Deuteronomy (28/34)  

1. Zvino kana uchiteerera zvakanaka inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako uchakukurisa kupfuura ndudzi dzose dziri panyika.
2. Kuropafadzwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako, kana uchiteerera inzwi raJehovha Mwari wako.
3. Ucharopafadzwa muguta, ucharopafadzwa mumunda.
4. Zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako, zvicharopafadzwa.
5. Dengu rako, nomudziyo wako wokukanyira chingwa, zvicharopafadzwa.
6. Ucharopafadzwa kana uchipinda, ucharopafadzwa kana uchibuda.
7. Jehovha uchakukundisa vavengi vako, vanokumukira, pamberi pako; vachauya kuzorwa newe nenzira imwe, vachatiza pamberi pako nenzira nomwe.
8. "Jehovha ucharaira kuti uropafadzwe pamatura ako, napazvose zvaunobata namaoko ako; uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
9. "Jehovha uchakusimbisa, kuti uve rudzi rwake rutsvene, sezvaakakupikira; kana uchichengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake.
10. Vanhu vose venyika vachaona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehovha; vachakutya.
11. Jehovha uchakuwanzira mufaro pazvibereko zvomuviri wako, napazvibereko zvemombe dzako, napazvibereko zvevhu rako, panyika yakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuti uchakupa iyo.
12. Jehovha uchakuzarurira fuma yake yakanaka yokudenga, akupe mvura yenyika yako nenguva yayo; nokuropafadza mabasa ose amaoko ako; iwe uchapa ndudzi zhinji chikwerete.
13. Jehovha uchakuita musoro, haangakuiti muswe; uchava kumusoro bedzi, haungavi pasi; kana uchiteerera mirairo yaJehovha Mwari wako, yandinokuraira nhasi, uchishingaira kuiita;
14. usingatsauki pane rimwe ramashoko andinokuraira, kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire.
15. "Asi kana uchiramba kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako kuti uchenjere kuita mirairo yake yose, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako.
16. Uchatukwa muguta, uchatukwa mumunda.
17. "Dengu rako richatukwa, nomudziyo wako wokukanyira chingwa.
18. "Zvibereko zvomuviri wako zvichatukwa, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako.
19. Uchatukwa kana uchipinda, uchatukwa kana uchibuda.
20. Jehovha uchatuma pamusoro pako kutukwa, nokunyonganiswa, nokurangwa, pazvose zvaunobata namaoko ako, kusvikira waparadzwa, uye kusvikira wakurumidza kupera, nokuda kwezvakaipa zvaunoita, zvawakandisiya nazvo.
21. Jehovha uchakunamatidza denda, kusvikira akupedza kunyika kwaunoenda, kuti ive yako.
22. Jehovha uchakurova norukosoro, nefivhiri, nokupisa kwomuviri, nokuvaviswa kwazvo, uye nokushaiwa mvura, nenyunje, nokuvhuva; izvo zvichakuteverera kusvikira waparadzwa.
23. Denga rako riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare.
24. Jehovha uchashandura mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichaburukira pamusoro pako zvichibva kudenga, kusvikira waparadzwa.
25. "Jehovha uchatendera kuti ukundwe navavengi vako; uchabuda kundorwa navo nenzira imwe, uchatiza pamberi pavo nenzira nomwe; uchava chinhu chinotyisa pakati poushe hwose hwenyika.
26. Zvitunha zvako zvichava zvokudya zveshiri dzose dzokudenga nezvikara zvenyika, kusina munhu unozvidzinga.
27. Jehovha uchakurova namamota namaronda, nemhizi, nokufunuka, zvicharamba kupora.
28. Jehovha uchakurova nokupenga, noupofu, uye nokukanganiswa kwomoyo;
29. uchatsvangadzira masikati, sebofu rinotsvangadzira murima, haungafari panzira dzako; ucharemedzwa nokubirwa nguva dzose, hakungavi nomunhu unokurwira.
30. Uchanyenga mukadzi, asi mumwe murume uchavata naye; uchavaka dzimba, asi haungagarimo; ucharima munda wemizambiringa, asi haungadyi michero yayo.
31. Mombe yako ichabayiwa uchizviona, asi haungaidyi; mbongoro yako ichatorwa nesimba uchizviona, asi haingadzoserwi kwauri; makwai ako achapiwa vavengi vako, haungawani unokurwira.
32. Vanakomana vako navanasikana vako vachapiwa rumwe rudzi; meso ako achatarira, ukaneta kuvashuva zuva rose; asi uchashaiwa simba paruoko rwako.
33. Zvibereko zvevhu rako, nezvamabasa ako, zvichadyiwa norudzi rwausingazivi; uchangoremedzwa nokutambudzwa nguva dzose.
34. Uchapengeswa nezvauchaona nameso ako.
35. Jehovha uchakurova pamabvi ako, napamakumbo ako, namamota anorwadza, acharamba kupora, kubva parutsoka kusvikira pamusoro pomusoro wako.
36. Jehovha uchakuisa iwe namambo wako wauchazvitsaurira kurudzi rwawakanga usingazivi iwe namadzibaba ako; zvino uchandoshumirapo vamwe vamwari vamatanda namabwe.
37. Iwe uchaitwa chishamiso, neshumo, nechiseko, pakati pavanhu vose kwauchandoiswa naJehovha.
38. "Uchatakurira mbeu zhinji kumunda, asi uchaunganidza zvishoma; nokuti zvichapedzwa nemhashu.
39. Ucharima minda yemizambiringa nokuigadzira, asi haunganwi waini yayo, kana kutanha mazambiringa; nokuti achadyiwa namakonye.
40. Uchava nemiti yemiorivhi panyika yako yose, asi haungazori mafuta ayo, nokuti miorivhi yako ichazuka.
41. Uchabereka vanakomana navanasikana, asi havangavi vako, nokuti vachatapwa.
42. Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvichadyiwa nemhashu.
43. "Mutorwa ugere pakati pako ucharamba achikwirira kupfuura iwe; iwe ucharamba uchiderera.
44. lye uchakupa chikwereti, asi iwe haungamupi chikwereti; iye uchava musoro, iwe uchava muswe.
45. "Kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, nokukutevera, nokukubata, kusvikira waparadzwa; nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvaakakuraira.
46. Zvichava pamusoro pako napamusoro pavana vako, zvive zviratidzo nezvishamiso nokusingaperi;
47. nokuti hauna kushumira Jehovha Mwari wako nomufaro, nomoyo unofara, nokuda kwokuwanda kwezvose.
48. Naizvozvo uchafanira kubatira vavengi vako, vauchatumirwa naJehovha kuti urwe navo , uchinzwa nzara nenyota, uchishaiwa zvokufuka nezvose izvi; iye uchaisa joko redare pamutsipa wako, kusvikira akuparadza.
49. Jehovha achauyisa rudzi runobva kure kuzorwa newe, runobva kumagumisiro enyika, segondo rinobhururuka, rudzi rwausinganzwisisi rurimi rwarwo;
50. rudzi rune hasha, rusingarangariri vatana, kana kunzwira majaya tsitsi.
51. Vachadya zvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvevhu rako, kusvikira waparadzwa; havangakusiyiri zviyo, kana waini, kana mafuta, kana zvakaberekwa nemhou dzako, kana makwayana amakwai ako, kusvikira waparadzwa navo.
52. Vachakukomba pamasuo ako ose, kusvikira masvingo ako marefu ane simba awa ose, awakatenda munyika yako yose; vachakukomba pamasuo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehovha Mwari wako.
53. "Uchadya zvibereko zvomuviri wako, nyama yavanakomana vako navanasikana vako, vawakapiwa naJehovha Mwari wako, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako.
54. Murume unoundere nounounengwe kwazvo pakati pako uchava nomufungo wakaipa kuhama yake, nokumukadzi wake waanoda, nokuvana vake vaanenge asarirwa navo;
55. haangapi mumwe wavo nyama yavana vake vaachadya, nokuti iye haangavi nechaakasarirwa nacho, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuo ako ose.
56. Mukadzi unoundere nounounengwe pakati pako, wakanga asingadi kutsika pasi norutsoka rwake nokuda kwounengwe hwake noundere hwake, uchava nomufungo wakaipa kumurume wake waanoda, nemwanakomana wake, nomwanasikana wake;
57. nokumwana wake muduku, waachangobereka, nokuvana vake vaachazobereka; nokuti uchadya pakavanda nokuda kwokushaiwa zvinhu zvose, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuo ako.
58. "Kana usingachenjeri kuita mashoko ose omurayiro uyu, akanyorwa mubhuku iyi, kuti utye zita iri rinobwinya nerinotyisa, rinoti: JEHOVHA MWARI WAKO;
59. Jehovha uchakurova iwe navana vako namatambudziko anoshamisa, matambudziko makuru, asingakurumidzi kupera, namatenda akaipa, asingakurumidzi kupera.
60. Uchauyisazve pamusoro pako hosha dzose dzeIjipiti, dzawakanga uchitya, kuti dzikunamatire.
61. Namatenda ose, namatambudziko ose, asina kunyorwa mubhuku yomurayiro uyu, ndiwo achauyiswa naJehovha pamusoro pako, kusvikira waparadzwa.
62. Muchasara mava vashoma, kunyange makanga muri vazhinji senyeredzi dzokudenga; nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako.
63. Zvino Jehovha sezvaakanga achikufarirai achida kukuitirai zvakanaka, nokukuwanzai, saizvozvo Jehovha uchafara pamusoro penyu kukupedzai nokukuparadzai; muchadzurwa kunyika kwaunoenda, kuti ive yako.
64. Jehovha uchakurashanya pakati pendudzi dzose, kubva pamugumo mumwe wenyika kusvikira kuno mumwe mugumo; ipapo uchandoshumira vamwe vamwari vawakanga usingazivi, iwe namadzibaba ako, vamwari vamatanda navamabwe.
65. Pakati pendudzi idzo haungawani zororo, netsoka dzako hadzingawani pokuzorora; asi Jehovha uchakupa ipapo moyo unowonda;
66. upenyu hwako hucharembera pamberi pako, uchatya usiku namasikati, haungazivi kana uchararama;
67. mangwanani uchati, `Dai aiva madekwana!' Madekwana uchati, `Dai aiva mangwanani!' Nokutya kwomoyo wako, zvauchaona nameso ako.
68. Jehovha uchakuisazve Ijipiti nezvikepe nenzira yandakati kwauri, `Hauchazoionizve;' ipapo muchandozvitengesa kuvavengi venyu, kuti muve varanda navarandakadzi, asi hakungavi nomunhu uchakutengai."

  Deuteronomy (28/34)