Deuteronomy (31/34)  

1. Zvino Mozisi akaenda kundotaura mashoko awa kuvaIsiraeri vose,
2. akati kwavari, "Ndava namakore ane zana namakumi maviri nhasi, handichagoni kubuda nokupinda; zvino Jehovha wakati kwandiri, `Iwe haungayambuki Jorodhani urwu.'
3. Jehovha Mwari wako ndiye uchakutungamirira pakuyambuka; iye uchaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzichava dzako; Joshua ndiye uchakutungamirira pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha.
4. Jehovha uchavaitira ivo sezvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, nenyika yavo, vaakaparadza.
5. Jehovha uchavaisa mumaoko enyu, nemi munofanira kuvaitira zvose sezvandakakurairai.
6. Simbai, mutsunge moyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi."
7. Zvino Mozisi akadana Joshua, akati kwaari pamberi pavaIsiraeri vose, simba, utsunge moyo, nokuti iwe uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo; iwe uchavagarisa nhaka iyo.
8. Jehovha ndiye unokutungamirira, iye uchava newe, haangakuregi, haangakusiyi; usatya kana kuvhunduswa."
9. Zvino Mozisi akanyora murayiro uyu, akaupa vapirisiti navana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, navakuru vose vaIsiraeri.
10. Mozisi akavaraira, akati, "Nguva dzose pakupera kwamakore manomwe, panguva yakatarwa pagore resununguro, pamutambo wemisasa,
11. kana vaIsiraeri vose vauya kuzviratidza pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naye, unofanira kurava murayiro uyu pamberi pavaIsiraeri vose, vaunzwe.
12. Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu;
13. uye kuti vana vavo vakanga vasingazivi vanzwe, vadzidze kutya Jehovha Mwari wenyu, nguva yose yamuchazogara panyika yamunoyambuka Jorodhani kwairi, kuti ive yenyu."
14. Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira, mazuva okufa kwako aswedera; dana Joshua mundomira mutende rokusangana, kuti ndimuraire iye." Mozisi naJoshua vakandomira mutende rokusangana.
15. Jehovha akazviratidza muTende mushongwe yegore, shongwe yegore ikamira pamusoro pomukova weTende.
16. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira, iwe uchavata namadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka ndokupata vachitevera vamwari vavatorwa venyika, kwavanondogara pakati pavo; vachandisiya, nokuputsa sungano yandakaita navo.
17. Zvino kutsamwa kwangu kuchavamukira nenguva iyo, ndichavasiya nokuvavanzira chiso changu, vachaparadzwa, nezvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvichavawira; naizvozvo nenguva iyo vachati, `Ko zvinhu zvakaipa izvi hazvina kutiwira nokuti Mwari wedu haazi pakati pedu here?'
18. Nenguva iyo ndichavanza chiso changu nokuda kwezvakaipa zvose zvavakaita pakutsaukira kwavo kuna vamwe vamwari.
19. "Naizvozvo zvino munofanira kuzvinyorera rwiyo urwu rundipupurire kuvana vaIsiraeri.
20. Nokuti kana ndavapinza panyika yandakapikira madzibaba avo, iyo inoyerera mukaka nouchi, ivo vakadya, vakaguta, vakakora, ipapo vachatsaukira kuna vamwe vamwari nokuvashumira, vakandizvidza ini, nokuputsa sungano yangu.
21. Zvino kana zvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvikavawira, rwiyo urwu ruchava chapupu kupupura pamberi pavo; nokuti harungakanganikwi pamiromo yavana vavo, nokuti ndinoziva ndangariro dzavanoruka nhasi, ndichigere kuvapinza panyika yandakavapikira."
22. Naizvozvo Mozisi wakanyora rwiyo urwu nomusi iwoyo, akarudzidzisa vana vaIsiraeri.
23. Akaraira Joshua, mwanakomana waNuni, akati, "Simba, utsunge moyo, nokuti iwe uchapinza vana vaIsiraeri panyika yandakavapikira; neni ndichava newe."
24. Zvino Mozisi wakati apedza kunyora mashoko omurayiro uyu mubhuku, kusvikira apera,
25. Mozisi akaraira vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, akati,
26. "Torai bhuku iyi yomurayiro, muiise parutivi rweareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, kuti ikupupurirepo.
27. Nokuti ndinoziva kusanzwa nokusateerera kwenyu; tarirai, ini ndichiri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehovha; hamuchanyanyisi here kana ndafa?
28. Unganidzai kwandiri vakuru vose vamarudzi enyu, navatariri venyu, kuti vanzwe ndichitaura mashoko awa nokudana denga napasi zvivapupurire.
29. Nokuti ndinoziva kuti kana ndafa muchazvishatisa kwazvo, nokutsauka panzira yandakakurairai; zvakaipa zvichakuwirai pamazuva okupedzisira, nokuti makaita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa namabasa amaoko enyu."
30. Zvino Mozisi akataura mashoko orwiyo urwu, kusvikira apera, ungano yose ichizvinzwa.

  Deuteronomy (31/34)