Deuteronomy (25/34)  

1. Kana vanhu vakaita nharo, vakauya kutongerwa, vatongi vakavatongera, vanofanira kururamisira wakarurama, nokupa mhosva munhu wakatadza.
2. Zvino kana wakatadza achifanirwa nokurohwa, mutongi anofanira kumutsivamisa pasi, agorohwa pamberi pake zvakaenzana nokutadza kwake.
3. Anofanira kumurova kana makumi mana, haafaniri kupfuudza; kuti, kana akapfuudza, akamurova kupfuura ipapo kazhinji, hama yako irege kuzvidzwa pamberi pako.
4. "Usasunga muromo wenzombe inopura zviyo.
5. "Kana vana vomunhu mumwe vagere pamwechete, mumwe wavo akafa asina mwanakomana, mukadzi wowakafa haafaniri kuwanikwa nomutorwa kunze kwehama; munun’una womurume wake anofanira kupinda kwaari, ave mukadzi wake, amuitire sezvinofanira kuita munun’una womurume.
6. Zvino mwana wedangwe waachabereka, ndiye anofanira kupinda panzvimbo yomukoma wake wakafa, kuti zita rake rirege kudzima pakati paIsiraeri.
7. Kana munhu asingadi kuwana mukadzi womukoma wake, mukadzi womukoma wake anofanira kukwira kusuo ravakuru, agoti, `Munun’una womurume wangu unoramba kumutsira mukoma wake zita muna Isiraeri, haadi kundiitira sezvinofanira kuita munun’una womurume.'
8. Zvino vakuru veguta rake vanofanira kumudana, vataure naye; kana akaramba, achiti, `Handidi hangu kumuwana';
9. mukadzi womukoma wake anofanira kuuya kwaari pamberi pavakuru, ndokubvisa shangu yake parutsoka rwake, ndokumupfira mate pameso, agopindura achiti, `Ndizvo zvinofanira kuitirwa munhu usingavaki imba yomukoma wake.'
10. Zita rake muna Isiraeri rinofanira kunzi, 'Imba yomunhu wakabviswa shangu yake.'
11. "Kana varume vakarwa, mukadzi womumwe akaswedera kurwira murume wake paruoko rwaiye anomurova, akatambanudza ruoko rwake, akamubata pa mberi,
12. iwe unofanira kugura ruoko rwake, haufaniri kumunzwira tsitsi.
13. "Haufaniri kuva nezviyereso zvisina kuenzana muhombodo yako, chikuru nechiduku.
14. Haufaniri kuva nezviyero zvisina kuenzana mumba mako, chikuru nechiduku.
15. Unofanira kuva nechiyereso chakakwana, chakarurama; kuti mazuva ako ave mazhinji panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
16. Nokuti vose vanoita zvinhu zvakadai, ivo vose vanoita zvisina kururama, vanonyangadza Jehovha Mwari wako.
17. "Rangarira zvawakaitirwa naAmareki panzira, pakubuda kwenyu Ijipiti;
18. kuti wakakuwira panzira, akaparadza vanhu vako vakanga vari shure, vose vakanga vasine simba, panguva yamakanga maziya nokuneta; iye wakanga asingatyi Mwari.
19. Zvino kana Jehovha Mwari wako akupa zororo pavavengi vako vose, vanokupoteredza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ive nhaka yako, unofanira kubvisa pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki; usakakanganwa.

  Deuteronomy (25/34)