| ← Deuteronomy (32/34) → |
| 1. | Inzwa iwe denga, ndichataura; Nenyika ngainzwe mashoko omuromo wangu; |
| 2. | Kudzidzisa kwangu kuchadonha semvura, Kutaura kwangu kuchayerera sedova, Seguti pabumhudza nyoro, Sokupfunha kwemvura pauswa; |
| 3. | Nokuti ndichaparidza zita raJehovha; Rumbidzai ukuru hwaMwari wedu. |
| 4. | Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; Nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, Wakarurama, ndowazvokwadi. |
| 5. | Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo; Ivo rudzi rwakatsauka, rwakakombama. |
| 6. | Munoripira Jehovha saizvozvo here, Nhai, imwi mapenzi asina kungwara? Ko haazi baba vako vakakubereka here? Ndiye wakakuita, nokukusimbisa. |
| 7. | Rangarira mazuva ekare, Funga makore amarudzi mazhinji; Bvunza baba vako, ndivo vachakuratidza; Navatana vako, ndivo vachakuudza. |
| 8. | Wokudenga-denga nguva yaakapa ndudzi nhaka yadzo, Nguva yaakaparadzanisa vana vavanhu, Wakatema miganhu yendudzi Achirangarira kuwanda kwavana valsiraeri. |
| 9. | Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake; Jakobho ndiyo nhaka yake yakayerwa. |
| 10. | Wakamuwana munyika yesango, Murenje risina chinhu, rinotyisa; Wakamukomberedza, nokumutarira, Nokumuchengeta semboni yeziso rake; |
| 11. | Segondo rinomutsa vana varo, Richiengerera pamusoro pavana varo, Richitambanudza mapapiro aro, richivagamuchira, Richivabereka pamapapiro aro; |
| 12. | Saizvozvo Jehovha, iye oga, wakamutungamirira, Kwakanga kusina mwari wokumwe kwaari. |
| 13. | Wakamutasvisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Wakadya michero yeminda; Wakamusvutidza uchi hunobva padombo, Namafuta anobva padombo romusarasara, |
| 14. | Nomukaka wakafa wemhou, nomukaka wamakwai, Pamwechete namafuta amakwayana, Namakondohwe orudzi rwapaBhashani, nembudzi, Namafuta etsvo dzekoroni; Iwe wakanwa waini yeropa ramazambiringa. |
| 15. | Asi Jeshuruni wakazokora, ndokupfura, Iwe wakakora, wakava mukobvu, ukava namafuta, Zvino iye akarasha Mwari wakamuita, Akazvidza dombo rakamuchengeta. |
| 16. | Vakamugodoresa navamwari vokumwe, Vakamutsamwisa nezvinonyangadza; |
| 17. | Vakabayira mweya yakaipa, yakanga isi Mwari, Vatsva vakanga vachangomuka, Zvakanga zvisingatyiwi namadzibaba enyu. |
| 18. | Dombo, rakakubereka, haurirangariri, Wakakanganwa Mwari wakakupona. |
| 19. | Jehovha wakazviona, akavarasha, Nokuti wakatsamwiswa navanakomana vake navanasikana vake. |
| 20. | Akati, "Ndichavavanzira chiso changu, Ndinoda kuona kuguma kwavo, kuti kwakadiniko; Nokuti ivo rudzi rwakatsauka kwazvo. Vana vasina kutendeka chose. |
| 21. | Vakamutsa godo rangu nechinhu chisati chiri Mwari; Vakanditsamwisa nezvinhu zvavo zvisina maturo; Neniwo ndichavagodoresa navasati vari vanhu; Ndichavatsamwisa norudzi runopenga. |
| 22. | Nokuti moto wakabatidzwa pakutsamwa kwangu, Unopisa kusvikira pasi kugomba ravakafa, Unoparadza nyika nezvibereko zvayo, Unotungidza nheyo dzamakomo. |
| 23. | Ndichatutira njodzi pamusoro pavo, Ndichapedza miseve yangu ndichivapfura. |
| 24. | Vachaonda nenzara, nokuparadzwa nokupisa kukuru, Nokuparadzwa kwakaisvoipa; Ndichatuma meno ezvikara kwavari, Pamwechete nomuti unouraya wezvinokambaira muguruva. |
| 25. | Munondo uchavatorera kunze, Nokutyisa mudzimba dzomukati; Zvichaparadza jaya nemhandara, Mwana unomwa pamwechete navarume, vachena vhudzi." |
| 26. | Ndakati, ndichavafuridzira kure, Ndichagumisa kurangarirwa kwavo pakati pavanhu; |
| 27. | Dai ndisina kutya kutsamwa kwavavengi, Kuti vavengi vavo vasanzwisisa, Vakati, "Ruoko rwedu ndirwo rwakakunda, Haazi Jehovha wakaita izvozvo zvose." |
| 28. | Nokuti ivo rudzi rusina mano, Hakuna kunzwisisa pakati pavo. |
| 29. | Dai vakanga vakachenjera, vangadai vakazvinzwisisa, Vangadai vakaona kuguma kwavo! |
| 30. | Munhu mumwe ungadzinga seiko vanhu vane chiuru chezana, Navanhu vaviri vangatizisa seiko vanhu vane zviuru zvine gumi, Kana dombo ravo risina kuvatengesa, NaJehovha asina kuvaisa mumaoko avo? |
| 31. | Nokuti dombo ravo harina kufanana nedombo redu, Kunyange vavengi vedu vamene vachitonga. |
| 32. | Nokuti muzambiringa wavo wakabva pamuzambiringa weSodhoma, Napaminda yeGomora; Mazambiringa avo mazambiringa enduru, Masumbu awo anovava; |
| 33. | Waini yavo uturu hwenyoka, Nouturu hunouraya kwazvo hwemhungu. |
| 34. | Ko izvi hazvina kuunganidwza kwandiri here? Hazvina kufunhurwa pakati pefuma yangu here? |
| 35. | Kutsiva ndokwangu, nokutsividza, Panguva yokutedzemuka kwetsoka dzavo; Nokuti zuva renjodzi yavo riri pedo, Nezvinhu zvichavawira zvichakurumidza kuuya. |
| 36. | Nokuti Jehovha ucharuramisira vanhu vake, Nokunzwira varanda vake tsitsi, Kana achiona kuti simba ravo raenda, Uye kuti vapera vose, |
| 37. | Zvino iye uchati, "Vamwari vavo varipiko, Nedombo ravakanga vachivimba naro |
| 38. | Ivo vaidya mafuta ezvibayiro zvavo, Vainwa waini yezvipiriso zvavo zvinodururwa. Ngavasimuke, vakubatsirei, Ngavave utiziro hwenyu. |
| 39. | Tarirai zvino, muone kuti ndini iye, Hakuno mumwe mwari pamwechete neni; Ini ndinouraya, ini ndinoraramisa; Ini ndakakuvadza, ini ndinoporesa; Hakuna ungarwirwa paruoko rwangu. |
| 40. | Nokuti ndinosimudzira ruoko rwangu kudenga, Ndichiti, "Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi, |
| 41. | Kana ndarodza munondo wangu unobwinya, Noruoko rwangu rukabata kutonga, Ndichatsiva vavengi vangu, Nokutsividza vanondivenga. |
| 42. | Ndichanyudza miseve yangu muropa, Munondo wangu uchadya nyama; Neropa ravakaurawa neravakatapwa, Neremisoro yavatungamiri vavavengi. |
| 43. | Farai, imwi ndudzi, pamwechete navanhu vake, Nokuti uchatsiva ropa ravaranda vake, Nokutsividza vavengi vake, Nokudzikunura nyika yake navanhu vake." |
| 44. | Zvino Mozisi akauya ndokutaura mashoko ose orwiyo urwu vanhu vachizvinzwa, iye naHoshea, mwanakomana waNuni. |
| 45. | Mozisi akapedza kutaura mashoko awa ose kuvaIsiraeri vose; |
| 46. | akati kwavari, "teererai nemoyo yenyu mashoko ose andinokupupurirai nhasi, kuti muraire vana venyu, vagochenjera kuita mashoko ose omurayiro uyu. |
| 47. | Nokuti hachizi chinhu chisina maturo kwamuri, asi ndihwo upenyu hwenyu; nechinhu ichi muchawedzera mazuva enyu panyika, yamunoyambuka Jorodhani kwairi, kuti ive yenyu." |
| 48. | Zvino Jehovha wakataura naMozisi nomusi iwoyo, akati, |
| 49. | "Kwira pagomo iri reAbharimu, kugomo reNebho, riri panyika yaMoabhu, rakatarisana neJeriko, uone nyika yeKenani, yandinopa vana vaIsiraeri, ive yavo; |
| 50. | ufire pagomo raunokwira ugosanganiswa navanhu vako; sezvakafa Aroni, mukuru wako, pagomo reHori, akasanganiswa navanhu vake; |
| 51. | nokuti makaita nomutoo usina kutendeka kwandiri pakati pavana vaIsiraeri pamvura yeMeribha paKadheshi murenje reZini; nokuti hamuna kunditsaura pakati pavana vaIsiraeri. |
| 52. | Nokuti uchaona hako nyika pamberi pako, asi haungapindipo panyika yandinopa vana vaIsiraeri." |
| ← Deuteronomy (32/34) → |