| ← Deuteronomy (24/34) → |
| 1. | "Kana murume akatora mukadzi, akamuwana, zvino akasafara naye, nokuti wawana chinhu chisina kufanira kwaari, unofanira kumunyorera rugwaro rwokumuramba, ndokuruisa muruoko rwake, ndokumubvisa mumba make. |
| 2. | Zvino kana abuda mumba make, ungandowanikwa nomumwe murume. |
| 3. | Kana murume uyuzve akamuvenga, akamunyorera rugwaro rwokumuramba, akamupa irwo muruoko rwake, akamubvisa mumba make, kunyange murume uyu akazofa, iye wakazomuwana, |
| 4. | murume wake wokutanga, wakadeya kumubvisa, haangamuwanizve, zvaakasvibiswa; nokuti izvo zvinonyangadza Jehovha; haufaniri kutadzisa nyika, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako. |
| 5. | "Kana munhu achangowana mukadzi, haafaniri kuenda kuhondo, kana kubatiswa rimwe basa; anofanira kugara kumusha gore rimwe akasununguka, kuti afadze mukadzi wake waakawana. |
| 6. | "Munhu haafaniri kutora guyo kana huyo, kuti ruve rubatso; nokuti unotora rubatso rwoupenyu hwomunhu. |
| 7. | "Kana munhu akawanikwa achiba mumwe wehama dzake kuvana vaIsiraeri, akamuita muranda wake, kana kumutengesa, uyo mubi anofanira kufa; saizvozvo unofanira kubvisa chakaipa pakati pako. |
| 8. | Chenjera pahosha yamaperembudzi kuti uchengete nokuita zvakanaka zvamunodzidziswa navapirisiti vaRevhi; sezvandakavaraira, ndizvo zvamunofanira kuita. |
| 9. | Rangarira zvakaitirwa Miriami naJehovha Mwari wako panzira, muchibuda Ijipiti. |
| 10. | "Kana ukaposwa nowokwako chinhu chipi nechipi, haufaniri kupinda mumba make kundotora rubatso rwake. |
| 11. | Unofanira kumira kunze, kuti munhu wakaposwa newe akubudisire kunze rubatso rwake. |
| 12. | Kana achinge ari murombo haufaniri kundovata norubatso rwake. |
| 13. | Unofanira kumudzosera rubatso kana zuva rovira, kuti avate nenguvo yake, akuropafadze; ucharuramiswa pamusoro paizvozvo naJehovha Mwari wako. |
| 14. | "Usamanikidza muranda unokubatira, ari murombo unoshaiwa, kana ari mumwe wehama dzako, kana wavatorwa vako vari munyika yako, mukati mamasuo ako. |
| 15. | Unofanira kumupa mubayiro wake zuva rimwe nerimwe, zuva ngarirege kuvira asati apiwa; nokuti murombo, nomoyo wake unoutarira; kuti arege kuzochema kuna Jehovha pamusoro pako, zvikava zvivi kwauri. |
| 16. | "Madzibaba haafaniri kuurawa pamusoro pavana vavo, navana havafaniri kuurawa pamusoro pamadzibaba avo; munhu mumwe nomumwe anofanira kuurayirwa zvivi zvake. |
| 17. | "Usatongera mutorwa kana nherera zvisina kururama; uye haufaniri kutora nguvo yechirikadzi kuita rubatso nayo. |
| 18. | Asi unofanira kurangarira kuti wakanga uri muranda paIjipiti, Jehovha Mwari wako akakudzikunura ipapo; naizvozvo ndinokuraira kuita chinhu ichi. |
| 19. | "Kana ukakohwa zviyo zvako mumunda mako, ukakanganwa chisote mumunda, haufaniri kudzokera kundochitora, chinofanira kuva chomutorwa, nenherera, nechirikadzi, kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pamabasa ose amaoko ako. |
| 20. | "Kana uchizunza muti wako womuorivhi, usatsvakisisa pamatavizve; zvinofanira kuva zvomutorwa nenherera, nechirikadzi. |
| 21. | Kana uchiunganidza mazambiringa omunda wako wemizambiringa, haufaniri kutsvakisisazve; anofanira kuva omutorwa, nenherera, nechirikadzi. |
| 22. | Unofanira kurangarira kuti wakanga uri muranda panyika yeIjipiti; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi. |
| ← Deuteronomy (24/34) → |