| ← Deuteronomy (6/34) → | 
| 1. | "Zvino ndiwo murairo, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvandakarairwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei, kuti muzviite kunyika kwamunoenda kuti ive yenyu; | 
| 2. | kuti utye Jehovha Mwari wako, uchengete zvose zvaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomwanakomana wako, nomwanakomana womwanakomana wako, mazuva ose oupenyu hwako, kuti mazuva ako ave mazhinji. | 
| 3. | Naizvozvo chinzwa Isiraeri, uchenjere kuti uzviite; kuti zvive zvakanaka newe, muwande kwazvo, sezvamakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako, panyika inoyerera mukaka nouchi. | 
| 4. | "Chinzwa Isiraeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete. | 
| 5. | Ude Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose. | 
| 6. | Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumoyo mako, | 
| 7. | unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka. | 
| 8. | Unofanira kuasungira paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako. | 
| 9. | Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako. | 
| 10. | "Zvino kana Jehovha Mwari wako achinge akupinza munyika, yaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti uchakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina kuvaka iwe, | 
| 11. | nedzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka, dzausina kuzadza iwe, namakangwa akacherwa, ausina kuchera iwe, neminda yemizambiringa nemiorivhi, yausina kusima iwe; iwe ukadya ukaguta, | 
| 12. | zvino chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha, wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda. | 
| 13. | Unofanira kutya Jehovha Mwari wako, nokumushumira, nokupika nezita rake. | 
| 14. | Regai kutevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzinokupoteredzai, | 
| 15. | nokuti Jehovha Mwari wako, ari pakati pako, ndiMwari ane godo; kuti Jehovha Mwari wako arege kukutsamwira, akuparadze panyika pose. | 
| 16. | "Musaidza Jehovha Mwari wenyu, sezvamakamuidza paMasa. | 
| 17. | Munofanira kushingaira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wenyu, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, zvaakakuraira. | 
| 18. | Uye unofanira kuita zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuti zvive zvakanaka newe, upinde munyika yakanaka ive yako, iyo yakapikirwa madzibaba ako naJehovha, | 
| 19. | kuti iye uchadzinga vavengi vako vose pamberi pako, sezvakataurwa naJehovha. | 
| 20. | "Zvino kana mwanakomana wako akakubvunza pashure, achiti, `Ko izvi zvipupuriro, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvamakarairwa naJehovha Mwari wedu, zvinodiniko?' | 
| 21. | Unofanira kuti kumwanakomana wako, `Isu takanga tiri varanda vaFarao, Jehovha akatibudisa nechanza chine simba; | 
| 22. | Jehovha akaita zviratidzo nezvinoshamisa kwazvo, zvakaipa, paIjipiti, nokuna Farao, nokuimba yake yose, tichizviona; | 
| 23. | akatibudisapo, kuti atipinze pano, atipe nyika yaakapikira madzibaba edu. | 
| 24. | Jehovha akaraira kuti tiite izvi zvose zvaakatema, titye Jehovha Mwari wedu, kuti tiitirwe zvakanaka nguva dzose, atichengete tive vapenyu, sezvatakaita nhasi. | 
| 25. | Zvichava zvakarurama kwatiri, kana tichichenjerera kuti tiite murayiro wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvatakarairwa naye.' | 
| ← Deuteronomy (6/34) → |