Deuteronomy (2/34)  

1. "Zvino takadzoka, tikafamba tichipinda murenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakaudzwa naJehovha, tikapota-pota gomo reSeiri mazuva mazhinji.
2. "Zvino Jehovha akataura neni, akati,
3. ‘Mapota-pota gomo iri nguva yaringana; dzokai muende nechokumusoro.'
4. Raira vanhu, uti, `Munofanira kupfuura nomunyika yehama dzenyu, vana vaEsau, vagere Seiri; ivo vachakutyai, saka chenjerai
5. Musavavamba, nokuti handingakupiyi nyika yavo, kunyange pangatsikwa norutsoka; nokuti ndakapa Esau gomo reSeiri, rive rake.
6. Munofanira kutenga zvokudya kwavari nemari, mudye, nemvura munofanira kuitengawo kwavari, munwe.
7. Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pamabasa ose amaoko ako; iye unoziva kufamba kwako murenje iri guru. Jehovha Mwari wako wakava newe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.'
8. "Naizvozvo takapfuura hama dzedu, vana vaEsau, vagere Seiri, tikasiya nzira yokuMupata, inobva Erati napaEZiyoni-gebheri. "Takadzoka, tikapfuura nenzira yokurenje rokwaMoabhu.
9. Zvino Jehovha akati kwandiri, `Usarwa navaMoabhu, kana kuvavamba pakurwa; nokuti handingakupi nyika yavo, ive yako; nokuti ndakapa Ari kuvana vaRoti, ive yavo.'
10. "(Kare vaEmi vakanga vageremo, vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu, savaAnaki;
11. vanonzi vorudzi rwavaRefaimu, savaAnaki, asi vaMoabhu vanovaidza vaEmi.
12. NavaHoriwo vakanga vagere Seiri kare; asi vana vaEsau vakavatevera, vakavaparadza pamberi pavo, vakagara panzvimbo yavo; sezvakaita vaIsiraeri nenyika yavo yavakapiwa naJehovha ive yavo.)
13. "Zvino simukai, muyambuke rukova Zeredhi. Tikayambuka rukova Zeredhi.
14. Zvino mazuva okubva kwedu paKadheshi-bharinea kusvikira tayambuka rukova Zeredhi, aiva makore makumi matatu namasere; kusvikira rudzi rwose rwavarume vehondo vaparadzwa pakati pemisasa, sezvavakanga vapikirwa naJehovha.
15. Uye ruoko rwaJehovhawo rwairamba ruchirwa navo, kuti vaparadzwe pakati pemisasa kusvikira vapera.
16. "Zvino varume vose vehondo vakati vapera nokufa pakati pavanhu,
17. Jehovha akataura neni, akati,
18. ‘Nhasi unofanira kupfuura napaAri, pamuganhu waMoabhu;
19. kana woswedera pakatarisana navana vaAmoni, usarwa navo, kana kuvavamba; nokuti handingakupi nyika yavana vaAmoni, ive yako; nokuti ndakaipa vana vaRoti, ive yavo.'
20. "Naiyowo yainzi inyika yavaRefaimu; vaRefaimu vakanga vageremo kare; asi vaAmoni vaivaidza vaZamuzumi;
21. vaiva vanhu vakuru, vazhinji, varefu savaAnaki; asi Jehovha wakavaparadza pamberi pavo, vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo;
22. sezvaakaita navana vaEsau, vanogara Seiri, nguva yaakaparadza vaHori pamberi pavo, ivo vakavatevera, vakagara panzvimbo yavo kusvikira nhasi;
23. vaAvhi, vakanga vagere mumisha kusvikira Gaza, vakaparadzwa navaKafitori, vakabva Kafitori, vakagara panzvimbo yavo.
24. "Simukai, mufambe, muyambuke rwizi Arinoni; tarirai, ndakaisa mumaoko enyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake; tangai kuitora, muvambe kurwa naye.
25. Nhasi ndichatanga kuvhundusa nokutyisa ndudzi dziri pasi pedenga rose pamusoro penyu, ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu, vachabvunda nokutya kwazvo pamusoro penyu.
26. Zvino ndakatuma nhume mbiri murenje reKedhemoti, kuna Sihoni, mambo weHeshibhoni, namashoko orugare, ndichiti,
27. ‘Nditendere kupfuura nomunyika yako, ndichafamba nenzira huru, handingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.
28. Munganditengesera zvokudya nemari, ndidye; mungandipa mvura ndichiripa nemari, ndinwe, asi nditenderei henyu kupfuura namakumbo;
29. sezvandakaitirwa navana vaEsau vagere Seiri, navaMoabhu, vagere Ari; kusvikira ndayambuka Jorodhani, ndikapinda munyika yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.'
30. Asi Sihoni, mambo weHeshibhoni, wakaramba kutitendera kupfuura nokwaari, nokuti Jehovha Mwari wako wakawomesa mweya wake, akarambidza moyo wake, kuti amuise iye muruoko rwako, sezvazvakaita nhasi.
31. Zvino Jehovha akati kwandiri, `Tarira, ndatanga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri; tanga kutora, kuti nyika ive yako.'
32. Ipapo Sihoni akauya, iye navanhu vake vose kuzorwa nesu paJahazi.
33. Jehovha Mwari wedu akamuisa mumaoko edu, tikamukunda, iye navana vake, navanhu vake vose.
34. Nenguva iyo tikakunda maguta ake ose, tikaparadza chose maguta ose aiva navanhu, pamwechete navakadzi navana vaduku, hatina kusiya kunyange nomumwe.
35. Asi zvipfuwo zvoga takazvitora zvive zvedu zvatakatapa, pamwechete nezvatakapamba pamaguta atakakunda.
36. Kubva paAroeri pamuuyo worwizi Arinoni, nokuguta riri parwizi, kusvikira Giriyadhi, kwakanga kusina guta rakatikurira; Jehovha Mwari wedu wakaaisa ose pamaoko edu;
37. asi hamuna kuswedera kunyika yavana vaAmoni; kurutivi rwose rworwizi Jabhoki, namaguta enyika yamakomo, napose patakanga tadziviswa naJehovha Mwari wedu.

  Deuteronomy (2/34)