| ← Deuteronomy (28/34) → | 
| 1. | Zvino kana uchiteerera zvakanaka inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchenjera kuita mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, Jehovha Mwari wako uchakukurisa kupfuura ndudzi dzose dziri panyika. | 
| 2. | Kuropafadzwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako, kana uchiteerera inzwi raJehovha Mwari wako. | 
| 3. | Ucharopafadzwa muguta, ucharopafadzwa mumunda. | 
| 4. | Zvibereko zvomuviri wako, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako, zvicharopafadzwa. | 
| 5. | Dengu rako, nomudziyo wako wokukanyira chingwa, zvicharopafadzwa. | 
| 6. | Ucharopafadzwa kana uchipinda, ucharopafadzwa kana uchibuda. | 
| 7. | Jehovha uchakukundisa vavengi vako, vanokumukira, pamberi pako; vachauya kuzorwa newe nenzira imwe, vachatiza pamberi pako nenzira nomwe. | 
| 8. | "Jehovha ucharaira kuti uropafadzwe pamatura ako, napazvose zvaunobata namaoko ako; uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako. | 
| 9. | "Jehovha uchakusimbisa, kuti uve rudzi rwake rutsvene, sezvaakakupikira; kana uchichengeta mirairo yaJehovha Mwari wako, nokufamba munzira dzake. | 
| 10. | Vanhu vose venyika vachaona kuti iwe wakatumidzwa nezita raJehovha; vachakutya. | 
| 11. | Jehovha uchakuwanzira mufaro pazvibereko zvomuviri wako, napazvibereko zvemombe dzako, napazvibereko zvevhu rako, panyika yakapikirwa madzibaba ako naJehovha, kuti uchakupa iyo. | 
| 12. | Jehovha uchakuzarurira fuma yake yakanaka yokudenga, akupe mvura yenyika yako nenguva yayo; nokuropafadza mabasa ose amaoko ako; iwe uchapa ndudzi zhinji chikwerete. | 
| 13. | Jehovha uchakuita musoro, haangakuiti muswe; uchava kumusoro bedzi, haungavi pasi; kana uchiteerera mirairo yaJehovha Mwari wako, yandinokuraira nhasi, uchishingaira kuiita; | 
| 14. | usingatsauki pane rimwe ramashoko andinokuraira, kurudyi kana kuruboshwe, uchitevera vamwe vamwari kuti uvashumire. | 
| 15. | "Asi kana uchiramba kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako kuti uchenjere kuita mirairo yake yose, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi; kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, uchatevererwa nako. | 
| 16. | Uchatukwa muguta, uchatukwa mumunda. | 
| 17. | "Dengu rako richatukwa, nomudziyo wako wokukanyira chingwa. | 
| 18. | "Zvibereko zvomuviri wako zvichatukwa, nezvibereko zvevhu rako, nezvibereko zvemhou dzako, namakwayana amakwai ako. | 
| 19. | Uchatukwa kana uchipinda, uchatukwa kana uchibuda. | 
| 20. | Jehovha uchatuma pamusoro pako kutukwa, nokunyonganiswa, nokurangwa, pazvose zvaunobata namaoko ako, kusvikira waparadzwa, uye kusvikira wakurumidza kupera, nokuda kwezvakaipa zvaunoita, zvawakandisiya nazvo. | 
| 21. | Jehovha uchakunamatidza denda, kusvikira akupedza kunyika kwaunoenda, kuti ive yako. | 
| 22. | Jehovha uchakurova norukosoro, nefivhiri, nokupisa kwomuviri, nokuvaviswa kwazvo, uye nokushaiwa mvura, nenyunje, nokuvhuva; izvo zvichakuteverera kusvikira waparadzwa. | 
| 23. | Denga rako riri pamusoro pako richaita sendarira, nenyika iri pasi pako sedare. | 
| 24. | Jehovha uchashandura mvura yenyika yako ive bukuta neguruva; zvichaburukira pamusoro pako zvichibva kudenga, kusvikira waparadzwa. | 
| 25. | "Jehovha uchatendera kuti ukundwe navavengi vako; uchabuda kundorwa navo nenzira imwe, uchatiza pamberi pavo nenzira nomwe; uchava chinhu chinotyisa pakati poushe hwose hwenyika. | 
| 26. | Zvitunha zvako zvichava zvokudya zveshiri dzose dzokudenga nezvikara zvenyika, kusina munhu unozvidzinga. | 
| 27. | Jehovha uchakurova namamota namaronda, nemhizi, nokufunuka, zvicharamba kupora. | 
| 28. | Jehovha uchakurova nokupenga, noupofu, uye nokukanganiswa kwomoyo; | 
| 29. | uchatsvangadzira masikati, sebofu rinotsvangadzira murima, haungafari panzira dzako; ucharemedzwa nokubirwa nguva dzose, hakungavi nomunhu unokurwira. | 
| 30. | Uchanyenga mukadzi, asi mumwe murume uchavata naye; uchavaka dzimba, asi haungagarimo; ucharima munda wemizambiringa, asi haungadyi michero yayo. | 
| 31. | Mombe yako ichabayiwa uchizviona, asi haungaidyi; mbongoro yako ichatorwa nesimba uchizviona, asi haingadzoserwi kwauri; makwai ako achapiwa vavengi vako, haungawani unokurwira. | 
| 32. | Vanakomana vako navanasikana vako vachapiwa rumwe rudzi; meso ako achatarira, ukaneta kuvashuva zuva rose; asi uchashaiwa simba paruoko rwako. | 
| 33. | Zvibereko zvevhu rako, nezvamabasa ako, zvichadyiwa norudzi rwausingazivi; uchangoremedzwa nokutambudzwa nguva dzose. | 
| 34. | Uchapengeswa nezvauchaona nameso ako. | 
| 35. | Jehovha uchakurova pamabvi ako, napamakumbo ako, namamota anorwadza, acharamba kupora, kubva parutsoka kusvikira pamusoro pomusoro wako. | 
| 36. | Jehovha uchakuisa iwe namambo wako wauchazvitsaurira kurudzi rwawakanga usingazivi iwe namadzibaba ako; zvino uchandoshumirapo vamwe vamwari vamatanda namabwe. | 
| 37. | Iwe uchaitwa chishamiso, neshumo, nechiseko, pakati pavanhu vose kwauchandoiswa naJehovha. | 
| 38. | "Uchatakurira mbeu zhinji kumunda, asi uchaunganidza zvishoma; nokuti zvichapedzwa nemhashu. | 
| 39. | Ucharima minda yemizambiringa nokuigadzira, asi haunganwi waini yayo, kana kutanha mazambiringa; nokuti achadyiwa namakonye. | 
| 40. | Uchava nemiti yemiorivhi panyika yako yose, asi haungazori mafuta ayo, nokuti miorivhi yako ichazuka. | 
| 41. | Uchabereka vanakomana navanasikana, asi havangavi vako, nokuti vachatapwa. | 
| 42. | Miti yako yose nezvibereko zvevhu rako zvichadyiwa nemhashu. | 
| 43. | "Mutorwa ugere pakati pako ucharamba achikwirira kupfuura iwe; iwe ucharamba uchiderera. | 
| 44. | lye uchakupa chikwereti, asi iwe haungamupi chikwereti; iye uchava musoro, iwe uchava muswe. | 
| 45. | "Kutukwa uku kwose kuchaitika kwauri, nokukutevera, nokukubata, kusvikira waparadzwa; nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, nokuchengeta mirairo yake nezvaakatema, zvaakakuraira. | 
| 46. | Zvichava pamusoro pako napamusoro pavana vako, zvive zviratidzo nezvishamiso nokusingaperi; | 
| 47. | nokuti hauna kushumira Jehovha Mwari wako nomufaro, nomoyo unofara, nokuda kwokuwanda kwezvose. | 
| 48. | Naizvozvo uchafanira kubatira vavengi vako, vauchatumirwa naJehovha kuti urwe navo , uchinzwa nzara nenyota, uchishaiwa zvokufuka nezvose izvi; iye uchaisa joko redare pamutsipa wako, kusvikira akuparadza. | 
| 49. | Jehovha achauyisa rudzi runobva kure kuzorwa newe, runobva kumagumisiro enyika, segondo rinobhururuka, rudzi rwausinganzwisisi rurimi rwarwo; | 
| 50. | rudzi rune hasha, rusingarangariri vatana, kana kunzwira majaya tsitsi. | 
| 51. | Vachadya zvibereko zvemombe dzako, nezvibereko zvevhu rako, kusvikira waparadzwa; havangakusiyiri zviyo, kana waini, kana mafuta, kana zvakaberekwa nemhou dzako, kana makwayana amakwai ako, kusvikira waparadzwa navo. | 
| 52. | Vachakukomba pamasuo ako ose, kusvikira masvingo ako marefu ane simba awa ose, awakatenda munyika yako yose; vachakukomba pamasuo ako ose panyika yako yose, yawakapiwa naJehovha Mwari wako. | 
| 53. | "Uchadya zvibereko zvomuviri wako, nyama yavanakomana vako navanasikana vako, vawakapiwa naJehovha Mwari wako, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako. | 
| 54. | Murume unoundere nounounengwe kwazvo pakati pako uchava nomufungo wakaipa kuhama yake, nokumukadzi wake waanoda, nokuvana vake vaanenge asarirwa navo; | 
| 55. | haangapi mumwe wavo nyama yavana vake vaachadya, nokuti iye haangavi nechaakasarirwa nacho, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuo ako ose. | 
| 56. | Mukadzi unoundere nounounengwe pakati pako, wakanga asingadi kutsika pasi norutsoka rwake nokuda kwounengwe hwake noundere hwake, uchava nomufungo wakaipa kumurume wake waanoda, nemwanakomana wake, nomwanasikana wake; | 
| 57. | nokumwana wake muduku, waachangobereka, nokuvana vake vaachazobereka; nokuti uchadya pakavanda nokuda kwokushaiwa zvinhu zvose, kana wokombwa nokumanikidzwa navavengi vako pamasuo ako. | 
| 58. | "Kana usingachenjeri kuita mashoko ose omurayiro uyu, akanyorwa mubhuku iyi, kuti utye zita iri rinobwinya nerinotyisa, rinoti: JEHOVHA MWARI WAKO; | 
| 59. | Jehovha uchakurova iwe navana vako namatambudziko anoshamisa, matambudziko makuru, asingakurumidzi kupera, namatenda akaipa, asingakurumidzi kupera. | 
| 60. | Uchauyisazve pamusoro pako hosha dzose dzeIjipiti, dzawakanga uchitya, kuti dzikunamatire. | 
| 61. | Namatenda ose, namatambudziko ose, asina kunyorwa mubhuku yomurayiro uyu, ndiwo achauyiswa naJehovha pamusoro pako, kusvikira waparadzwa. | 
| 62. | Muchasara mava vashoma, kunyange makanga muri vazhinji senyeredzi dzokudenga; nokuti hauna kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako. | 
| 63. | Zvino Jehovha sezvaakanga achikufarirai achida kukuitirai zvakanaka, nokukuwanzai, saizvozvo Jehovha uchafara pamusoro penyu kukupedzai nokukuparadzai; muchadzurwa kunyika kwaunoenda, kuti ive yako. | 
| 64. | Jehovha uchakurashanya pakati pendudzi dzose, kubva pamugumo mumwe wenyika kusvikira kuno mumwe mugumo; ipapo uchandoshumira vamwe vamwari vawakanga usingazivi, iwe namadzibaba ako, vamwari vamatanda navamabwe. | 
| 65. | Pakati pendudzi idzo haungawani zororo, netsoka dzako hadzingawani pokuzorora; asi Jehovha uchakupa ipapo moyo unowonda; | 
| 66. | upenyu hwako hucharembera pamberi pako, uchatya usiku namasikati, haungazivi kana uchararama; | 
| 67. | mangwanani uchati, `Dai aiva madekwana!' Madekwana uchati, `Dai aiva mangwanani!' Nokutya kwomoyo wako, zvauchaona nameso ako. | 
| 68. | Jehovha uchakuisazve Ijipiti nezvikepe nenzira yandakati kwauri, `Hauchazoionizve;' ipapo muchandozvitengesa kuvavengi venyu, kuti muve varanda navarandakadzi, asi hakungavi nomunhu uchakutengai." | 
| ← Deuteronomy (28/34) → |