| ← Deuteronomy (27/34) → |
| 1. | Zvino Mozisi navakuru vaIsiraeri vakaraira vanhu, vakati, chengetai mirairo yose yandinokurairai nhasi. |
| 2. | Zvino nomusi waunoyambuka Jorodhani muchipinda munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, unofanira kuzvimisira mabwe makuru nokuachenesa nesuko; |
| 3. | ugonyora pamusoro pawo mashoko ose omurayiro uyu, kana wayambuka; kuti upinde munyika yawakapiwa naJehovha Mwari wako, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvawakapikirwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako. |
| 4. | Zvino kana mayambuka Jorodhani, munofanira kumisa mabwe iwayo, sezvandinokurairai nhasi, pagomo reEbhari, nokuachenesa nesuko. |
| 5. | Ipapo unofanira kuvakirapo Jehovha Mwari wako aritari, aritari yamabwe; haufaniri kusimudzira nhumbi yedare pamusoro payo. |
| 6. | Unofanira kuvaka aritari yaJehovha Mwari wako namabwe asina kuvezwa, ugobayirapo Jehovha Mwari wako zvipiriso zvinopiswa. |
| 7. | Unofanira kubayirapo zvipiriso zvokuyananisa, nokudyapo; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako. |
| 8. | Unofanira kunyora pamusoro pamabwe awo mashoko ose omurayiro uyu, zvionekwe kwazvo. |
| 9. | Zvino Mozisi navapirisiti navaRevhi vakataura navaIsiraeri vose, vakati, "Iwe Isiraeri, nyarara, unzwe; nhasi waitwa rudzi rwaJehovha Mwari wako. |
| 10. | Naizvozvo unofanira kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, uite mirairo yake nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi." |
| 11. | Mozisi akaraira vanhu nomusi uyo, akati, |
| 12. | "Ndivo vanofanira kundomira pamusoro pegomo reGerizimi, kuti varopafadze vanhu, kana mayambuka Jorodhani: Simiyoni, naRevhi, naJudha, naIsakari; naJosefa, naBhenjamini. |
| 13. | Uye ndivo vanofanira kunomira pagomo reEbhari, kuti vavatuke: Rubheni, naGadhi, naAsheri, naZebhuruni, naDhani, naNafutari." |
| 14. | Zvino vaRevhi vanofanira kupindura, vachiti kuvarume vose vaIsiraeri nenzwi guru, |
| 15. | "Ngaatukwe munhu unoita mufananidzo wakavezwa, kana wakaumbwa, unonyangadza Jehovha, riri basa ramaoko emhizha, achiumisa pakavanda. "Zvino vanhu vose vanofanira kupindura, vachiti, Ameni. |
| 16. | "Ngaatukwe munhu unozvidza baba vake kana mai vake. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. |
| 17. | "Ngaatukwe munhu unoshandura muganhu wehama yake. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. |
| 18. | "Ngaatukwe munhu unotsausa bofu panzira."Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. |
| 19. | "Ngaatukwe munhu unotongera "Mutorwa nenherera nechirikadzi zvisakarurama. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. |
| 20. | "Ngaatukwe munhu unovata nomukadzi wababa vake, nokuti wafukura nhere yababa vake. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. |
| 21. | "Ngaatukwe munhu unovata nemhuka ipi neipi. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. |
| 22. | "Ngaatukwe munhu unovata nehanzvadzi yake, kana nomwanasikana wababa vake, kana nomwanasikana wamai vake. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. |
| 23. | "Ngaatukwe munhu unovata namai vomukadzi wake. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. |
| 24. | "Ngaatukwe munhu unorova wokwake pakavanda. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. |
| 25. | "Ngaatukwe munhu unogamuchira fufuro kuti auraye mumwe usine mhosva."Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. |
| 26. | "Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu, nokuaita. "Zvino vanhu vose vanofanira kuti, Ameni. |
| ← Deuteronomy (27/34) → |