Deuteronomy (19/34)  

1. "Zvino kana Jehovha Mwari wako achiparadza ndudzi dzaunopiwa nyika yadzo naJehovha Mwari wako, iwe ukapinda panzvimbo yavo, ukagara mumaguta avo nomudzimba dzavo;
2. unofanira kuzvitsaurira maguta matatu munyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako.
3. Unofanira kuzvigadzirira nzira, nokuganhura nyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako, uchiita migove mitatu, kuti munhu upi noupi wakauraya agone kutizirako.
4. Zvino ndiwo murayiro womuurayi unotizirako akazorarama: Munhu upi noupi unouraya wokwake, nokusaziva, asina kumuvenga kare;
5. somunhu unoti kana achienda nowokwake kudondo kundotema huni, akasimudza ruoko rwake kuti ateme muti nesanhu, dare ndokuvhomoka pamupinyi, ndokutema wokwake akafa; iye unofanira kutizira kune rimwe ramaguta awa, ararame.
6. Kuti mutsivi weropa arege kuteverera muurayi, moyo wake uchine shungu, akamubata nokuti kure, akamurova akafa; izvo wakanga asina kufanirwa norufu, nokuti wakanga asina kumuvenga kare.
7. Saka ndinokuraira, ndichiti, `Unofanira kuzvitsaurira maguta matatu.'
8. "Zvino kana Jehovha Mwari wako achizokurisa nyika yako, sezvaakapikira madzibaba ako, akakupa nyika yose yaakapikira madzibaba ako, kuti uchavapa iyo;
9. kana ukachengeta murayiro uyu wose nokuuita, uyu wandinokuraira nhasi, kuti ude Jehovha Mwari wako,nokufamba munzira dzake, nguva dzose; ipapo unofanira kuzowedzerazve mamwe maguta matatu kuna awa matatu;
10. kuti ropa romunhu usine mhosva rirege kuteurwa panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako; kuti nokudaro ropa rirege kuva pamusoro pako.
11. "Asi kana munhu upi noupi akavenga wokwake, akamuvandira, akamumukira, ndokumurova akafa, kana iye akatizira kune rimwe ramaguta awa;
12. ipapo vakuru veguta rake vanofanira kutuma munhu kundomutorako, vagomuisa mumaoko omutsivi weropa, afe.
13. Haufaniri kumunzwira tsitsi, asi iwe unofanira kubvisa ropa romunhu usine mhosva pakati paIsiraeri, kuti zvive zvakanaka newe. Unotorera mumwe nyika yake neanopupura nhema vanofanira kurohwa
14. "Usashandura miganhu yowokwako, yakatarwa navekare, panhaka yako yauchazopiwa, panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive yako.
15. "Chapupu chimwe hachifaniri kupupurira munhu pachinhu chakaipa chipi nechipi, kana chivi chipi nechipi, chiri chivi chipi nechipi chaakatadza; shoko rinofanira kusimbiswa nezvapupu zviviri kana zvitatu.
16. Kana chapupu chisina kururama chikapupurira munhu upi noupi kuti wakatadza;
17. ipapo varume vaviri vose vane nharo vanofanira kumira pamberi paJehovha, pamberi pavapirisiti navatongi vachavapo namazuva iwayo;
18. zvino vatongi vanofanira kuferefeta kwazvo; kana vakaona kuti chapupu icho chapupu chenhema, chakapupurira hama yacho nhema,
19. munofanira kumuitira iye sezvaakafunga kuitira hama yake; nokudaro iwe unofanira kubvisa chakaipa pakati pako.
20. Vakasara vanofanira kuzvinzwawo, vatye, varege kuzoita chakaipa chakadai pakati pako.
21. Haufaniri kumunzwira tsitsi; upenyu hunofanira kutsihwa noupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka.

  Deuteronomy (19/34)