Deuteronomy (20/34)  

1. "Kana ukabuda kundorwa navavengi vako, ukaona mabhiza, nengoro navanhu vakawanda kupfuura iwe, usavatya; nokuti Jehovha Mwari wako unewe, iye wakakubudisa panyika yeIjipiti.
2. Zvino kana moswedera pakurwa, mupirisiti anofanira kuuya kuzotaura navanhu,
3. achiti kwavari, `Inzwai imwi Isiraeri, nhasi moswedera pakurwa navavengi venyu, moyo yenyu ngairege kupera simba; regai kutya kana kudedera, kana kuvhunduka pamberi pavo;
4. nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiye unoenda nemi, kukurwirai pavavengi venyu, kukuponesai.'
5. "Navakuru vanofanira kutaura navanhu, vachiti, `Pano munhu here wakavaka imba itsva, uchigere kutanga kuigara? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akatanga kuigara.
6. Uye, pano munhu here wakarima munda wemizambiringa, uchigere kudya michero yawo? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akadya michero yawo.
7. Uye, pano munhu here wakanyenga musikana, uchigere kumuwana? Ngaadzokere kumba kwake; kuti arege kufa pakurwa, mumwe akamuwana.'
8. "Uye vakuru vanofanira kutaurawo kuvanhu, vachiti, ‘Pano munhu here unotya, unomoyo unovhunduka? Ngaadzokere kumba kwake; kuti moyo yehama dzake irege kunyauka somoyo wake.'
9. Zvino kana vakuru vapedza kutaura navanhu, vanofanira kugadza vatariri vehondo vangatungamirira vanhu.
10. "Kana woswedera pedo neguta kuti urwe naro, unofanira kuriparidzira rugare.
11. Zvino kana ivo vachikupindura norugare, vakakuzarurira masuo avo, ipapo vanhu vose vanowanikwa mukati maro vanofanira kukuteerera mutero nokukubatira.
12. Kana vasingadi kuyanana newe, asi kurwa newe, iwe unofanira kurikomba;
13. kana Jehovha Mwari wako akariisa mumaoko ako, unofanira kuparadza varume vose varimo nomunondo unopinza;
14. asi vakadzi, nepwere, nemombe, nezvose zviri muguta, zvose zvingapambwa, unofanira kuzvitapira izvo; iwe uchadya zvakapambwa kuvavengi vako, zvaunopiwa naJehovha Mwari wako.
15. Unofanira kuita saizvozvo namaguta ose ari kure kwazvo newe, asati ari maguta endudzi idzi.
16. "Asi kana ari maguta avanhu ava, vaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti vave nhaka yako, haufaniri kurega chinhu chimwe chinofema chiri chipenyu;
17. asi unofanira kuvaparadza chose, ivo vaHeti, navaAmori, naKenani, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi; sezvawakarairwa naJehovha Mwari wako;
18. kuti varege kukudzidzisai kuita zvose zvavo zvinonyangadza, zvavakaitira vamwari vavo; imwi mukatadzira Jehovha Mwari wenyu.
19. "Kana ukakomba guta nguva refu, uchirwa naro, kuti urikunde, haufaniri kuparadza miti yaro, uchiitema nesanhu; ungaidya, haufaniri kuitema; nokuti muti womusango munhu here, kuti ukombwe newe?
20. Asi miti yaunoziva kuti miti isingadyiwi, unofanira kuiparadza uchiitema; guta rinorwa newe unofanira kurivakira mhanda kusvikira rakundwa.

  Deuteronomy (20/34)