Deuteronomy (6/34)  

1. "Zvino ndiwo murairo, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvandakarairwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei, kuti muzviite kunyika kwamunoenda kuti ive yenyu;
2. kuti utye Jehovha Mwari wako, uchengete zvose zvaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomwanakomana wako, nomwanakomana womwanakomana wako, mazuva ose oupenyu hwako, kuti mazuva ako ave mazhinji.
3. Naizvozvo chinzwa Isiraeri, uchenjere kuti uzviite; kuti zvive zvakanaka newe, muwande kwazvo, sezvamakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako, panyika inoyerera mukaka nouchi.
4. "Chinzwa Isiraeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.
5. Ude Jehovha Mwari wako nomoyo wako wose, nomweya wako wose, nesimba rako rose.
6. Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuva mumoyo mako,
7. unofanira kushingaira kuadzidzisa vana vako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana uchifamba munzira, kana uchivata pasi, kana uchimuka.
8. Unofanira kuasungira paruoko rwako, chive chiratidzo; uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso ako.
9. Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako.
10. "Zvino kana Jehovha Mwari wako achinge akupinza munyika, yaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, kuti uchakupa iyo, namaguta makuru akanaka, ausina kuvaka iwe,
11. nedzimba dzizere nezvinhu zvose zvakanaka, dzausina kuzadza iwe, namakangwa akacherwa, ausina kuchera iwe, neminda yemizambiringa nemiorivhi, yausina kusima iwe; iwe ukadya ukaguta,
12. zvino chenjera kuti urege kukanganwa Jehovha, wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda.
13. Unofanira kutya Jehovha Mwari wako, nokumushumira, nokupika nezita rake.
14. Regai kutevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzinokupoteredzai,
15. nokuti Jehovha Mwari wako, ari pakati pako, ndiMwari ane godo; kuti Jehovha Mwari wako arege kukutsamwira, akuparadze panyika pose.
16. "Musaidza Jehovha Mwari wenyu, sezvamakamuidza paMasa.
17. Munofanira kushingaira kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wenyu, nezvipupuriro zvake, nezvaakatema, zvaakakuraira.
18. Uye unofanira kuita zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuti zvive zvakanaka newe, upinde munyika yakanaka ive yako, iyo yakapikirwa madzibaba ako naJehovha,
19. kuti iye uchadzinga vavengi vako vose pamberi pako, sezvakataurwa naJehovha.
20. "Zvino kana mwanakomana wako akakubvunza pashure, achiti, `Ko izvi zvipupuriro, nezvakatemwa, nezvakatongwa, zvamakarairwa naJehovha Mwari wedu, zvinodiniko?'
21. Unofanira kuti kumwanakomana wako, `Isu takanga tiri varanda vaFarao, Jehovha akatibudisa nechanza chine simba;
22. Jehovha akaita zviratidzo nezvinoshamisa kwazvo, zvakaipa, paIjipiti, nokuna Farao, nokuimba yake yose, tichizviona;
23. akatibudisapo, kuti atipinze pano, atipe nyika yaakapikira madzibaba edu.
24. Jehovha akaraira kuti tiite izvi zvose zvaakatema, titye Jehovha Mwari wedu, kuti tiitirwe zvakanaka nguva dzose, atichengete tive vapenyu, sezvatakaita nhasi.
25. Zvichava zvakarurama kwatiri, kana tichichenjerera kuti tiite murayiro wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvatakarairwa naye.'

  Deuteronomy (6/34)