Deuteronomy (27/34)  

1. Zvino Mozisi navakuru vaIsiraeri vakaraira vanhu, vakati, chengetai mirairo yose yandinokurairai nhasi.
2. Zvino nomusi waunoyambuka Jorodhani muchipinda munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, unofanira kuzvimisira mabwe makuru nokuachenesa nesuko;
3. ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurayiro uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako.
4. Zvino kana mayambuka Jorodhani, munofanira kumisa mabwe iwayo, sezvandinokurairai nhasi, pagomo reEbhari, nokuachenesa nesuko.
5. Ipapo unofanira kuvakirapo Jehovha Mwari wako aritari, aritari yamabwe; haufaniri kusimudzira nhumbi yedare pamusoro payo.
6. Unofanira kuvaka aritari yaJehovha Mwari wako namabwe asina kuvezwa, ugobayirapo Jehovha Mwari wako zvipiriso zvinopiswa.
7. Unofanira kubayirapo zvipiriso zvokuyananisa, nokudyapo; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako.
8. Unofanira kunyora pamusoro pamabwe awo mashoko ose omurayiro uyu, zvionekwe kwazvo.
9. Zvino Mozisi navapirisiti navaRevhi vakataura navaIsiraeri vose, vakati, "Iwe Isiraeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehovha Mwari wako.
10. Naizvozvo unofanira kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, uite mirairo yake nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi."
11. Mozisi akaraira vanhu nomusi uyo, akati,
12. "Ndivo vanofanira kundomira pamusoro pegomo reGerizimi, kuti varopafadze vanhu, kana mayambuka Jorodhani: Simiyoni, naRevhi, naJudha, naIsakari; naJosefa, naBhenjamini.
13. Uye ndivo vanofanira kunomira pagomo reEbhari, kuti vavatuke: Rubheni, naGadhi, naAsheri, naZebhuruni, naDhani, naNafutari."
14. Zvino vaRevhi vanofanira kupindura, vachiti kuvarume vose vaIsiraeri nenzwi guru,
15. "Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda. "Zvino vanhu vose vanofanira kupindura, vachiti, Ameni.
16. "Ngaatukwe munhu unozvidza baba vake kana mai vake. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
17. "Ngaatukwe munhu unoshandura muganhu wehama yake. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
18. "Ngaatukwe munhu unotsausa bofu panzira."Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
19. "Ngaatukwe munhu unotongera "Mutorwa nenherera nechirikadzi zvisakarurama. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
20. "Ngaatukwe munhu unovata nomukadzi wababa vake, nokuti wafukura nhere yababa vake. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
21. "Ngaatukwe munhu unovata nemhuka ipi neipi. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
22. "Ngaatukwe munhu unovata nehanzvadzi yake, kana nomwanasikana wababa vake, kana nomwanasikana wamai vake. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
23. "Ngaatukwe munhu unovata namai vomukadzi wake. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
24. "Ngaatukwe munhu unorova wokwake pakavanda. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
25. "Ngaatukwe munhu unogamuchira fufuro kuti auraye mumwe usine mhosva."Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.
26. "Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu, nokuaita. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni.

  Deuteronomy (27/34)