Ecclesiastes (11/12)  

1. Kandira zvokudya zvako pamusoro pemvura, nokuti uchazviwanazve mazuva mazhinji apfuura.
2. Goverana navanomwe, kunyange navaserewo, nokuti hauzivi zvakaipa zvakadini zvingava panyika.
3. Kana makore azara nemvura, anoidururira panyika; uye kana muti ukawira pasi kurutivi rwezasi, kana rwokumusoro, ipo panowira muti ndipo pauchavata.
4. Anogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye anotarira makore, haangacheki.
5. Sezvausingazivi mafambiro wemhepo, kana makuriro amapfupa mudumbu romukadzi ane mimba, saizvozvowo hauzivi basa raMwari, anoita zvose.
6. Kusha mbeu dzako mangwanani, usabvisa ruoko rwako madekwana; no kuti hauzivi kuti chichakura ndechipi, kana ichi kana icho, kana zvimwe zviviri zvose zvichafanana pakunaka.
7. Zvirokwazvo, chiedza chakanaka, uye meso anofara nokuona zuva.
8. Zvirokwazvo, kana munhu akararama makore mazhinji, ngaafarire ose; asi ngaarangarire mazuva erima, kuti achava mazhinji; zvose zvinozouya hazvina maturo.
9. Fara hako, iwe jaya, pauduku hwako, moyo wako ngaukufadze pamazuva ohujaya hwako; famba nenzira dzomoyo wako, napakuona kwameso ako; asi uzive kuti Mwari uchazokutonga pamusoro paizvozvo zvose.
10. Dzinga zvinonetsa pamoyo pako, ubvise zvakaipa panyama yako, nokuti uduku noujaya hazvinamaturo.

  Ecclesiastes (11/12)