| ← Deuteronomy (34/34) |
| 1. | Zvino Mozisi wakabva pamapani okwaMoabhu, akakwira kugomo reNebho, pamusoro pePisiga, pakatarisana neJeriko. Jehovha akamuratidza nyika yose yeGiriyadhi, kusvikira Dhani; |
| 2. | neNafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha, kusvikira pagungwa rokumavirazuva; |
| 3. | nenyika yezasi, neBani romupata weJeriko, guta remichindwe, kusvikira Zoari. |
| 4. | Zvino Jehovha akati kwaari, "Ndiyo nyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, `Ndichaipa vana vako; ndikakuonesa iyo nameso ako, asi haungapindimo.' " |
| 5. | Ipapo Mozisi muranda waJehovha akafirapo panyika yaMoabhu, sezvakataurwa naJehovha. |
| 6. | Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-peori, asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi. |
| 7. | Zvino Mozisi wakanga ana makore ane zana namakumi maviri pakufa kwake; meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera. |
| 8. | Vana vaIsiraeri vakachema Mozisi pamapani okwaMoabhu mazuva ana makumi matatu; naizvozvo mazuva avakachema pakuchema Mozisi akapera. |
| 9. | Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mozisi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsiraeri vakamuteerera, vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha. |
| 10. | Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMozisi, wakanga achizikanwa naJehovha, zviso zvakatarisana; |
| 11. | pazviratidzo zvose nezvishamiso, paakatumwa naJehovha kundozviita panyika yeIjipiti, kuna Farao, nokuvaranda vake vose, nokunyika yake yose; |
| 12. | napazvose zvakaitwa noruoko rwake rune simba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMozisi valsiraeri vose vachizviona. |
| ← Deuteronomy (34/34) |