Deuteronomy (26/34)  

1. "Zvino kana wapinda panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako, ikava yako, ukagaramo;
2. unofanira kutora zvitsva zvezvibereko zvose zvenyika, zvaunowana panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ndokuzviisa mudengu, ndokuenda nazvo kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, kuti agarisepo zita rake.
3. Zvino uende kumupirisiti uchavapo pamazuva iwayo, uti kwaari, `Ndinoreva pachena nhasi pamberi paJehovha Mwari wako, kuti ndasvika panyika yakapikirwa madzibaba edu naJehovha, kuti uchatipa iyo.'
4. Ipapo mupirisiti anofanira kutora dengu paruoko rwako, ndokurigadza pamberi pearitari yaJehovha Mwati. wako.
5. iwe ugopupura, uchiti pamberi paJehovha Mwari wako, `Baba vangu vakanga vari muArameya, mufambi wakanga oda kuparara, akaburukira Ijipiti, akagarapo, ana vanhu vashoma havo; vakaitwapo rudzi rukuru, runesimba, runa vanhu vazhinji.
6. Valjipiti vakatiitira zvakaipa, nokutitambudza, vakatibatisa mabasa anorema.
7. Ipapo takadana kuna Jehovha Mwari wamadzibaba edu, Jehovha akanzwa inzwi redu, akaona kutambudzika kwedu;
8. Jehovha akatibudisa paIjipiti neruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, nezvinotyisa, nezviratidzo, nezvishamiso;
9. akatisvitsa panzvimbo ino, akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka nouchi.
10. Zvino tarira, ndauya nezvitsva zvezvibereko zvenyika yamakandipa, imwi Jehovha.' Ipapo unofanira kuzviisa pasi pamberi paJehovha Mwari wako; ndokunamata pamberi paJehovha Mwari wako.
11. Unofanira kufarira zvose zvakanaka, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako, iwe, naveimba yako, nomuRevhi, nomutorwa uri pakati pako.
12. "Zvino kana wapedza kutsaura zvegumi zvezvibereko zvako zvose negore rechitatu, nokuti ndiro gore rokutsaura zvegumi, unofanira kuzvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti vadye mukati mamasuo ako, vagute.
13. Ipapo iwe unofanira kutaura pamberi paJehovha Mwari wako, uchiti, `Ndabvisa mumba mangu zvinhu zvakatsaurwa, ndikazvipa muRevhi, nomutorwa, nenherera, nechirikadzi, zvose sezvamakandiraira; handina kudarika mumwe wemirairo yenyu, kana kuikanganwa.
14. Handina kuzvidya pakuchema kwangu, kana kuviga zvimwe zvazvo, ndisina kunaka, kana kupa vakafa zvimwe zvazvo; ndakateerera inzwi raJehovha Mwari wangu, ndikaita zvose zvamakandiraira.
15. Dotarirai muri paugaro hwenyu hutsvene, pakudenga, muropafadze vanhu venyu Isiraeri, nenyika yamakatipa, sezvamakapikira madzibaba edu, nyika inoyerera mukaka nouchi.'
16. "Nhasi Jehovha Mwari wako unokuraira kuti uite izvi zvakatemwa nezvakatongwa, naizvozvo unofanira kuzvichengeta nokuzviita nomoyo wako wose nomweya wako wose.
17. Wapikisa Jehovha nhasi kuti ave Mwari wako, newe kuti unofanira kufamba munzira dzake, nokuchengeta zvaakatema, nemirairo yake, nezvaakatonga, uye kuti uchateerera inzwi rake.
18. NaJehovha wakakupikisa iwe kuti uchava rudzi rwake chairwo, sezvaakakupikira, uye kuti uchachengeta mirairo yake yose;
19. kuti akukurise kwazvo kupfuura ndudzi dzose dzaakaita, pakurumbidzwa, napamukurumbira, napakukudzwa; kuti uve rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako, sezvaakataura."

  Deuteronomy (26/34)