| ← Deuteronomy (8/34) → |
| 1. | "Murayiro wose wandinokurairai nhasi munofanira kuchenjera kuti muuite, kuti mugorarama, nokuwanda, nokupinda munyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, muiite yenyu. |
| 2. | Unofanira kurangarira nzira yose yawakafambiswa nayo naJehovha Mwari wako murenje makore awa makumi mana, kuti akuninipise, nokukuidza, kuti azive zvaiva mumoyo mako, kana wakanga uchida kuchengeta mirairo yake, kana kwete. |
| 3. | Akakuninipisa, akakuziyisa nenzara, akakugutsa nemana yawakanga usingazivi, kunyange madzibaba ako akanga asingaziviwo; kuti akuzivise kuti munhu haararami nezvokudya zvoga, asi kuti munhu unorarama nezvose zvinobuda mumuromo waJehovha. |
| 4. | nguvo dzako hadzina kukusakarira, netsoka dzako hadzina kuzvimba makore awa makumi mana. |
| 5. | Funga mumoyo mako, kuti Jehovha Mwari wako unokuranga somunhu unoranga mwanakomana wake. |
| 6. | Unofanira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake nokumutya. |
| 7. | Nokuti Jehovha Mwari wako unokupinza munyika yakanaka, nyika ine hova dzemvura, namatsime, namadziva akadzika, anobuda pamipata napamakomo; |
| 8. | nyika ine zviyo, nebhari, nemizambiringa, nemionde, nemitamba; nyika yemiorivhi ina mafuta, nouchi; |
| 9. | nyika kwauchadya chingwa, usingashaiwi, kwausingatongoshaiwi chinhu; nyika ina mabwe emhangura, napamakomo ayo uchachera ndarira. |
| 10. | Uchadya ukaguta, ukavonga Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa. |
| 11. | "Chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha Mwari wako, ukasachengeta mirairo yake, nezvaakatonga, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; |
| 12. | kuti kana wadya ukaguta, ukavaka dzimba dzakanaka, ukagara madziri, |
| 13. | nemombe dzako namakwai ako akawanda, nesirivha yako nendarama yako ikawanda, nezvose zvaunazvo zvikawanda, |
| 14. | moyo wako ukazvikudza, ukakanganwa Jehovha Mwari wako, wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda; |
| 15. | iye wakakufambisa murenje guru rinotyisa, makanga mune nyoka dzinopenga nezvinyavada, nevhu rakaoma risina mvura; iye wakakubudisira mvura padombo romusarasara; |
| 16. | wakakugutsa murenje nemana, yakanga isina kuzikanwa namadzibaba ako, kuti akuninipise akuidze, kuti akuitire zvakanaka pakupedzisira; |
| 17. | kuti urege kuzoti mumoyo mako, `Simba rangu nokugona kworuoko rwangu ndizvo zvakandiwanisa fuma iyi.' |
| 18. | Asi unofanira kurangarira Jehovha Mwari wako, nokuti ndiye unokupa simba rokufuma; kuti asimbise sungano yake, yaakapikira madzibaba ako, sezvaanoita nhasi. |
| 19. | Zvino kana ukakanganwa Jehovha Mwari wako, ukatevera vamwe vamwari, ukavashumira, ukanamata kwavari, ndinokupupurirai nhasi kuti muchaparadzwa zvirokwazvo. |
| 20. | imwi muchaparadzwa sendudzi dzinoparadzwa naJehovha pamberi penyu; nokuti makaramba kuteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu. |
| ← Deuteronomy (8/34) → |