Ecclesiastes (1/12)  

1. Mashoko oMuparidzi, mwanako­mana waDhavhidhi, mambo paJeru­saremu.
2. Zvanzi noMuparidzi, hazvina ma­turo chose, hazvina maturo chose, zvose hazvina maturo chose!
3. Munhu angaba­tsirweiko nokutambudzika kwake kwose, kwaanotambudzika nako pasi pezuva?
4. Rudzi rumwe runoenda, rumwe ru­dzi runouya; asi pasi panongogarapo nokusingaperi.
5. Zuva rinobudawo, zuva rinovira, richikurumidzira kwarinozobu­dazve.
6. Mhepo inoenda zasi, yodzoka yoenda kumusoro; inoramba ichidzoka pakufamba kwayo; mhepo inodzokerazve pakupotereka kwayo.
7. Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwa­dzinodzokerazve.
8. Zvinhu zvose zvi­zere nokuneta; hakuna munhu angazvi­taura; ziso hariguti nokuona, nzeve haizari nokunzwa.
9. Chakanga chiripo, ndicho chichazovapo, chakamboitwa, ndicho chichazoitwa; hapane chinhu chitsva pasi pezuva.
10. Chinhu chiriko here, chatingati, "Tarirai, chinhu ichi chitvsa?" Chakanga chichingovapo kare, panguva dzakatita­ngira.
11. Marudzi akapfuura haacharanga­rirwi; namarudzi achazotevera, haangato­ngorangarirwi navanozovatevera.
12. Ini Muparidzi, ndakanga ndiri ma­mbo waIsiraeri paJerusaremu.
13. Ndika­rwadza moyo wangu kutsvaka noku­nzvera nouchenjeri zvose zvinoitwa pasi pedenga; ibasa rinotambudza rakapiwa vanakomana vavanhu vaMwari, kuti va­zvitambudze naro.
14. Ndakaona mabasa ose anoitwa pasi pezuva; tarirai, zvose hazvina maturo, ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
15. Cha­kakombama hachibviri kururamiswa; chi­noshaikwa hachibviri kuverengwa.
16. Ndakataurirana nomoyo wangu, ndichiti, "Tarira ndazviwanira uchenjeri hukuru, kukunda vose vakanditangira paJerusaremu;zvirokwazvo moyo wangu wakaona uchenjeri huzhinji nezivo."
17. Asi ndakati ndichirwadza moyo wa­ngu kuti ndizive uchenjeri nezivo, noupe­ngo noupenzi, ndikaona kuti naizvozvowo ndiko kudzingana nemhepo bedzi.
18. Nokuti muuchenjeri huzhinji munoku­chema kuzhinji; uye anowedzera zivo, anowedzera shungu.

      Ecclesiastes (1/12)