Deuteronomy (13/34)  

1. "Zvino kana muporofita kana muroti akamuka pakati pako, akakuratidza chiratidzo kana chinoshamisa,
2. icho chiratidzo kana chinoshamisa chikaitika, chaakataura kwauri, achiti, `Ngatitevere vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, tivashumire;'
3. usateerera mashoko omuporofita uyo kana muroti uyo, nokuti Jehovha Mwari wenyu unokuidzai, kuti azive kana muchida Jehovha Mwari wenyu nomoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
4. Munofanira kutevera Jehovha Mwari wenyu nokumutya, nokuchengeta mirairo yake, nokuteerera inzwi rake, nokumushumira, nokumunamatira.
5. Asi muporofita uyo kana muroti uyo vanofanira kuurawa; nokuti wakataura mashoko anomukira Jehovha Mwari wenyu, iye wakakubudisai panyika yeIjipiti, nokukudzikunurai muimba youranda, akakutsausa panzira yawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambemo. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako.
6. "Kana munun’una wako, kana mwanakomana wamai vako, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana mukadzi unodikanwa newe, kana shamwari yako yaunoda kwazvo, vakakutsausa pakavanda, vachiti, `Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vawakanga usingazivi, iwe, kana madzibaba ako;
7. vari vamwari vendudzi dzakakupoteredzai, dziri pedo newe, kana kure newe, kubva pano rumwe rutivi rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwenyika';
8. haufaniri kumutenda, kana kumuteerera; ziso rako rirege kumunzwira tsitsi, kana kumurega, kana kumuvanza;
9. asi unofanira kumuuraya zvirokwazvo; ruoko rwako ngarutange kumuuraya, pashure maoko avamwe vanhu vose.
10. Unofanira kumutaka namabwe, afe, nokuti wakatsvaka kukutsausa ubve kuna Jehovha Mwari wako, iye wakakubudisa panyika yeIjipiti paimba youranda.
11. Valsiraeri vose vazvinzwe, vatye, varege kuzoita zvakaipa zvakadai pakati pako.
12. "Kana ukanzwa vachikuudza mune rimwe ramaguta ako aunopiwa naJehovha Mwari wako, kuti ugaremo, vachiti,
13. ‘Vana nyakuti vakaisvoipa varipo, vakabuda pakati pako', vakatsausa vagere muguta ravo, vachiti, `Hendei tindoshumira vamwe vamwari, vamakanga musingazivi';
14. zvino unofanira kuferefeta, nokutsvakisisa, nokubvunzisisa kwazvo; zvino kana ukaona kuti ndezvamazvokwadi, kuti ndizvo, kuti chinhu chinonyangadza chakadai chakaitwa pakati pako;
15. zvirokwazvo unofanira kuparadza vanhu vagere muguta iro nomunondo unopinza, nokuriparadza chose, iro nezvose zviri mukati maro, nezvipfuwo zvaro, nomunondo unopinza.
16. Zvakapambwa zvose unofanira kuzviunganidzira pakati penzira huru yaro, nokupisira Jehovha Mwari wako guta nezvakapambwa zvaro zvose-zvose; zvinofanira kuva murwi nokusingaperi; harifaniri kuvakwazve.
17. Chinhu chimwe chezvakayeriswa ngachirege kunamatira pamaoko ako, kuti Jehovha azvidzore pakutsamwa kwake kukuru, akunzwire nyasha, ave netsitsi newe, akuwanze, sezvaakapikira madzibaba ako;
18. kana ukateerera inzwi raJehovha Mwari wako, ukachengeta mirairo yake yose, yandinokuraira nhasi, uchiita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

  Deuteronomy (13/34)