Deuteronomy (3/34)  

1. "Zvino takadzoka, tikakwira nenzira inoenda Bhashani; Ogi, mambo weBhashani, akabuda, iye navanhu vake vose, kuzorwa nesu paEdhirei.
2. Jehovha akati kwandiri, `Usamutya, nokuti ndakamuisa paruoko rwako, iye navanhu vake vose, nenyika yake; unofanira kuita naye sezvawakaitira Sihoni, mambo wavaAmori, wakanga agere Heshibhoni.'
3. "Naizvozvo Jehovha Mwari wedu wakaisa mumaoko edu naiye Ogiwo, mambo weBhashani, navanhu vake vose; tikamukunda kusvikira asina munhu waakasiyirwa.
4. Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose; kwakanga kusina guta rimwe ratisina kumutorera, maguta ana makumi matanhatu, nenyika yose yeArigobhu, noushe hwaOgi muBhashani.
5. Iwo akanga ari maguta akapoteredzwa ose namasvingo marefu, namasuo, namazariro, kunze kwemisha mizhinji-zhinji yakanga isina masvingo.
6. Tikaaparadza chose, sezvatakaitira Sihoni, mambo weHeshibhoni, tikaparadza chose maguta ose akanga ana vanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku.
7. Asi zvipfuwo zvose, nezvakapambwa pamaguta awo, izvo takazvitapa isu.
8. "Nenguva iyo takatorera madzimambo maviri avaAmori, vakanga vagere mhiri kwaJorodhani, nyika yavo kubva parwizi Arinoni, kusvikira pagomo reHerimoni,
9. (Herimoni rinotumidzwa Sirioni navaSidhoni, asi vaAmori vanoritumidza Seniri;)
10. maguta ose ebani, neGiriyadhi rose, neBhashani rose, kusvikira paSareka neEdhirei, iwo maguta oushe hwaOgi muBhashani.
11. "(Nokuti Ogi, mambo weBhashani, ndiye woga wakanga asara kuna vakanga vasara vavaRefaimu; mubhedha wake wakanga uri wamatare; ko hauzi paRabha ravana vaAmoni here? Kureba kwawo kwakanga kuchisvika pamakubhiti mapfumbamwe, noupamhi hwawo pamakubhiti mana, kana zvichienzaniswa nekubhiti romunhu.)
12. "Nyika iyi takaitora nenguva iyo, ikava yedu; ndikapa vaRubheni navaGadhi nyika inobva paAroeri, parwizi Arinoni, nehafu yenyika yamakomo yeGiriyadhi, namaguta ayo;
13. ndikapa hafu yorudzi rwaManase pakanga pasara paGiriyadhi, neBhashani rose, ushe hwaOgi, nenyika yose yeArigobhu, ndiro Bhashani rose." (Ndiyo inonzi nyika yavaRefaimu.
14. Jairi mwanakomana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira pamuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza, iro Bhashani rose, zita rake, Havhoti-jairi, kusvikira nhasi.)
15. "Ndikapa Makiri Giriyadhi.
16. Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa kubva paGiriyadhi kusvikira parwizi Arinoni, uye pakati pomupata nenyika yawo, kusvikira parwizi Jabhoki, ndiyo nyika yavana vaAmoni.
17. Uye noMupata, neJorodhani, nenyika inobva paKinereti,kusvikira pagungwa romupata, ndiro Gungwa roMunyu, pajinga pegomo rePisiga, kumabvazuva.
18. "Nenguva iyo ndakakurairai, ndikati, `Jehovha Mwari wenyu wakakupai nyika iyo kuti ive yenyu; zvino munofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu, vana vaIsiraeri, makashonga nhumbi dzokurwa, imwi varume vose mhare.
19. Asi vakadzi venyu, navana venyu vaduku, nezvipfuwo zvenyu (ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvizhinji), izvo zvinofanira kusara mumaguta andakakupai;
20. kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo semi, kuti naivo vave nenyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani; ipapo mungadzokera mumwe nomumwe kunhaka yake, yandakakupai.'
21. "Nenguva iyo ndikarairawo Joshua, ndikati, `Meso ako akaona zvose zvakaitirwa madzimambo awa maviri naJehovha Mwari wenyu; saizvozvo Jehovha uchaitira ushe hwose kwamunoyambuka.
22. Hamufaniri kuvatya, nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unokurwirai.'
23. "Nenguva iyo ndikanyengetera kuna Jehovha, ndikati,
24. 'imwi Jehovha Mwari, makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu, noruoko rwenyu rune simba; nokuti ndoupiko mwari kudenga kana panyika ungaita zvakafanana namabasa enyu, nesimba renyu?
25. Donditenderai henyu kuyambuka, ndione nyika yakanaka iri mhiri kwaJorodhani, negomo iro rakanaka, neRebhanoni.'
26. "Asi Jehovha wakanditsamwira nokuda kwenyu, akasandinzwa; Jehovha akati kwandiri, `Zvaringana! Chirega kuzotaurazve neni pamusoro peshoko iro.'
27. Kwira pamusoro-soro pePisiga, utarire kumavirazuva, nokumusoro, nezasi nokumabvazuva, uone nameso ako; nokuti haungayambuki Jorodhani urwu.
28. Asi raira Joshua, umutse moyo wake nokumusimbisa, nokuti iye uchayambuka pamberi pavanhu ava, iye uchavagarisa nhaka yenyika yauchaona.
29. "Zvino tikagara pamupata wakatarisana neBheti-peori."

  Deuteronomy (3/34)