| ← Deuteronomy (20/34) → |
| 1. | "Kana ukabuda kundorwa navavengi vako, ukaona mabhiza, nengoro navanhu vakawanda kupfuura iwe, usavatya; nokuti Jehovha Mwari wako unewe, iye wakakubudisa panyika yeIjipiti. |
| 2. | Zvino kana moswedera pakurwa, mupirisiti anofanira kuuya kuzotaura navanhu, |
| 3. | achiti kwavari, `Inzwai imwi Isiraeri, nhasi moswedera pakurwa navavengi venyu, moyo yenyu ngairege kupera simba; regai kutya kana kudedera, kana kuvhunduka pamberi pavo; |
| 4. | nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unoenda nemi, kukurwirai pavavengi venyu, kukuponesai.' |
| 5. | "Navakuru vanofanira kutaura navanhu, vachiti, `Pano munhu here wakavaka imba itsva, uchigere kutanga kuigara? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akatanga kuigara. |
| 6. | Uye, pano munhu here wakarima munda wemizambiringa, uchigere kudya michero yawo? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akadya michero yawo. |
| 7. | Uye, pano munhu here wakanyenga musikana, uchigere kumuwana? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akamuwana.' |
| 8. | "Uye vakuru vanofanira kutaurawo kuvanhu, vachiti, ‘Pano munhu here unotya, unomoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake; kuti moyo yehama dzake irege kunyauka somoyo wake.' |
| 9. | Zvino kana vakuru vapedza kutaura navanhu, vanofanira kugadza vatariri vehondo vangatungamirira vanhu. |
| 10. | "Kana woswedera pedo neguta kuti urwe naro, unofanira kuriparidzira rugare. |
| 11. | Zvino kana ivo vachikupindura norugare, vakakuzarurira masuo avo, ipapo vanhu vose vanowanikwa mukati maro vanofanira kukuteerera mutero nokukubatira. |
| 12. | Kana vasingadi kuyanana newe, asi kurwa newe, iwe unofanira kurikomba; |
| 13. | kana Jehovha Mwari wako akariisa mumaoko ako, unofanira kuparadza varume vose varimo nomunondo unopinza; |
| 14. | asi vakadzi, nepwere, nemombe, nezvose zviri muguta, zvose zvingapambwa, unofanira kuzvitapira izvo; iwe uchadya zvakapambwa kuvavengi vako, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako. |
| 15. | Unofanira kuita saizvozvo namaguta ose ari kure kwazvo newe, asati ari maguta endudzi idzi. |
| 16. | "Asi kana ari maguta avanhu ava, vaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti vave nhaka yako, haufaniri kurega chinhu chimwe chinofema chiri chipenyu; |
| 17. | asi unofanira kuvaparadza chose, ivo vaHeti, navaAmori, naKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi; sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako; |
| 18. | kuti varege kukudzidzisai kuita zvose zvavo zvinonyangadza, zvavakaitira vamwari vavo; imwi mukatadzira Jehovha Mwari wenyu. |
| 19. | "Kana ukakomba guta nguva refu, uchirwa naro, kuti urikunde, haufaniri kuparadza miti yaro, uchiitema nesanhu; ungaidya, haufaniri kuitema; nokuti muti womusango munhu here, kuti ukombwe newe? |
| 20. | Asi miti yaunoziva kuti miti isingadyiwi, unofanira kuiparadza uchiitema; guta rinorwa newe unofanira kurivakira mhanda kusvikira rakundwa. |
| ← Deuteronomy (20/34) → |