Ecclesiastes (12/12)    

1. Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako, mazuva akaipa asati asvika, namakore asati avapo;
2. zuva nechiedza, nomwedzi, nenyeredzi zvisati zvasvibiswa, makore achidzoka kana mvura yapfuura;
3. zuva iro, kana vatariri veimba vachidedera, varume vane simba vachikotama, vakuyi vachirega basa ravo, nokuti vava vashoma; navanotarira napamahwindo vasvibirwa;
4. mikova ichizarirwa inobudira kunzira dzokumusha, nenzwi rokukuya richidedera; kana achimuka nenzwi reshiri, navaimbi vose vasinganzwiki zvakanaka.
5. Zvirokwazvo vachatya zvakakwirira, nezvinotyisa zvichanzi zviri panzira; muamanda uchatumbuka maruva, nemhashu ichazvikwekweredza, uye kuda kwose kuchapera; nokuti munhu anoenda kumusha wake usingaperi, vachemi va chafamba-famba panzira dzomumusha;
6. rwonzi rwesirivha rusati rwadamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, chirongo chisati chaputswa patsime, nechichereso chinomonerwa chisati chavhunikira pachitubu,
7. guruva risati radzokera kuvhu, sezvarakanga rakaita; uye mweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
8. Zvanzi noMuparidzi, "Hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo!"
9. Zvino, Muparidzi zvaakanga ari munhu akachenjera, akapfuura achidzidzisa vanhu zivo; akarangarira, nokunzvera, nokurongedza zvirevo zvizhinji.
10. Muparidzi wakatsvaka kuti awane mashoko anofadza, uye zvakanyorwa nomoyo wakarurama, ari mashoko ezvokwadi.
11. Mashoko avakachenjera akafanana nezvibayiso; sembambo dzakaroverwa kwazvo, ndizvo zvakaita mashoko akaunganidzwa, akapiwa noMufudzi mumwechete.
12. Uyezve, mwanakomana wangu, unyeverwe; kuita bhuku zhinji hakuperi, uye kudzidza kuzhinji kunonetsa muviri.
13. Zvino shoko guru pazvose zvatanzwa, heri, "Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.
14. Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe, pamwechete nezvose zvakavanzika, kunyange zvakanaka, kunyange zvakaipa."

  Ecclesiastes (12/12)