| ← Deuteronomy (13/34) → |
| 1. | "Zvino kana muporofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza chiratidzo kana chinoshamisa, |
| 2. | icho chiratidzo kana chinoshamisa chikaitika, chaakataura kwauri, achiti, `Ngatitevere vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, tivashumire;' |
| 3. | usateerera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu unokuidzai, kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nomoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose. |
| 4. | Munofanira kutevera Jehovha Mwari wenyu nokumutya, nokuchengeta mirairo yake, nokuteerera inzwi rake, nokumushumira, nokumunamatira. |
| 5. | Asi muporofita uyo kana muroti uyo vanofanira kuurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehovha Mwari wenyu, iye wakakubudisai panyika yeIjipiti, nokukudzikunurai muimba youranda, akakutsausa panzira yawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambemo. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako. |
| 6. | "Kana munun’una wako, kana mwanakomana wamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mukadzi unodikanwa newe, kana shamwari yako yaunoda kwazvo, vakakutsausa pakavanda, vachiti, `Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, iwe, kana madzibaba ako; |
| 7. | vari vamwari vendudzi dzakakupoteredzai, dziri pedo newe, kana kure newe, kubva pano rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwenyika'; |
| 8. | haufaniri kumutenda, kana kumuteerera; ziso rako rirege kumunzwira tsitsi, kana kumurega, kana kumuvanza; |
| 9. | asi unofanira kumuuraya zvirokwazvo; ruoko rwako ngarutange kumuuraya, pashure maoko avamwe vanhu vose. |
| 10. | Unofanira kumutaka namabwe, afe, nokuti wakatsvaka kukutsausa ubve kuna Jehovha Mwari wako, iye wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda. |
| 11. | Valsiraeri vose vazvinzwe, vatye, varege kuzoita zvakaipa zvakadai pakati pako. |
| 12. | "Kana ukanzwa vachikuudza mune rimwe ramaguta ako aunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ugaremo, vachiti, |
| 13. | ‘Vana nyakuti vakaisvoipa varipo, vakabuda pakati pako', vakatsausa vagere muguta ravo, vachiti, `Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vamakanga musingazivi'; |
| 14. | zvino unofanira kuferefeta, nokutsvakisisa, nokubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndezvamazvokwadi, kuti ndizvo, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chakaitwa pakati pako; |
| 15. | zvirokwazvo unofanira kuparadza vanhu vagere muguta iro nomunondo unopinza, nokuriparadza chose, iro nezvose zviri mukati maro, nezvipfuwo zvaro, nomunondo unopinza. |
| 16. | Zvakapambwa zvose unofanira kuzviunganidzira pakati penzira huru yaro, nokupisira Jehovha Mwari wako guta nezvakapambwa zvaro zvose-zvose; zvinofanira kuva murwi nokusingaperi; harifaniri kuvakwazve. |
| 17. | Chinhu chimwe chezvakayeriswa ngachirege kunamatira pamaoko ako, kuti Jehovha azvidzore pakutsamwa kwake kukuru, akunzwire nyasha, ave netsitsi newe, akuwanze, sezvaakapikira madzibaba ako; |
| 18. | kana ukateerera inzwi raJehovha Mwari wako, ukachengeta mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, uchiita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako. |
| ← Deuteronomy (13/34) → |