Deuteronomy (33/34)  

1. Zvino ndiko kuropafadza Mozisi, munhu waMwari, kwaakaropafadza nako vana vaIsiraeri, asati afa.
2. Akati,"Jehovha wakabva Sinai, Akavabudira achibva Seiri; Akapenya ari pagomo reParani, Akauya achibva pazviuru zvinegumi zvavatsvene; Paruoko rwake rworudyi pakanga pano murayiro womoto kwavari.
3. Zvirokwazvo unoda ndudzi; Vatsvene vake vose vari paruoko rwenyu; Vakagara pasi patsoka dzenyu; Mumwe nomumwe uchagamuchira mashoko enyu.
4. Mozisi wakatiraira murayiro, Ndiyo nhaka yeungano yaJakobho.
5. Wakanga ari mambo paJeshuruni, Pakuungana kwavakuru vavanhu, Marudzi ose avaIsiraeri pamwechete.
6. Rubheni ngaararame, arege kufa, Asi vanhu vake ngavave vashoma havo.
7. Kuropafadzwa kwaJudha ndiko": Akati, "Inzwai Jehovha inzwi raJudha, Mumusvitse kuvanhu vake; Wakavarwira namaoko ake; imwi muchamubatsira kurwa navavengi vake."
8. Pamusoro paRevhi wakati, "Tumimu yenyu neUrimi yenyu ndezva unodikanwa nemi,Iye wamakaidza paMasa, Wamakarwa naye pamvura yeMeribha";
9. Iye wakati pamusoro pababa vake namai vake, "handina kumuona; Nehama dzake haana kudzirangarira, Kana kuziva vana vake, Nokuti vakaita shoko renyu, Nokuchengeta sungano yenyu.
10. Vachadzidzisa Jakobho zvamakatonga, NaIsiraeri murayiro wenyu; Vachaisa zvinonhuwira pamberi penyu, Nezvipiriso zvinopiswa zvakakwana paaritari dzenyu.
11. Jehovha, ropafadzai simba rake, Gamuchirai basa ramaoko ake; Gurai zviuno zvavanomumukira, Nezvavanomuvenga, kuti varege kusimukazve."
12. Pamusoro paBhenjamini wakati, "Mudikanwa waJehovha uchagara kwaari akachengetwa; Unomufukidza zuva rose, Unogara pakati pamafudzi ake."
13. Pamusoro paJosefa wakati, "Nyika yake ngairopafadzwe naJehovha, Ipiwe zvinhu zvakanakisa zvokudenga, nedova, Nemvura inogara makadzika;
14. Nezvinhu zvakanakisa zvezvibereko zvezuva,Nezvinhu zvakanakisa zvinomedzwa nomwedzi;
15. Nezvinhu zvakanaka zvamakomo ekare, Nezvinhu zvakanakisa zvezvikomo zvisingaperi,
16. Nezvinhu zvakanakisa zvenyika nokuzara kwayo, Nomoyo wakanaka waiye wakanga agere mugwenzi; Kuropafadzwa ngakuuye pamusoro waJosefa, Napamusoro pomusoro waiye wakatsaurwa pakati pehama dzake.
17. Mwana wemhongora wemombe dzake, ndihwo umambo hwake; Nyanga dzake inyanga dzenyati; Nadzo uchabaya ndudzi dzose dzavo, namagumisiro enyika; Ndivo vane zviuru zvamazana zvine gumi zvaEfuremu, Ndivo vane zviuru zvaManase."
18. Pamusoro paZebhuruni wakati, "Chifara, Zebhuruni, pakubuda kwako, Newe Isakari, pamatende ako.
19. Vachadanira vanhu kumakomo; Ipapo vachauya nezvibayiro zvokururama; Nokuti vachanwa fuma zhinji yamakungwa, Nefuma zhinji yakavanzwa nejecha."
20. Pamusoro paGadhi wakati, "Unokurisa Gadhi ngaaropafadzwe; Iye unogara seshumbakadzi, Unobvambura ruoko, kunyange nomusoro.
21. Wakazvitsaurira mugove wokutanga; Nokuti ndipapo pakachengetwa mugove womubati; Wakauya navakuru vavanhu; Wakaita zvakarurama zvaJehovha, Nezvaakatonga pamusoro paIsiraeri."
22. Pamusoro paDhani wakati, "Dhani ndiye mwana weshumba, Unokwakuka achibva Bhashani."
23. Pamusoro paNafutari wakati, "Iwe Nafutari, wakaguta nyasha, Uzere nokuropafadzwa naJehovha; Tora mavirazuva nenyasi zvive zvako."
24. Pamusoro paAsheri wakati, "Asheri ngaaropafadzwe apiwe vana; Ngaadikanwe nehama dzake, Ngaanyike rutsoka rwake mumafuta.
25. Zvipfigiso zvako zvichava zvamatare nendarira; Nesimba rako richaenzana namazuva ako.
26. Iwe Jeshuruni, hakuna wakafanana naMwari, Iye unotasva denga kuti akubatsire, Napamusoro pamakore noukuru hwake.
27. Mwari usingaperi ndihwo ugaro hwako, Pasi pako kuna maoko asingaperi; Iye wakadzinga vavengi pamberi pako", Akati, "Paradzai.
28. Isiraeri unogara akachengetwa, Tsime raJakobho riri roga, Panyika yezviyo newaini; Denga rake rose rinonisa dova.
29. Isiraeri, iwe wakaropafadzwa; Ndiani wakatodzana newe, rudzi rwakachengetwa naJehovha? Ndiye nhovo inokubatsira, Nomunondo waunokudzwa nawo! Vavengi vako vachazviisa pasi pako,Newe uchatsika panzvimbo dzavo dzakakwirira."

  Deuteronomy (33/34)