarara, nenguva yokutaura; |
| 8. | nguva yokuda, nenguva yokurwa, nenguva yorugare. |
| 9. | Ko iye anobata anobatsirwei nezvaanotamburira? |
| 10. | Ndakaona kutambudzika kwakapiwa vanakomana vavanhu naMwari, kuti vazvitambudze nazvo. |
| 11. | Chinhu chimwe nechimwe akachiita chakanaka panguva yacho; akaisawo zvisingaperi mumoyo mavo, kunyange zvakadaro munhu haangagoni kunzwisisa zvakabatwa naMwari kubva pakutanga kusvikira pakupedzisira. |
| 12. | Ndinoziva kuti hakune chinhu chakanaka pakati pavo chingapfuura ichi, kuti vafare, uye kuti vaite zvakanaka upenyu hwavo hwose. |
| 13. | Uyewo, kuti chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose. |
| 14. | Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari, zvichagara nokusingaperi; hakune chinhu chingawedzerwa, kana chingabviswa pazviri; Mwari akazviita izvozvo, kuti vanhu vamutye. |
| 15. | Zviripo zvino, zvakanguva zvavapo; uye izvo, zvichavapo, zvakanguva zvavapo; anotsvakazve zvakanga zvapfuura. |
| 16. | Uyezve, ndakaona pasi pezuva, kuti panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo; uye panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo. |
| 17. | Ndakati mumoyo mwangu, "Mwari ndiye achatonga akarurama nowakaipa, nokuti nguva iripo yeshoko rimwe nerimwe nebasa rimwe nerimwe." |
| 18. | Ndakati mumoyo mangu, "Izvi zvinoitwa nokuda kwavanakomana vavanhu, kuti Mwari avaidze, aone kuti ivo vamene vakangoita semhuka." |
| 19. | Nokuti zvinoitirwa vanakomana vavanhu ndizvo zvinoitirwawo mhuka; zvose zvinoitirwa chinhu chimwe. Mufiro womunhu, ndiwo mufiro wemhuka, zvose zvinokufema kumwe; munhu haana paanopfuura mhuka; nokuti zvose hazvina maturo. |
| 20. | Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu. |
| 21. | Ndiani ungaziva kana kufema kunopa upenyu kumunhu kunokuisa kumusoro, kana kufema kunopa upenyu kumhuka kuchiburukira pasi? |
| 22. | Saka ndakaona kuti hakune chinhu chinopfuura ichi, kuti munhu afarire mabasa ake, nokuti ndiwo mugove wake; nokuti ndiani achamudzosazve kuti aone zvichamutevera. |
| ← Ecclesiastes (3/12) → |