Deuteronomy (34/34)    

1. Zvino Mozisi wakabva pamapani okwaMoabhu, akakwira kugomo reNebho, pamusoro pePisiga, pakatarisana neJeriko. Jehovha akamuratidza nyika yose yeGiriyadhi, kusvikira Dhani;
2. neNafutari yose, nenyika yaEfuremu naManase, nenyika yose yaJudha, kusvikira pagungwa rokumavirazuva;
3. nenyika yezasi, neBani romupata weJeriko, guta remichindwe, kusvikira Zoari.
4. Zvino Jehovha akati kwaari, "Ndiyo nyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, `Ndichaipa vana vako; ndikakuonesa iyo nameso ako, asi haungapindimo.' "
5. Ipapo Mozisi muranda waJehovha akafirapo panyika yaMoabhu, sezvakataurwa naJehovha.
6. Akamuviga pamupata panyika yaMoabhu, pakatarisana neBheti-peori, asi hapana munhu unoziva rinda rake kusvikira nhasi.
7. Zvino Mozisi wakanga ana makore ane zana namakumi maviri pakufa kwake; meso ake akanga achigere kuonera madzerere, nesimba rake rakanga richigere kuderera.
8. Vana vaIsiraeri vakachema Mozisi pamapani okwaMoabhu mazuva ana makumi matatu; naizvozvo mazuva avakachema pakuchema Mozisi akapera.
9. Zvino Joshua, mwanakomana waNuni, wakanga azere nomweya wokuchenjera; nokuti Mozisi wakanga aisa maoko ake pamusoro pake; vana vaIsiraeri vakamuteerera, vakaita sezvakarairwa Mozisi naJehovha.
10. Hakuna kuzomukazve muporofita pakati paIsiraeri wakafanana naMozisi, wakanga achizikanwa naJehovha, zviso zvakatarisana;
11. pazviratidzo zvose nezvishamiso, paakatumwa naJehovha kundozviita panyika yeIjipiti, kuna Farao, nokuvaranda vake vose, nokunyika yake yose;
12. napazvose zvakaitwa noruoko rwake rune simba, napakutyisa kukuru kwose, kwakaitwa naMozisi valsiraeri vose vachizviona.

  Deuteronomy (34/34)