| ← Deuteronomy (15/34) → |
| 1. | "Nguva dzose kana makore manomwe apera munofanira kuva nesununguro. |
| 2. | Nzira yesununguro ndiyo: Mumwe nomumwe wakapa chikwerete, unofanira kusunungura icho chaakapa hama yake; ngaarege kuchireva kuno wokwake kana hama yake; nokuti sununguro yaJehovha yaparidzwa. |
| 3. | Ungazvireva kumutorwa; asi zvose zvako zviri paruoko rwehama yako, unofanira kuzvisunungura. |
| 4. | "Asi usava navarombo pakati pako (nokuti zvirokwazvo, Jehovha uchakuropafadza panyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ive nhaka yako), |
| 5. | kana uchingoshingaira kwoga kuteerera inzwi raJehovha Mwari wako, kuti uchenjere kuita murayiro uyu wose, wandinokuraira nhasi. |
| 6. | Nokuti Jehovha Mwari wako uchakuropafadza, sezvaakakupikira; iwe uchapa dzimwe ndudzi zhinji chikwerete, asi iwe usatora chikwerete; iwe uchabata ndudzi zhinji, asi idzo hadzingakubati iwe.Varombo navaranda |
| 7. | "Kana kuno murombo kwauri, mumwe wehama dzako, mukati mamasuo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehovha Mwari wako, usatsungira hama yako murombo, kana kumupfumbatirira ruoko rwako; |
| 8. | asi umutambanudzire ruoko rwako kwazvo, umubatsire nechikwerete zvinoringana pakushaiwa kwake, sezvaanokumbira. |
| 9. | Chenjera kuti urege kufunga zvakaipa mumoyo mako, uchiti, `Gore rechinomwe, iro gore resununguro, riri pedo,' iwe ukava nomufungo wakaipa kuhama yako, ukasamupa chinhu; iye akachema kuna Jehovha Mwari wako pamusoro pako, chikava chivi kwauri. |
| 10. | Unofanira kumupa zvakanaka, moyo wako haufaniri kuva neshungu, kana uchimupa; nokuti nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pamabasa ako ose, napazvose zvaunobata namaoko ako. |
| 11. | Nokuti varombo havangatongoperi panyika; naizvozvo ndinokuraira ndichiti, `Utambanudzire ruoko rwako zvakanaka kuhama yako, kuna iye unoshaiwa, nokuna varombo vako panyika yako.' |
| 12. | "Kana hama yako murume muHebheru kana mukadzi muHebheru achinge atengeswa kwauri, akakubatira makore matanhatu, iwe unofnaira kumurega negore rechinomwe aende hake. |
| 13. | Zvino kana uchimurega kuti aende hake, usamuendisa asine chinhu. |
| 14. | Unofanira kumugoverera zvakanaka pamakwai ako, napaburiro rako, napachisviniro chako chewaini; sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako, unofanira kumupa saizvozvo. |
| 15. | Unofanira kurangarira iwe kuti wakanga uri muranda munyika Jehovha Mwari wako akakudzikunura; naizvozvo ndinokuraira chinhu ichi nhasi. |
| 16. | "Asi kana akati kwauri, `Handidi hangu kubva kwamuri,' nokuti unokuda iwe naveimba yako, nokuti unofara hake newe, |
| 17. | ipapo unofanira kutora runji ndokuurura nzeve yake narwo pamukova, iye agova muranda wako nokusingaperi:. Uye murandakadzi wako unofanira kumuitirawo saizvozvo. |
| 18. | Hazvifaniri kuita sokukusvibisa moyo wako kana muchimurega kuti aende hake; nokuti wakakubatira makore matanhatu, achifanirwa nomubayiro wavaranda vaviri; Jehovha Mwari wako uchakuropafadza pane zvose zvaunoita. |
| 19. | "Mikono yose yavana vemhongora dzemombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehovha Mwari wako; haufaniri kubata basa nomwana wemhongora dzemombe dzako, kana kuveura vana vemhongora dzamakwai ako. |
| 20. | Unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako gore rimwe nerimwe panzvimbo ichatsaurwa naJehovha, iwe nemhuri yako. |
| 21. | Kana chakaremara, zvimwe chinokuremara kwokukamhina, kana upofu, kana kuremara kwakaipa kupi nokupi, haufaniri kuchibayira Jehovha Mwari wako. |
| 22. | Unofanira kuchidya mukati mamasuo ako; wakanaka nousina kunaka vose vanofanira kuchidya, sezvavanodya mhara nenondo. |
| 23. | Asi urege kudya ropa racho, unofanira kuriteurira pasi semvura. |
| ← Deuteronomy (15/34) → |