| ← Deuteronomy (17/34) → | 
| 1. | "Usabayira Jehovha Mwari wako mombe kana gwai rakaremara, kana rine chakaipa chipi nechipi; nokuti izvo zvinonyangadza Jehovha Mwari wako. | 
| 2. | "Kana pakati pako mukati merimwe ramasuo ako, aunopiwa naJehovha Mwari wako, murume kana mukadzi akawanikwa, unoita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wako, achidarika sungano yake, | 
| 3. | akandoshumira vamwe vamwari, akanamata kwavari, kana kuzuva kana kumwedzi, kana kune chimwe chehondo dzokudenga, chandisina kukuraira; | 
| 4. | iwe ukaudzwa izvozvo, ukazvinzwa, ipapo unofanira kubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndizvo, ndezvamazvokwadi, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chaitwa pakati paIsiraeri; | 
| 5. | ipapo unofanira kubudisa murume nomukadzi, ugovataka namabwe, vafe. | 
| 6. | Nokupupura kwezvapupu zviviri kana zvitatu iye unofanira kufa, ngaaurawe; nokupupura kwechapupu chimwe ngaarege kuurawa. | 
| 7. | Maoko ezvapupu ndiwo anofanira kutanga kumuuraya; pashure maoko avanhu vose. Saizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako. | 
| 8. | "Kana mhaka ikamuka yamusingagoni kutonga, kana yokuurayana, kana yokukwirirana, kana yokukuvadzana, dziri mhaka dzenharo pakati pamasuo ako; ipapo unofanira kusimuka nokukwira kunzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako; | 
| 9. | uende kuvapirisiti vaRevhi, nokumutongi uchavapo pamazuva iwayo, ubvunze; ivo vachakuzivisa kutonga kwakafanira. | 
| 10. | Zvino unofanira kuita sezvavanokutongera panzvimbo ichatsaurwa naJehovha; uchenjere kuti uite sezvavanokudzidzisa; | 
| 11. | unofanira kuita nomurayiro wavanokuraira, uye nokutonga kwavanokuudza; haufaniri kutsauka kana kurudyi kana kuruboshwe, pakutonga kwavachakuratidza. | 
| 12. | Munhu unoita nokuzvikudza, asingadi kuteerera mupirisiti unomirapo pakushumira Jehovha Mwari wako, kana mutongi, munhu uyo anofanira kufa; iwe unofanira kubvisa zvakaipa pakati paIsiraeri. | 
| 13. | Vanhu vose vachazvinzwa, vachatya, vakasazoita nokuzvikudza. | 
| 14. | "Zvino kana ukasvika panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, ikava yako, ukagaramo, ukati, `Ndichazvigadzira mambo, sezvinoita ndudzi dzose, dzinondipoteredza'; | 
| 15. | zvirokwazvo unofanira kuzvigadzira hako mambo uchatsaurwa naJehovha Mwari wako; unofanira kugadza mumwe kuhama dzako, kuti ave mambo wako; haufaniri kugadza mutorwa, isati iri hama yako. | 
| 16. | Asi ngaarege kuzviwanzira mabhiza, kana kudzosera vanhu Ijipiti, kuti azviwanzire mabhiza; nokuti Jehovha wakati kwauri, `Usadzokazve kubva zvino nenzira iyo.' | 
| 17. | Uye ngaarege kuzviwanzira vakadzi, kuti moyo wake urege kutsauka; uye ngaarege kuzviwanzira zvikuru sirivha nendarama. | 
| 18. | Zvino kana iye ogara pachigaro chake choushe, anofanira kunyora murayiro uyu mubhuku yake, achitora mashoko ari kuvapirisiti vaRevhi; | 
| 19. | inofanira kugara naye, kuti aravemo mazuva ose oupenyu hwake; kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake, nokuchengeta mashoko ose omurayiro uyu nezvakatemwa izvi, kuti azviite; | 
| 20. | kuti moyo wake urege kuzvikudza pamusoro pehama dzake, arege kutsauka pamurayiro, uyu, kana kurudyi, kana kuruboshwe; kuti awedzere mazuva ake paushe hwake, iye, navana vake, pakati paIsiraeri. | 
| ← Deuteronomy (17/34) → |