| ← Deuteronomy (7/34) → |
| 1. | "Zvino kana Jehovha Mwari akupinza munyika maunoenda, kuiita yako, akadzinga ndudzi zhinji pamberi pako, dzinoti: vaHeti, navaGirigashi, navaAmori, navaKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzinokukunda noukuru nesimba; |
| 2. | kana Jehovha Mwari wako akavaisa mumaoko ako, ukavakunda, iwe unofanira kuvaparadza chose; haufaniri kuita sungano navo, kana kuvanzwira nyasha; |
| 3. | usawanana navo, usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, kana kutorera mwanakomana wako mwanasikana wake. |
| 4. | Nokuti uchatsausa mwanakomana wako arege kunditevera, kuti ashumire vamwe vamwari; naizvozvo Jehovha achakutsamwirai kwazvo, akakurumidza kukuparadza. |
| 5. | Asi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Munofanira kuputsa atari dzavo, nokuputsanya shongwe dzavo, nokutema matanda avo avanonamata nawo, nokupisa mifananidzo yavo yakavezwa. |
| 6. | Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha Mwari wako wakakutsaura kuti uve rudzi rwake chairwo pakati pendudzi dzose dziri panyika dzose. |
| 7. | "Jehovha haana kukudai, kana kukutsaurai, nokuti makanga makapfuura dzimwe ndudzi nokuwanda; nokuti imwi makanga muri vashoma kundudzi dzose. |
| 8. | Asi nokuti Jehovha unokudai, uye nokuti wakanga achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha wakakubudisai neruoko rune simba, akakudzikunurai paimba youranda paruoko rwaFarao, mambo weIjipiti. |
| 9. | Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako, ndiye Mwari, Mwari wakatendeka, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirairo yake kusvikira kumarudzi ane chiuru chamazana; |
| 10. | anotsiva vanomuvenga mumwe nomumwe, kuti avaparadze; haanganonokeri munhu anomuvenga, asi achamutsiva iye amene. |
| 11. | Naizvozvo unofanira kuchengeta murayiro, nezvaakatema, nezvaakatonga, zvandinokuraira nhasi, kuti uzviite. |
| 12. | "Zvino kana muchiteerera izvi zvakatongwa, mukazvichengeta nokuzviita, Jehovha Mwari wako achakusimbisira sungano yake nenyasha dzake sezvaakapikira madzibaba ako; |
| 13. | iye achakuda, nokukuropafadza, nokukuwanza; acharopafadzawo zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako, nezvakaberekwa nemombe dzako, namakwayana amakwai ako, panyika yaakapikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo. |
| 14. | Ucharopafadzwa iwe kupfuura dzimwe ndudzi dzose; hapangavi pakati penyu murume kana mukadzi asingabereki, kana pakati pezvipfuwo zvenyu. |
| 15. | Jehovha uchabvisa kwamuri hosha dzose; haangatumiri kwamuri matenda akaipa eIj ipiti aunoziva, asi uchaatuma kuvanhu vose vanokuvenga. |
| 16. | Iwe uchaparadza ndudzi dzose dzichaiswa mumaoko ako naJehovha Mwari wako; usadzinzwira nyasha; usashumira vamwari vavo, nokuti vachava musungo kwauri. |
| 17. | Zvino kana ukati mumoyo mako, `Ndudzi idzi dzinotipfuura nokuwanda, ndingadzitorera seiko nyika yadzo?' |
| 18. | Haufaniri kuvatya; unofanira kurangarira zvakanaka zvakaitirwa Farao navaIjipiti vose naJehovha Mwari wako; |
| 19. | nemiidzo mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvinoshamisa, neruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, zvawakabudiswa nazvo naJehovha Mwari wako; ndizvo zvichaitira Jehovha Mwari wako vanhu vose vaunotya. |
| 20. | Uye Jehovha Mwari wako uchatuma mago pakati pavo, kusvikira avo vakanga vasara, vakavanda, vaparadzwa pamberi pako. |
| 21. | Usavatya, nokuti Jehovha Mwari wako ari pakati pako, Mwari mukuru unotyisa. |
| 22. | Jehovha Mwari wako uchadzinga ndudzi idzo pamberi pako, rumwe-rumwe; haufaniri kuvaparadza vose kamwe, kuti zvikara zvesango zvirege kukuwandira. |
| 23. | Asi Jehovha Mwari wako uchavaisa mumaoko ako, nokuvanyonganisa, nokunyonganisa kukuru, kusvikira vaparadzwa chose. |
| 24. | Uchaisawo madzimambo avo mumaoko ako, kuti urozve mazita avo pasi pedenga; hapano munhu ungagona kumira pamberi pako, kusvikira wavaparadza. |
| 25. | Munofanira kupisa mifananidzo yavo yakavezwa yavamwari vavo; haufaniri kuchochora sirivha kana ndarama iri pavari, kana kuitora, kuti urege kuteyiwa nazvo; nokuti zvinonyangadza pamberi paJehovha Mwari wako; |
| 26. | usapinza chinonyangadza mumba mako, kuti iwe urege kuva chinhu chakayeriswa saicho; unofanira kuchisema chose, nokuchivenga chose, nokuti chinhu chakayeriswa. |
| ← Deuteronomy (7/34) → |