| ← Deuteronomy (31/34) → |
| 1. | Zvino Mozisi akaenda kundotaura mashoko awa kuvaIsiraeri vose, |
| 2. | akati kwavari, "Ndava namakore ane zana namakumi maviri nhasi, handichagoni kubuda nokupinda; zvino Jehovha wakati kwandiri, `Iwe haungayambuki Jorodhani urwu.' |
| 3. | Jehovha Mwari wako ndiye uchakutungamirira pakuyambuka; iye uchaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzichava dzako; Joshua ndiye uchakutungamirira pakuyambuka, sezvakataurwa naJehovha. |
| 4. | Jehovha uchavaitira ivo sezvaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo avaAmori, nenyika yavo, vaakaparadza. |
| 5. | Jehovha uchavaisa mumaoko enyu, nemi munofanira kuvaitira zvose sezvandakakurairai. |
| 6. | Simbai, mutsunge moyo, musatya kana kuvhunduswa navo; nokuti Jehovha Mwari wako ndiye unoenda newe, haangakuregi, haangakusiyi." |
| 7. | Zvino Mozisi akadana Joshua, akati kwaari pamberi pavaIsiraeri vose, simba, utsunge moyo, nokuti iwe uchaenda navanhu ava panyika yakapikirwa madzibaba avo naJehovha, kuti uchavapa iyo; iwe uchavagarisa nhaka iyo. |
| 8. | Jehovha ndiye unokutungamirira, iye uchava newe, haangakuregi, haangakusiyi; usatya kana kuvhunduswa." |
| 9. | Zvino Mozisi akanyora murayiro uyu, akaupa vapirisiti navana vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, navakuru vose vaIsiraeri. |
| 10. | Mozisi akavaraira, akati, "Nguva dzose pakupera kwamakore manomwe, panguva yakatarwa pagore resununguro, pamutambo wemisasa, |
| 11. | kana vaIsiraeri vose vauya kuzviratidza pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naye, unofanira kurava murayiro uyu pamberi pavaIsiraeri vose, vaunzwe. |
| 12. | Unganidza vanhu, varume navakadzi, nepwere, navatorwa vako vari pakati pamasuo ako, kuti vanzwe, vadzidze, vatye Jehovha Mwari wenyu, vachenjere kuita mashoko ose omurayiro uyu; |
| 13. | uye kuti vana vavo vakanga vasingazivi vanzwe, vadzidze kutya Jehovha Mwari wenyu, nguva yose yamuchazogara panyika yamunoyambuka Jorodhani kwairi, kuti ive yenyu." |
| 14. | Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira, mazuva okufa kwako aswedera; dana Joshua mundomira mutende rokusangana, kuti ndimuraire iye." Mozisi naJoshua vakandomira mutende rokusangana. |
| 15. | Jehovha akazviratidza muTende mushongwe yegore, shongwe yegore ikamira pamusoro pomukova weTende. |
| 16. | Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira, iwe uchavata namadzibaba ako; zvino vanhu ava vachasimuka ndokupata vachitevera vamwari vavatorwa venyika, kwavanondogara pakati pavo; vachandisiya, nokuputsa sungano yandakaita navo. |
| 17. | Zvino kutsamwa kwangu kuchavamukira nenguva iyo, ndichavasiya nokuvavanzira chiso changu, vachaparadzwa, nezvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvichavawira; naizvozvo nenguva iyo vachati, `Ko zvinhu zvakaipa izvi hazvina kutiwira nokuti Mwari wedu haazi pakati pedu here?' |
| 18. | Nenguva iyo ndichavanza chiso changu nokuda kwezvakaipa zvose zvavakaita pakutsaukira kwavo kuna vamwe vamwari. |
| 19. | "Naizvozvo zvino munofanira kuzvinyorera rwiyo urwu rundipupurire kuvana vaIsiraeri. |
| 20. | Nokuti kana ndavapinza panyika yandakapikira madzibaba avo, iyo inoyerera mukaka nouchi, ivo vakadya, vakaguta, vakakora, ipapo vachatsaukira kuna vamwe vamwari nokuvashumira, vakandizvidza ini, nokuputsa sungano yangu. |
| 21. | Zvino kana zvakaipa zvizhinji nenhamo zhinji zvikavawira, rwiyo urwu ruchava chapupu kupupura pamberi pavo; nokuti harungakanganikwi pamiromo yavana vavo, nokuti ndinoziva ndangariro dzavanoruka nhasi, ndichigere kuvapinza panyika yandakavapikira." |
| 22. | Naizvozvo Mozisi wakanyora rwiyo urwu nomusi iwoyo, akarudzidzisa vana vaIsiraeri. |
| 23. | Akaraira Joshua, mwanakomana waNuni, akati, "Simba, utsunge moyo, nokuti iwe uchapinza vana vaIsiraeri panyika yandakavapikira; neni ndichava newe." |
| 24. | Zvino Mozisi wakati apedza kunyora mashoko omurayiro uyu mubhuku, kusvikira apera, |
| 25. | Mozisi akaraira vaRevhi, vaitakura areka yesungano yaJehovha, akati, |
| 26. | "Torai bhuku iyi yomurayiro, muiise parutivi rweareka yesungano yaJehovha Mwari wenyu, kuti ikupupurirepo. |
| 27. | Nokuti ndinoziva kusanzwa nokusateerera kwenyu; tarirai, ini ndichiri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehovha; hamuchanyanyisi here kana ndafa? |
| 28. | Unganidzai kwandiri vakuru vose vamarudzi enyu, navatariri venyu, kuti vanzwe ndichitaura mashoko awa nokudana denga napasi zvivapupurire. |
| 29. | Nokuti ndinoziva kuti kana ndafa muchazvishatisa kwazvo, nokutsauka panzira yandakakurairai; zvakaipa zvichakuwirai pamazuva okupedzisira, nokuti makaita zvakaipa pamberi paJehovha, muchimutsamwisa namabasa amaoko enyu." |
| 30. | Zvino Mozisi akataura mashoko orwiyo urwu, kusvikira apera, ungano yose ichizvinzwa. |
| ← Deuteronomy (31/34) → |