Deuteronomy (9/34)  

1. "Inzwa, iwe Isiraeri, nhasi unofanira kuyambuka Jorodhani, kuti upinde nyika kundopiwa ndudzi dzinokupfuura paukuru nesimba, dzive dzako, namaguta makuru ana masvingo anosvika kudenga,
2. navanhu vakuru varefu, vana vaAnaki, vaunoziva, vawakanzwa zvichinzi, `Ndianiko ungamira pamberi pavana vaAnaki?'
3. Naizvozvo uzive nhasi kuti Jehovha Mwari wako ndiye unokutungamirira somoto unoparadza; iye uchavaparadza, iye uchavakunda pamberi pako; naizvozvo iwe uchavadzinga, nokuvaparadza nokukurumidza, sezvawakaudzwa naJehovha.
4. "Zvino kana Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumoyo mako, uchiti, `Jehovha wakandipinza munyika ino ive yangu, nokuda kwokururama kwangu; nokuti Jehovha unodzinga ndudzi idzi nokuda kwokuipa kwavo.'
5. Haupindi munyika yavo, ive yako, nokuda kwokururama kwako, kana nokuda kwokururama kwomoyo wako; asi Jehovha Mwari wako unodzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwavo, uye kuti asimbise shoko rakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuna Abhurahamu, nokuna Isaka, nokuna Jakobho.
6. Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka ive yako, nokuda kwokururama kwako; nokuti uri rudzi rune mitsipa mikukutu.
7. "Rangarira, usakanganwa, kuti wakatsamwisa Jehovha Mwari wako sei murenje; kubva pazuva rawakabuda naro panyika yeIjipiti kudzimana masvika kunzvimbo iyi, makaramba muchimukira Jehovha.
8. NapaHorebhu makatsamwisa Jehovha, Jehovha akakutsamwirai, akada kukuparadzai.
9. Nguva yandakakwira pagomo kundogamuchira mahwendefa amabwe, iwo mahwendefa esungano, yaakaita iye Jehovha nemi, ndakagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kunwa mvura.
10. Zvino Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, akanga akanyorwa nomunwe waMwari; pamusoro pawo pakanga pakanyorwa mashoko ose akanga ataurwa kwamuri naJehovha pagomo, ari mukati momoto nomusi weungano.
11. Zvino mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana zvakati zvapera, Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, iwo mahwendefa esungano.
12. "Zvino Jehovha akati kwandiri, `Simuka, kurumidza kuburuka pano, nokuti vanhu vako vawakabudisa paIjipiti, vazvitadzira; vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira; vazviitira mufananidzo wakaumbwa.'
13. Uye Jehovha akataura neni, akati, `Ndaona rudzi urwu, tarira, rudzi rune mitsipa mikukutu;
14. ndirege, ndivaparadze, ndidzime zita ravo pasi pedenga, ndikuite iwe rudzi runovapfuura nesimba noukuru.'
15. "Naizvozvo ndakadzoka, ndikaburuka pagomo, gomo rikapfuta nomoto; zvino mahwendefa maviri esungano akanga ari mumaoko angu maviri.
16. Ndikatarira, ndikaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira mhuru yakaumbwa; makanga makurumidza kutsauka panzira yamakanga marairwa naJehovha.
17. Ndikabata mahwendefa maviri, ndikaarashira pasi muchizviona.
18. Ndikawira pasi pamberi paJehovha, sapakutanga, mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya, kana kunwa mvura, nokuda kwezvivi zvenyu zvose zvamakanga matadza, muchiita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa.
19. Nokuti ndakatya hasha nokutsamwa kukuru, kwamakatsamwirwa nako naJehovha, nokuti wakanga achida kukuparadzai. Asi Jehovha wakandinzwawo nenguva iyo.
20. Jehovha wakanga ane shunguvo kwazvo naAroni, akada kumuparadza, ndikanyengeterera Aroniwo nenguva iyo.
21. Ndikatora zvivi zvenyu, iyo mhuru iya yamakanga maumba, ndikaipisa nomoto, ndikaipwanya, nokuikuya kwazvo, kusvikira yatsetseka seguruva; ndikakandira guruva rayo murukova rwakanga ruchibva mugomo.
22. NapaTabherawo, napaMasa, napaKibhiroti-hatava makatsamwisa Jehovha.
23. Nenguva yamakatumwa naJehovha kuti mubve paKadheshi-bharinea, achiti, `Kwirai, mutore nyika, yandakakupai, ive yenyu,' makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu, mukasamutenda, nokusateerera inzwi rake.
24. Makaramba muchimukira Jehovha kubva pazuva randakatanga kukuzivai.
25. "Zvino ndikawira pasi pamberi paJehovha mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana, ndiyo nguva yandakawira pasi; nokuti Jehovha wakati, `Ndichakuparadzai.'
26. Zvino ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati, `Haiwa, Jehovha Mwari, musaparadza henyu vanhu venyu nenhaka yenyu, vamakadzikunura noukuru hwenyu, vamakabudisa paIjipiti neruoko rune simba.
27. Rangarirai varanda venyu, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho; musatarira kusindimara kwavanhu ava, kana kuipa kwavo, kana zvivi zvavo;
28. kuti nyika kwamakatibudisa,' irege kuzoti, `Jehovha wakavabudisa akavaurayira murenje, nokuti wakanga asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nokuti wakanga achivavenga.
29. Kunyange zvakadaro rudzi rwenyu nenhaka yenyu, rwamakabudisa nesimba renyu guru, noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.

  Deuteronomy (9/34)