| ← Deuteronomy (18/34) → |
| 1. | "Vapirisiti vaRevhi, norudzi rwose rwaRevhi, havafaniri kuva nomugove kana nhaka pamwechete naIsiraeri, vanofanira kudya zvipiriso zvaJehovha zvinopiswa nenhaka yake. |
| 2. | Havafaniri kuva nenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo, sezvaakataura kwavari. |
| 3. | "Zvino ndizvo zvinofanira kupiwa vapirisiti navanhu, naivo vanouya nechibayiro, kana iri nzombe kana gwai; vanofanira kupa mupirisiti bandauko, neshayambiri, nesusu. |
| 4. | Zvitsva zvezviyo zvako, nezvewaini yako, nezvamafuta ako, nemvere dzokutanga dzamakwai ako, ndizvo zvaunofanira kuvapa. |
| 5. | Nokuti Jehovha Mwari wako wakamutsaura iye pakati pamarudzi ako ose, kuti amire achishumira nezita raJehovha, iye, navanakomana vake nokusingaperi. |
| 6. | "Zvino kana muRevhi akabva kune rimwe ramasuo ako muIsiraeri mose, kwaagere, akauya nomoyo wake kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha, |
| 7. | iye anofanira kubata basa nezita raJehovha Mwari wake, sezvinoita hama dzake dzose vaRevhi dzinomirapo pamberi paJehovha. |
| 8. | Vanofanira kupiwa migove yakaenzana yezvokudya, kunze kwezvaakawana pakutengesa nhaka yamadzibaba ake.Havafaniri kutevera tsika dzavahedheni |
| 9. | "Zvino kana wasvika munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usadzidza kutevera zvinonyangadza zvendudzi idzo. |
| 10. | Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto, kana unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, |
| 11. | kana n’anga, kana unobvunza masvikiro, kana muuki, kana unobvunza vakafa. |
| 12. | Nokuti vose vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha; nokuda kwezvinonyangadza izvi Jehovha Mwari wako unovadzinga pamberi pako. |
| 13. | Unofanira kuva wakarurama pamberi paJehovha Mwari wako. |
| 14. | "Nokuti ndudzi idzi dzamunopiwa dzive dzenyu, dzinoteerera vanotenda mashura navanouka; asi iwe Jehovha Mwari wako haana kukutendera kuita izvozvo. |
| 15. | Jehovha Mwari wako uchakumutsira muporofita, unobva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; unofanira kumuteerera iye; |
| 16. | sezvawakakumbira kuna Jehovha Mwari wako paHorebhu nomusi weungano, uchiti, "Ndirege hangu kuzonzwazve inzwi raJehovha Mwari wangu, uye ndirege hangu kuzoonazve moto uyu mukuru, ndirege kufa.' |
| 17. | Jehovha akati kwandiri, `Zvose zvavakareva, vakataura havo zvakanaka. |
| 18. | Ndichavamutsira muporofita, unobva pakati pehama dzavo, wakafanana newe; ndichaisa mashoko angu mumuromo make, iye uchavaudza zvose zvandinomuraira. |
| 19. | Zvino munhu upi noupi usingatereri mashoko angu, aachataura muzita rangu, ndichamubvunza pamusoro paizvozvo. |
| 20. | Asi muporofita unotaura shoko muzita rangu achizvikudza, riri shoko randisina kumuraira kuti aritaure, kana zvimwe unotaura muzita ravamwe vamwari, muporofita uyo anofanira kufa.' |
| 21. | "Zvino kana iwe ukati mumoyo mako, `Ko tichaziva seiko shoko risina kutaurwa naJehovha?' |
| 22. | Kana muporofita achinge ataura muzita raJehovha, chinhu icho chikasaitika, chikasavapo, ndicho chinhu chisina kutaurwa naJehovha; muporofita wakaritaura achizvikudza, haufaniri kumutya. |
| ← Deuteronomy (18/34) → |