Deuteronomy (29/34)  

1. Ndiwo mashoko esungano yakarairwa Mozisi naJehovha, kuti aiite navana vaIsiraeri panyika yaMoabhu, kunze kwesungano yaakaita navo paHorebhu.
2. Zvino Mozisi akadana vaIsiraeri vose, akati kwavari, "Makaona zvose zvakaitwa naJehovha pamberi penyu panyika yeIjipiti kuna Farao navaranda vake vose, nokunyika yake yose;
3. miidzo iya mikuru yamakaona nameso enyu, nezviratidzo, nezvishamiso zviya zvikuru.
4. Asi Jehovha haana kukupai moyo inoziva, nameso anoona, nenzeve dzinonzwa kusvikira nhasi.
5. Ndakakutungamirirai murenje makore ana makumi mana; nguvo dzenyu hadzina kukusakarirai, neshangu dzako hadzina kusakara patsoka dzako.
6. Hamuna kudya chingwa, kana kunwa waini nezvinobata; kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
7. Zvino makati muchisvika panzvimbo ino, Sihoni, mambo weHeshibhoni, naOgi, mambo weBhashani, vakauya kuzorwa nesu, tikavakunda;
8. tikatora nyika yavo, tikaipa vaRubheni navaGadhi nehafu yorudzi rwaManase, kuti ive nhaka yavo.
9. Naizvozvo chengetai mashoko esungano iyi, muiite, kuti mufare pazvose zvamunoita,
10. "Mumire nhasi mose pamberi paJehovha Mwari, vatungamiriri venyu, namarudzi enyu, navakuru venyu, navatariri venyu, ivo varume vose vaIsiraeri,
11. nepwere dzenyu, navakadzi venyu, navatorwa vako vari pakati pemisasa yako, kubva pavatemi vehuni dzako kusvikira kuvacheri vemvura yako;
12. kuti upinde pasungano yaJehovha Mwari wako, napakupika kwake kwaanokupikira nhasi iye Jehovha Mwari wako;
13. kuti akusimbise nhasi uve rudzi rwake, iye ave Mwari wako, sezvaakataura kwauri, uye sezvaakapikira madzibaba ako, Abhurahamu, naIsaka, naJakobho.
14. Handiiti sungano iyi nokupika uku nemi moga;
15. asi naivo vamire pano nesu nhasi pamberi paJehovha Mwari wedu, uye navasipo nesu nhasi;
16. "(Nokuti munoziva kugara kwedu panyika yeIjipiti, nokufamba kwedu pakati pendudzi, dzamakapfuura pakati padzo,
17. mukaona zvinonyangadza zvavo, nezvifananidzo zvavo zvamatanda nezvamabwe, nesirivha nendarama, zvakanga zviri pakati pavo;)
18. kuti pakati penyu parege kuva nomurume, kana mukadzi, kana mhuri, kana rudzi, vanomoyo unotsauka kuna Jehovha Mwari wedu nhasi, kuti vandoshumira vamwari vendudzi idzo; kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka zvinouraya negavakava;
19. zvino kana achinzwa mashoko okupika uku, azvirumbidze pamoyo wake, achiti, `Ndichava norugare, kunyange ndichifamba hangu noukukutu hwomoyo wangu, kuti zvakanyorova nezvakaoma zviparadzwe pamwechete' ;
20. Jehovha haangamukanganwiri, asi nenguva iyo kutsamwa kwaJehovha neshungu dzake zvichapfungairira munhu uyo, nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iyi kuchamunamatira; Jehovha uchadzima zita rake pasi pokudenga.
21. Jehovha uchamutsaurira zvakaipa zvose pakati pamarudzi ose alsiraeri, kuti atukwe nokutuka kwose kwesungano yakanyorwa mubhuku iyi yomurayiro.
22. Zvino rudzi runotevera, ivo vana venyu vachamuka pashure penyu, navatorwa vanobva kunyika iri kure, kana vachiona matambudziko enyika iyo, namatenda aicharwadziswa nawo naJehovha;
23. uye kuti nyika yose isuferi, nomunyu, nokutsva, kuti haidzvarwi, haimedzi, uye kuti uswa hahumerimo, sapakuparadzwa kweSodhoma neGomora, neAdhama neZebhoimu, aya maguta akaparadzwa naJehovha pakutsamwa kwake neshungu dzake;
24. uye ndudzi dzose dzichati, `Jehovha wakaitira nyika iyo saizvozvo neiko? Kupisa kwokutsamwa uku kukuru kunoti kudiniko?'
25. Zvino vanhu vachati, `Nokuti vakasiya sungano yaJehovha Mwari wamadzibaba avo, yaakaita navo nguva yaakavabudisa panyika yeIjipiti;
26. vakashumira vamwe vamwari, vakanamata kwavari, vamwari vavakanga vasingazivi, vavasina kupiwa naye';
27. naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakamukira nyika iyi, kuti aituke nokutuka kwose kwakanyorwa mubhuku iyi.
28. Jehovha akavadzipura panyika yavo nokutsamwa kwake neshungu dzake nehasha dzake huru, akavarashira kune imwe nyika, sezvazvakaita nhasi.
29. "Zvinhu zvakavanzwa ndezvaJehovha Mwari wedu; asi zvinhu zvakaratidzwa pachena ndezvedu, isu navana vedu nokusingaperi, kuti tiite mashoko ose omurayiro uyu.

  Deuteronomy (29/34)