Deuteronomy (7/34)  

1. "Zvino kana Jehovha Mwari akupinza munyika maunoenda, kuiita yako, akadzinga ndudzi zhinji pamberi pako, dzinoti: vaHeti, navaGirigashi, navaAmori, navaKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzinokukunda noukuru nesimba;
2. kana Jehovha Mwari wako akavaisa mumaoko ako, ukavakunda, iwe unofanira kuvaparadza chose; haufaniri kuita sungano navo, kana kuvanzwira nyasha;
3. usawanana navo, usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, kana kutorera mwanakomana wako mwanasikana wake.
4. Nokuti uchatsausa mwanakomana wako arege kunditevera, kuti ashumire vamwe vamwari; naizvozvo Jehovha achakutsamwirai kwazvo, akakurumidza kukuparadza.
5. Asi ndizvo zvamunofanira kuvaitira: Munofanira kuputsa atari dzavo, nokuputsanya shongwe dzavo, nokutema matanda avo avanonamata nawo, nokupisa mifananidzo yavo yakavezwa.
6. Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha Mwari wako wakakutsaura kuti uve rudzi rwake chairwo pakati pendudzi dzose dziri panyika dzose.
7. "Jehovha haana kukudai, kana kukutsaurai, nokuti makanga makapfuura dzimwe ndudzi nokuwanda; nokuti imwi makanga muri vashoma kundudzi dzose.
8. Asi nokuti Jehovha unokudai, uye nokuti wakanga achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha wakakubudisai neruoko rune simba, akakudzikunurai paimba youranda paruoko rwaFarao, mambo weIjipiti.
9. Naizvozvo uzive kuti Jehovha Mwari wako, ndiye Mwari, Mwari wakatendeka, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirairo yake kusvikira kumarudzi ane chiuru chamazana;
10. anotsiva vanomuvenga mumwe nomumwe, kuti avaparadze; haanganonokeri munhu anomuvenga, asi achamutsiva iye amene.
11. Naizvozvo unofanira kuchengeta murayiro, nezvaakatema, nezvaakatonga, zvandinokuraira nhasi, kuti uzviite.
12. "Zvino kana muchiteerera izvi zvakatongwa, mukazvichengeta nokuzviita, Jehovha Mwari wako achakusimbisira sungano yake nenyasha dzake sezvaakapikira madzibaba ako;
13. iye achakuda, nokukuropafadza, nokukuwanza; acharopafadzawo zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako, nezvakaberekwa nemombe dzako, namakwayana amakwai ako, panyika yaakapikira madzibaba ako, kuti achakupa iyo.
14. Ucharopafadzwa iwe kupfuura dzimwe ndudzi dzose; hapangavi pakati penyu murume kana mukadzi asingabereki, kana pakati pezvipfuwo zvenyu.
15. Jehovha uchabvisa kwamuri hosha dzose; haangatumiri kwamuri matenda akaipa eIj ipiti aunoziva, asi uchaatuma kuvanhu vose vanokuvenga.
16. Iwe uchaparadza ndudzi dzose dzichaiswa mumaoko ako naJehovha Mwari wako; usadzinzwira nyasha; usashumira vamwari vavo, nokuti vachava musungo kwauri.
17. Zvino kana ukati mumoyo mako, `Ndudzi idzi dzinotipfuura nokuwanda, ndingadzitorera seiko nyika yadzo?'
18. Haufaniri kuvatya; unofanira kurangarira zvakanaka zvakaitirwa Farao navaIjipiti vose naJehovha Mwari wako;
19. nemiidzo mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvinoshamisa, neruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, zvawakabudiswa nazvo naJehovha Mwari wako; ndizvo zvichaitira Jehovha Mwari wako vanhu vose vaunotya.
20. Uye Jehovha Mwari wako uchatuma mago pakati pavo, kusvikira avo vakanga vasara, vakavanda, vaparadzwa pamberi pako.
21. Usavatya, nokuti Jehovha Mwari wako ari pakati pako, Mwari mukuru unotyisa.
22. Jehovha Mwari wako uchadzinga ndudzi idzo pamberi pako, rumwe-rumwe; haufaniri kuvaparadza vose kamwe, kuti zvikara zvesango zvirege kukuwandira.
23. Asi Jehovha Mwari wako uchavaisa mumaoko ako, nokuvanyonganisa, nokunyonganisa kukuru, kusvikira vaparadzwa chose.
24. Uchaisawo madzimambo avo mumaoko ako, kuti urozve mazita avo pasi pedenga; hapano munhu ungagona kumira pamberi pako, kusvikira wavaparadza.
25. Munofanira kupisa mifananidzo yavo yakavezwa yavamwari vavo; haufaniri kuchochora sirivha kana ndarama iri pavari, kana kuitora, kuti urege kuteyiwa nazvo; nokuti zvinonyangadza pamberi paJehovha Mwari wako;
26. usapinza chinonyangadza mumba mako, kuti iwe urege kuva chinhu chakayeriswa saicho; unofanira kuchisema chose, nokuchivenga chose, nokuti chinhu chakayeriswa.

  Deuteronomy (7/34)